RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Numeri 28:3-8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 “Uye uti kwavari, ‘Uyu ndiwo mupiro unopiswa nemoto wamuchauya nawo kuna Jehovha: pazuva, makwayana makono maviri akanaka ane gore rimwe chete semupiro unopiswa unogara uchipiwa.+ 4 Muchapa gwayana gono rimwe chete mangwanani, rimwe racho mozoripa panguva yerubvunzavaeni,*+ 5 pamwe chete nechegumi cheefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta akasvinwa anokwana chikamu chimwe pazvikamu zvina zvehini* kuti uve mupiro wezviyo.*+ 6 Iwo mupiro unogara uchipiswa nemoto+ wakatanga kupiwa paGomo reSinai kuti unhuhwirire zvakanaka,* mupiro unopisirwa Jehovha nemoto, 7 pamwe chete nemupiro wacho wechinwiwa, chikamu chimwe chete pazvina chehini pagwayana gono rimwe nerimwe.+ Dururirai Jehovha chinwiwa chacho chinodhaka munzvimbo tsvene. 8 Uye muchapa rimwe gwayana racho gono panguva yerubvunzavaeni.* Mucharipa pamwe chete nemupiro wezviyo nemupiro wechinwiwa sezvamunenge maita mangwanani, uve mupiro unopiswa nemoto, unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe