Genesisi 9:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Uyewo, ndichabvunza nezveropa reupenyu hwenyu* kana radeurwa. Ndichabvunza nezvaro kuzvisikwa zvese zvipenyu; uye ndichabvunza munhu mumwe nemumwe kana apfuudza upenyu hwehama yake.+ Eksodho 21:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 “Munhu wese anorova mumwe munhu zvekuti anofa, anofanira kuurayiwa.+ Revhitiko 24:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 “‘Kana munhu akauraya munhu,* iye anotofanira kuurayiwawo.+ Dheuteronomi 19:11, 12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 “Asi kana munhu aivenga mumwe wake,+ ndokumuhwandira, omurova ofa, munhu wacho otizira kune rimwe remaguta aya, 12 vakuru veguta rake vanofanira kubva vaita kuti aunzwe kwavari, vomuisa mumaoko emutsivi weropa, uye anofanira kufa.+
5 Uyewo, ndichabvunza nezveropa reupenyu hwenyu* kana radeurwa. Ndichabvunza nezvaro kuzvisikwa zvese zvipenyu; uye ndichabvunza munhu mumwe nemumwe kana apfuudza upenyu hwehama yake.+
11 “Asi kana munhu aivenga mumwe wake,+ ndokumuhwandira, omurova ofa, munhu wacho otizira kune rimwe remaguta aya, 12 vakuru veguta rake vanofanira kubva vaita kuti aunzwe kwavari, vomuisa mumaoko emutsivi weropa, uye anofanira kufa.+