RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Samueri anozodza Dhavhidhi kuti azova mambo (1-13)

        • “Jehovha anoona zviri mumwoyo” (7)

      • Mweya waMwari unobviswa pana Sauro (14-17)

      • Dhavhidhi anotanga kuridzira Sauro rudimbwa (18-23)

1 Samueri 16:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:35
  • +1Sa 15:23, 26
  • +1Mad 1:39
  • +Rut 4:17; 1Mak 2:12
  • +Ge 49:10; 1Sa 13:14; Pis 78:70; Mab 13:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/2010, p. 23

1 Samueri 16:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:17

1 Samueri 16:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 89:20

1 Samueri 16:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 4:11; 1Sa 20:6

1 Samueri 16:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:28; 1Mak 2:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/2010, p. 23

1 Samueri 16:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:21, 23
  • +1Mad 8:39; 1Mak 28:9; Pis 7:9; Zvi 24:12; Jer 17:10; Mab 1:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/2010, p. 23

    11/15/2004, p. 20

    3/15/2003, p. 15

    6/15/1999, p. 22

    11/1/1989, p. 28

1 Samueri 16:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:13; 1Mak 2:13

1 Samueri 16:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 13:3

1 Samueri 16:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2005, p. 9

    9/15/2002, p. 31

1 Samueri 16:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:14
  • +2Sa 7:8; Pis 78:70

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2011, pp. 28-29

    10/1/2005, p. 9

    9/15/2002, p. 31

1 Samueri 16:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:42
  • +1Sa 13:14; Pis 89:20; Mab 13:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2016, p. 9

1 Samueri 16:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:1; 1Mad 1:39
  • +Nu 11:17; Vat 3:9, 10; 1Sa 10:6; 2Sa 23:2
  • +1Sa 1:1, 19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2016, p. 9

1 Samueri 16:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:12; 28:15
  • +1Sa 18:10; 19:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, p. 23

1 Samueri 16:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 22:29

1 Samueri 16:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:32, 36, 45, 46
  • +1Sa 16:12
  • +1Sa 18:12

1 Samueri 16:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:15

1 Samueri 16:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 22:29

1 Samueri 16:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:14; 18:10; 19:9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 16:11Sa 15:35
1 Sam. 16:11Sa 15:23, 26
1 Sam. 16:11Mad 1:39
1 Sam. 16:1Rut 4:17; 1Mak 2:12
1 Sam. 16:1Ge 49:10; 1Sa 13:14; Pis 78:70; Mab 13:22
1 Sam. 16:21Sa 22:17
1 Sam. 16:3Pis 89:20
1 Sam. 16:4Rut 4:11; 1Sa 20:6
1 Sam. 16:61Sa 17:28; 1Mak 2:13
1 Sam. 16:71Sa 10:21, 23
1 Sam. 16:71Mad 8:39; 1Mak 28:9; Pis 7:9; Zvi 24:12; Jer 17:10; Mab 1:24
1 Sam. 16:81Sa 17:13; 1Mak 2:13
1 Sam. 16:92Sa 13:3
1 Sam. 16:111Sa 17:14
1 Sam. 16:112Sa 7:8; Pis 78:70
1 Sam. 16:121Sa 17:42
1 Sam. 16:121Sa 13:14; Pis 89:20; Mab 13:22
1 Sam. 16:131Sa 16:1; 1Mad 1:39
1 Sam. 16:13Nu 11:17; Vat 3:9, 10; 1Sa 10:6; 2Sa 23:2
1 Sam. 16:131Sa 1:1, 19
1 Sam. 16:141Sa 18:12; 28:15
1 Sam. 16:141Sa 18:10; 19:9
1 Sam. 16:16Zvi 22:29
1 Sam. 16:181Sa 17:32, 36, 45, 46
1 Sam. 16:181Sa 16:12
1 Sam. 16:181Sa 18:12
1 Sam. 16:191Sa 17:15
1 Sam. 16:21Zvi 22:29
1 Sam. 16:231Sa 16:14; 18:10; 19:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 16:1-23

Bhuku Rekutanga raSamueri

16 Jehovha akazoti kuna Samueri: “Ucharamba uchinetseka pamusoro paSauro+ kusvikira riini ini ndamuramba kuti ave mambo weIsraeri?+ Zadza nyanga yako nemafuta+ uende. Ndichakutuma kuna Jese+ wekuBhetrehema, nekuti ndasarudza mambo pavanakomana vake.”+ 2 Asi Samueri akati: “Ndingaenda sei? Kana Sauro akanzwa nezvazvo achandiuraya.”+ Jehovha akapindura kuti: “Tora tsiru uende naro wobva wati, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ 3 Shevedza Jese kuti auye kuchibayiro chacho; uye ndichabva ndakuudza zvekuita. Unofanira kundizodzera munhu wandichakusarudzira.”+

4 Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Paakasvika kuBhetrehema,+ vakuru veguta vakadedera pavakasangana naye, uye vakati: “Kwakanaka here zvamauya kuno?” 5 Iye akabva ati: “Kwakanaka. Ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvitsvenesei tiende tese kuchibayiro chacho.” Akabva atsvenesa Jese nevanakomana vake, achibva avashevedza kuchibayiro chacho. 6 Pavaipinda panzvimbo yaibayirwa, akaona Eriyabhi+ achibva ati: “Chokwadi uyu ndiye muzodziwa waJehovha akamira pamberi pake.” 7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarisa chimiro chake nekureba kwake,+ nekuti haasi iye wandasarudza. Nekuti maonero anoita munhu haasi iwo maonero anoita Mwari, nekuti munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”+ 8 Jese akabva ashevedza Abhinadhabhi+ akaita kuti apfuure nepamberi paSamueri, asi iye akati: “Jehovha haanawo kusarudza uyu.” 9 Jese akazoita kuti Shamaa+ auye, asi iye akati: “Jehovha haanawo kusarudza uyu.” 10 Saka Jese akaita kuti vanakomana vake 7 vapfuure nepamberi paSamueri, asi Samueri akati kuna Jese: “Jehovha haana waasarudza pane ava.”

11 Samueri akazoti kuna Jese: “Ndivo vanakomana vako vese here ava?” Iye akabva ati: “Mudiki wacho+ haana kushevedzwa; ari kufudza makwai.”+ Samueri akabva ati kuna Jese: “Ita kuti anoshevedzwa, nekuti hatisi kuzogara pasi kuti tidye kusvikira auya pano.” 12 Saka akaita kuti anoshevedzwa uye akabva auya. Akanga ari mutsvuku, aine maziso akanaka, aine chimiro chakanaka.+ Jehovha akabva ati: “Simuka umuzodze, nekuti uyu ndiye munhu wacho!”+ 13 Saka Samueri akatora nyanga yemafuta,+ akamuzodza vakoma vake varipo. Mweya waJehovha wakatanga kupa Dhavhidhi simba kubva pazuva iroro zvichienda mberi.+ Gare gare Samueri akasimuka, akaenda kuRama.+

14 Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro,+ uye mweya wakaipa waibva kuna Jehovha waimutambudza.+ 15 Varanda vaSauro vakati kwaari: “Onai, mweya wakaipa unobva kuna Mwari uri kukutambudzai. 16 Tapota, ishe wedu ngaarayire varanda venyu vari pamberi penyu kuti vatsvage munhu ane unyanzvi hwekuridza rudimbwa.+ Pese panouya mweya wakaipa unobva kuna Mwari pamuri, iye acharidza rudimbwa, uye muchanzwa zviri nani.” 17 Saka Sauro akati kuvaranda vake: “Ndapota, nditsvagirei munhu anoridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.”

18 Mumwe wevaranda vacho akati: “Ndakaona kuti mumwe mwanakomana waJese wekuBhetrehema anoridza neunyanzvi, uye murwi akashinga ane simba.+ Anotaura zvakanaka, uye ane chiso chakanaka,+ uye Jehovha anaye.”+ 19 Sauro akabva atuma nhume kuna Jese akati: “Nditumire Dhavhidhi mwanakomana wako ari kumakwai.”+ 20 Saka Jese akatora dhongi akaritakudza chingwa, nehomwe yedehwe yewaini, nembudzi diki, akazvitumira nemwanakomana wake Dhavhidhi kuna Sauro. 21 Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akatanga kumushandira.+ Sauro akatanga kumuda kwazvo, uye akava mutakuri wezvombo zvake. 22 Sauro akatumira shoko kuna Jese, achiti: “Ndapota, Dhavhidhi ngaarambe achindishandira, nekuti ndamufarira.” 23 Mweya wakaipa waibva kuna Mwari pawaiuya pana Sauro, Dhavhidhi aitora rudimbwa oridza, uye Sauro aizorodzwa onzwa zviri nani, uye mweya wakaipa waibva paari.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe