RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Jerusarema iguta rine mhosva yekudeura ropa (1-16)

      • Israeri yakaita setsvina inobviswa pasimbi (17-22)

      • VaIsraeri nevatungamiriri vavo vanotongwa (23-31)

Ezekieri 22:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:16; Jer 2:34; Mt 23:37
  • +Eze 16:51

Ezekieri 22:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 24:6
  • +Eze 12:25
  • +2Mad 21:11

Ezekieri 22:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:6
  • +Re 26:30; Eze 23:37
  • +Dhe 28:37; 1Mad 9:7; Pis 80:6; Eze 23:32; Dha 9:16

Ezekieri 22:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:4

Ezekieri 22:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:23; Mik 3:1-3; Zef 3:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2012, p. 27

Ezekieri 22:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 27:16
  • +Eks 22:21, 22; Pis 82:3; Isa 1:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2012, p. 27

Ezekieri 22:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:30

Ezekieri 22:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:1; Re 19:16
  • +Jer 13:27

Ezekieri 22:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanozvidza mubhedha.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:7; 20:11
  • +Re 18:19; 20:18

Ezekieri 22:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:20; 20:10; Jer 5:8
  • +Re 18:15
  • +Re 20:17

Ezekieri 22:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:8; Dhe 27:25; Isa 1:23
  • +Dhe 23:19
  • +Eks 22:25; Re 6:4, 5

Ezekieri 22:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 21:7

Ezekieri 22:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:27; 28:25
  • +Isa 1:25; Eze 23:27

Ezekieri 22:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 6:13

Ezekieri 22:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 17:3; Jer 6:28-30

Ezekieri 22:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 119:119; Zvi 25:4

Ezekieri 22:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 21:31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 20

Ezekieri 22:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:24; Pis 21:9; Jer 21:12
  • +Pis 68:2

Ezekieri 22:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:31; 6:13, 14
  • +Mik 3:5

Ezekieri 22:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:8; Mari 4:13; Mik 3:11
  • +Re 20:3; 22:2
  • +Re 10:10
  • +Re 11:46, 47

Ezekieri 22:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 3:1-3; Zef 3:3

Ezekieri 22:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:10; Jer 23:25; Mari 2:14; Eze 13:9, 10

Ezekieri 22:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:23; 3:14; Jer 21:12; Mik 2:2

Ezekieri 22:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:11; Pis 106:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 20

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 22:22Mad 21:16; Jer 2:34; Mt 23:37
Ezek. 22:2Eze 16:51
Ezek. 22:3Eze 24:6
Ezek. 22:3Eze 12:25
Ezek. 22:32Mad 21:11
Ezek. 22:4Ge 9:6
Ezek. 22:4Re 26:30; Eze 23:37
Ezek. 22:4Dhe 28:37; 1Mad 9:7; Pis 80:6; Eze 23:32; Dha 9:16
Ezek. 22:5Pis 79:4
Ezek. 22:6Isa 1:23; Mik 3:1-3; Zef 3:3
Ezek. 22:7Dhe 27:16
Ezek. 22:7Eks 22:21, 22; Pis 82:3; Isa 1:17
Ezek. 22:8Re 19:30
Ezek. 22:9Eks 23:1; Re 19:16
Ezek. 22:9Jer 13:27
Ezek. 22:10Re 18:7; 20:11
Ezek. 22:10Re 18:19; 20:18
Ezek. 22:11Re 18:20; 20:10; Jer 5:8
Ezek. 22:11Re 18:15
Ezek. 22:11Re 20:17
Ezek. 22:12Eks 23:8; Dhe 27:25; Isa 1:23
Ezek. 22:12Dhe 23:19
Ezek. 22:12Eks 22:25; Re 6:4, 5
Ezek. 22:14Eze 21:7
Ezek. 22:15Dhe 4:27; 28:25
Ezek. 22:15Isa 1:25; Eze 23:27
Ezek. 22:16Eze 6:13
Ezek. 22:18Zvi 17:3; Jer 6:28-30
Ezek. 22:19Pis 119:119; Zvi 25:4
Ezek. 22:20Eze 21:31
Ezek. 22:21Dhe 4:24; Pis 21:9; Jer 21:12
Ezek. 22:21Pis 68:2
Ezek. 22:25Jer 5:31; 6:13, 14
Ezek. 22:25Mik 3:5
Ezek. 22:26Jer 2:8; Mari 4:13; Mik 3:11
Ezek. 22:26Re 20:3; 22:2
Ezek. 22:26Re 10:10
Ezek. 22:26Re 11:46, 47
Ezek. 22:27Mik 3:1-3; Zef 3:3
Ezek. 22:28Isa 30:10; Jer 23:25; Mari 2:14; Eze 13:9, 10
Ezek. 22:29Isa 1:23; 3:14; Jer 21:12; Mik 2:2
Ezek. 22:30Eks 32:11; Pis 106:23
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 22:1-31

Ezekieri

22 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, wagadzirira here kuudza guta rine mhosva yekudeura ropa+ mutongo waro, uye kurizivisa zvinhu zvaro zvese zvinosemesa?+ 3 Riudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwe guta rinodeura ropa+ revanhu varo, guta richasvikirwa nenguva yaro,+ uye rinogadzira zvidhori zvinosemesa* zvinorisvibisa,+ 4 une mhosva yekudeura ropa,+ uye zvidhori zvako zvinosemesa zvakusvibisa.+ Waita kuti kuguma kwako kukurumidze kusvika, uye makore ako asvika pamagumo. Ndokusaka ndichaita kuti uzvidzwe nemarudzi uye usekwe nenyika dzese.+ 5 Nyika dziri pedyo nedziya dziri kure newe dzichakuseka,+ iwe ane zita risina kuchena, uye azere nemheremhere. 6 Inzwa! Jinda rimwe nerimwe reIsraeri riri mauri rinoshandisa simba raro kuti rideure ropa.+ 7 Vanhu vako vanozvidza baba naamai.+ Vanobiridzira mutorwa, uye vanoitira nherera nechirikadzi utsinye.”’”+

8 “‘Unozvidza nzvimbo dzangu tsvene, uye unosvibisa masabata angu.+ 9 Une vanhu vanotaura mashoko anosvibisa mazita evamwe nechinangwa chekudeura ropa.+ Vanodya zvibayiro mumakomo uye vanoita zvinhu zvakafumuka.+ 10 Varume vari mauri vanorara nemukadzi* wababa vavo+ uye vanorara nemukadzi ari kumwedzi.+ 11 Mumwe anoita zvinhu zvinosemesa nemukadzi wemumwe wake,+ mumwe achiita zvakafumuka nemuroora wake achimusvibisa,+ mumwe achirara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake.+ 12 Vanhu vako vanopiwa chiokomuhomwe kuti vadeure ropa.+ Paunokweretesa unobhadharisa mubereko+ uchiita zvechimbadzo, uye unotorera vavakidzani vako mari nechisimba.+ Wandikanganwa zvachose,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

13 “‘Inzwa! Ndinoombera maoko angu ndichisemeswa nepfuma yawakawana uchibiridzira, uye nemabasa ekudeura ropa anoitwa mauri. 14 Ucharamba wakashinga uye maoko ako acharamba aine simba here pandichakurwisa?+ Ini, Jehovha, ndataura uye ndichazviita. 15 Ndichaita kuti muite rumwe rumwe pakati pemarudzi, ndoita kuti mupararire nenyika,+ uye ndichabvisa zvese zvisina kuchena pakati penyu.+ 16 Muchazvidzwa pamberi pemarudzi, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’”+

17 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 18 “Mwanakomana wemunhu, kwandiri imba yaIsraeri yaita setsvina isingabatsiri. Vese zvavo imhangura netini nesimbi nemutobvu zviri muchoto. Vaita setsvina yabviswa pasirivha.+

19 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kukuunganidzai muJerusarema,+ nekuti mese zvenyu mangofanana netsvina isingabatsiri. 20 Sezvinoita sirivha nemhangura nesimbi nemutobvu netini zvinoiswa muchoto, moto wopfutidzwa uchizvinyungudutsa, ndichakuunganidzaiwo ndakatsamwa uye ndiine hasha, uye ndichapfutidzira moto pamuri monyunguduka.+ 21 Ndichakuunganidzai ndokupfutidzirai moto wekutsamwa kwangu kukuru,+ uye muchanyungudukira imomo.+ 22 Muchanyungudutswa mariri sesirivha iri muchoto; uye muchaziva kuti ini, Jehovha, ndadurura hasha dzangu pamuri.’”

23 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 24 “Mwanakomana wemunhu, iti kuguta racho, ‘Uri nyika isingazocheneswi uye isingazonayi mvura pazuva rekutsamwa. 25 Vaprofita varo vakarangana imomo,+ vachiita seshumba iri kuomba ichibvambura mhuka yayabata.+ Vari kupedza vanhu. Vari kupamba pfuma nezvinhu zvinokosha. Vaita kuti chirikadzi dziwande mariri. 26 Vapristi varo vakatyora mutemo wangu,+ uye vanoramba vachisvibisa nzvimbo dzangu tsvene.+ Havasiyanisi chinhu chitsvene nezvimwe zvinhu,+ uye vanotadza kuudza vanhu chinhu chakachena nechisina kuchena,+ vanoramba kuchengeta masabata angu, uye ndiri kuzvidzwa pakati pavo. 27 Machinda aro akaita semhumhi dziri kubvambura mhuka; anodeura ropa achiuraya vanhu kuti awane pfuma nenzira dzakaipa.+ 28 Asi vaprofita varo vakadzurura mabasa awo nevhu jena. Vanoona zviratidzo zvisiri zvechokwadi uye vanofembera zvenhema,+ uye vanoti: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha,” iye Jehovha asina chaambotaura. 29 Vanhu vemunyika yacho vakabiridzira uye vakaita ugororo,+ vakaitira utsinye vanotambura nevarombo, vakabiridzira mutorwa uye havana kutonga nyaya yake zvakarurama.’

30 “‘Ndaitsvaga munhu angagadziridza rusvingo rwematombo pakati pavo kana angamira pakaputsika rusvingo achichengetedza nyika yacho kuti irege kuparadzwa,+ asi ndakamushaya. 31 Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pavari ndovaparadza nemoto wekutsamwa kwangu kukuru. Ndichavaranga zvinoenderana nenzira yavo,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe