RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 109
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raMapisarema

      • Munyengetero wemunhu ari kutambudzika

        • “Mumwe munhu ngaatore basa rake” (8)

        • Mwari anomira parutivi pemurombo (31)

Pisarema 109:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 33:1

Pisarema 109:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 15:2, 3; Pis 31:18

Pisarema 109:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 15:12; 16:5-7; Pis 69:4

Pisarema 109:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 13:39

Pisarema 109:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 35:11, 12; 38:19, 20
  • +Pis 55:12-14

Pisarema 109:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mupomeri.”

Pisarema 109:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ngaanzi munhu akaipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:15; Mik 3:4

Pisarema 109:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 55:23; Mt 27:5
  • +Mab 1:16-20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupupurira Kwazvo, pp. 18-19

    “Rugwaro Rwose,” p. 204

Pisarema 109:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Vanakomana.”

Pisarema 109:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Vanakomana.”

Pisarema 109:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Anoita zvechimbadzo ngaateyere misungo.”

Pisarema 109:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rudo rusingachinji.”

Pisarema 109:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 37:28

Pisarema 109:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 3:28, 29; 21:1

Pisarema 109:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 34:16

Pisarema 109:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rudo rusingachinji.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jak 2:13
  • +Pis 10:2
  • +2Sa 16:11; 17:1, 2; Pis 37:32

Pisarema 109:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 109:29

Pisarema 109:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezvemweya wangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 17:23

Pisarema 109:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 25:11; 31:3
  • +Pis 36:7; 69:16; 86:5

Pisarema 109:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 40:17
  • +Pis 102:4

Pisarema 109:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2006, p. 13

Pisarema 109:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nyama yangu yaonda, haisisina kana mafuta.”

Pisarema 109:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 31:11
  • +Pis 22:7; Mt 27:39

Pisarema 109:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nenguo isina maoko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 35:26

Pisarema 109:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 22:22

Pisarema 109:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kutongera mweya wake rufu.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2006, p. 14

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Pis. 109:1Pis 33:1
Pis. 109:22Sa 15:2, 3; Pis 31:18
Pis. 109:32Sa 15:12; 16:5-7; Pis 69:4
Pis. 109:42Sa 13:39
Pis. 109:5Pis 35:11, 12; 38:19, 20
Pis. 109:5Pis 55:12-14
Pis. 109:7Isa 1:15; Mik 3:4
Pis. 109:8Pis 55:23; Mt 27:5
Pis. 109:8Mab 1:16-20
Pis. 109:13Pis 37:28
Pis. 109:142Sa 3:28, 29; 21:1
Pis. 109:15Pis 34:16
Pis. 109:16Jak 2:13
Pis. 109:16Pis 10:2
Pis. 109:162Sa 16:11; 17:1, 2; Pis 37:32
Pis. 109:19Pis 109:29
Pis. 109:202Sa 17:23
Pis. 109:21Pis 25:11; 31:3
Pis. 109:21Pis 36:7; 69:16; 86:5
Pis. 109:22Pis 40:17
Pis. 109:22Pis 102:4
Pis. 109:25Pis 31:11
Pis. 109:25Pis 22:7; Mt 27:39
Pis. 109:29Pis 35:26
Pis. 109:30Pis 22:22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Pisarema 109:1-31

Mapisarema

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.

109 Haiwa Mwari wandinorumbidza,+ musaramba makanyarara.

 2 Nekuti vakaipa nevanyengeri vanoshama miromo yavo vachitaura zvakaipa nezvangu.

Vanotaura nezvangu nerurimi runoreva nhema;+

 3 Vanondikomba nemashoko eruvengo,

Uye vanondirwisa pasina zvandaita.+

 4 Vanondipikisa pandinoratidza kuvada;+

Asi ini ndinoramba ndichinyengetera.

 5 Vanonditsiva nezvakaipa pandinovaitira zvakanaka,+

Uye vanondivenga ini ndichivada.+

 6 Gadzai munhu akaipa pamusoro pake;

Mupikisi* ngaamire kuruoko rwake rwerudyi.

 7 Paanotongwa, ngaawanikwe aine mhosva;*

Kunyange munyengetero wake ngauonekwe sechivi.+

 8 Mazuva ake ngaave mashoma;+

Mumwe munhu ngaatore basa rake reutariri.+

 9 Vana* vake ngavave nherera,

Uye mudzimai wake ngaave chirikadzi.

10 Vana* vake ngavave vapemhi vanodzungaira,

Vachitsvaga zvekudya mumatongo edzimba dzavo.

11 Anomukweretesa ngaatore* zvese zvaainazvo,

Uye vanhu vaasingazivi ngavapambe zvinhu zvake.

12 Ngaparege kuva nemunhu anomuratidza mutsa,*

Uye ngaparege kuva nemunhu anonzwira nyasha nherera dzake.

13 Vazukuru vake ngavaparadzwe;+

Zita ravo ngaridzimwe muchizvarwa chavo.

14 Kukanganisa kwemadzitateguru ake ngakuyeukwe naJehovha,+

Uye chivi chaamai vake ngachirege kudzimwa.

15 Jehovha ngaarambe achirangarira zvavakaita;

Uye ngaaite kuti vasazoyeukwa zvakare panyika.+

16 Nekuti haana kuyeuka kuratidza mutsa,*+

Asi akaramba achidzingirira munhu akadzvinyirirwa,+ murombo, uye akaora mwoyo

Kuti amuuraye.+

17 Aida kutuka, saka ndiye akazotukwa;

Akanga asingadi kukomborera, saka haana kukomborerwa.

18 Akapfekedzwa kutukwa senguo yake.

Uye kutukwa kwakadururirwa mumuviri make semvura,

Mumapfupa ake semafuta.

19 Kutukwa kwake ngakuite sezvipfeko zvaanozviputira nazvo+

Uye sebhandi raanogara akasunga.

20 Uyu ndiwo mubayiro unobva kuna Jehovha wemunhu anondipikisa+

Uye wevaya vanotaura zvakaipa nezvangu.*

21 Asi imi, Jehovha Changamire Ishe,

Ndiitirei zvakanaka nekuda kwezita renyu.+

Ndinunurei, nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakanaka.+

22 Nekuti handina mubatsiri uye ndiri murombo,+

Uye mwoyo wangu wakabayiwa mukati mangu.+

23 Ndiri kupfuura semumvuri uri kupera;

Ndazunzirwa pasi semhashu.

24 Mabvi angu apera simba nekutsanya;

Muviri wangu waonda, uye ndiri kuperezeka.*

25 Ndini wavava kungonyomba.+

Pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.+

26 Ndibatsireiwo Jehovha Mwari wangu;

Ndiponesei nerudo rwenyu rusingachinji.

27 Ngavazive kuti izvi zviri kuitwa neruoko rwenyu;

Kuti imi, haiwa Jehovha, makazviita.

28 Regai vatuke, asi imi komborerai.

Pavanosimuka kuti vandirwise, ngavanyadziswe,

Asi itai kuti mushumiri wenyu afare.

29 Vaya vanondipikisa ngavapfekedzwe nyadzi;

Ngavaputirwe mukunyara kwavo sekunge vakaputirwa nenguo.*+

30 Muromo wangu uchanyatsorumbidza Jehovha;

Ndichamurumbidza pamberi pevanhu vazhinji.+

31 Nekuti achamira kuruoko rwerudyi rwemurombo

Kuti amuponese pane vaya vanoda kumutongera rufu.*

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe