Isaya
20 Gore rakatumwa muTatani* kuAshdhodhi naMambo Sagoni weAsiriya,+ akaenda kunorwisa Ashdhodhi, akaitora.+ 2 Panguva iyoyo Jehovha akataura naIsaya+ mwanakomana waAmozi, achiti: “Enda, ubvise masaga muhudyu dzako, uye ubvise shangu mutsoka dzako.” Akaita saizvozvo, achifamba asina kupfeka* uye asina shangu.
3 Jehovha akabva ati: “Mushumiri wangu Isaya zvaakafamba asina kupfeka uye asina shangu kwemakore matatu sechiratidzo+ nemucherechedzo wezvichaitika kuIjipiti+ neItiopiya,+ 4 mambo weAsiriya achaendawo nevasungwa kubva kuIjipiti+ nenhapwa dzekuItiopiya, vakomana nevarume vakwegura, avo vanenge vasina kupfeka uye vasina shangu, vaine magaro ari pachena, iko kusapfeka kweIjipiti.* 5 Vachatya kwazvo uye vachanyara neItiopiya, iyo tariro yavo uye neIjipiti yavaidada nayo.* 6 Vagari vemunyika iyi yepamahombekombe egungwa vachati pazuva iroro, ‘Tarisai muone zvaitika kutariro yedu, kwatakatizira kuti tibatsirwe uye tinunurwe pana mambo weAsiriya! Zvino tichapukunyuka sei?’”