RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 38
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Jeremiya anokandwa mumugodhi (1-6)

      • Ebhedhi-mereki anonunura Jeremiya (7-13)

      • Jeremiya anoudza Zedhekiya kuti azviise kuvanhu veBhabhironi (14-28)

Jeremiya 38:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:3
  • +Jer 21:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 55

    Nharireyomurindi,

    9/15/2006, pp. 14-15

Jeremiya 38:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nechirwere.”

  • *

    ChiHeb., “anobuda achienda kuvaKadheya.”

  • *

    Kana kuti “nemweya wake.”

  • *

    Kana kuti “achatiza neupenyu hwake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 27:13; 29:18; Eze 7:15
  • +Jer 21:8-10

Jeremiya 38:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:1, 2; 2Mak 36:17

Jeremiya 38:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “maoko emauto.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 26:11

Jeremiya 38:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 33:1; 37:21; 38:28

Jeremiya 38:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “wemumuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:16
  • +Jer 37:13

Jeremiya 38:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

Jeremiya 38:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 52:6

Jeremiya 38:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 20:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2012, p. 31

Jeremiya 38:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:21

Jeremiya 38:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vari kutsvaga mweya wako.”

Jeremiya 38:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wenyu ucharamba uchirarama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:9; 27:12

Jeremiya 38:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:8, 9
  • +2Mad 25:6; Jer 39:5

Jeremiya 38:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wenyu ucharamba uchirarama.”

Jeremiya 38:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

  • *

    ChiHeb., “Varume verugare rwako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:3
  • +Mari 1:2

Jeremiya 38:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:7
  • +Jer 52:8, 13

Jeremiya 38:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 38:4

Jeremiya 38:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:15

Jeremiya 38:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 15:20; 32:2; 33:1; 37:21; 39:13, 14
  • +2Mad 25:8, 9; 2Mak 36:17

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 38:1Jer 37:3
Jer. 38:1Jer 21:1, 2
Jer. 38:2Jer 27:13; 29:18; Eze 7:15
Jer. 38:2Jer 21:8-10
Jer. 38:32Mad 25:1, 2; 2Mak 36:17
Jer. 38:4Jer 26:11
Jer. 38:6Jer 33:1; 37:21; 38:28
Jer. 38:7Jer 39:16
Jer. 38:7Jer 37:13
Jer. 38:9Jer 52:6
Jer. 38:112Mad 20:13
Jer. 38:13Jer 37:21
Jer. 38:17Jer 21:9; 27:12
Jer. 38:182Mad 25:8, 9
Jer. 38:182Mad 25:6; Jer 39:5
Jer. 38:22Jer 39:3
Jer. 38:22Mari 1:2
Jer. 38:232Mad 25:7
Jer. 38:23Jer 52:8, 13
Jer. 38:25Jer 38:4
Jer. 38:26Jer 37:15
Jer. 38:28Jer 15:20; 32:2; 33:1; 37:21; 39:13, 14
Jer. 38:282Mad 25:8, 9; 2Mak 36:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 38:1-28

Jeremiya

38 Zvino Shefatiya mwanakomana waMetani, Gedhariya mwanakomana waPashuri, Jukari+ mwanakomana waSheremiya, naPashuri+ mwanakomana waMarikija vakanzwa mashoko akanga achitaurirwa vanhu vese naJeremiya, achiti: 2 “Zvanzi naJehovha, ‘Munhu anoramba ari muguta rino achaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.*+ Asi munhu achaenda kunozviisa mumaoko evaKadheya* acharamba achirarama uye achava neupenyu hwake* sechinhu chaapamba* uye achapona.’+ 3 Zvanzi naJehovha, ‘Guta rino richatoiswa mumaoko euto ramambo weBhabhironi, uye acharitora.’”+

4 Machinda akati kuna mambo: “Tapota, itai kuti murume uyu aurayiwe,+ nekuti mashoko iwayo aari kutaura ari kunetesa mauto* asara muguta rino nevanhu vese. Nekuti murume uyu haasi kuda kuti vanhu ava vave nerugare asi ari kuda kuti vawirwe nedambudziko.” 5 Mambo Zedhekiya akapindura kuti: “Ari mumaoko enyu, mambo haana zvaanogona kuita kuti akudzivisei.”

6 Saka vakatora Jeremiya, vakamukanda mumugodhi wemvura waMarikija mwanakomana wamambo, waiva muChivanze cheVarindi.+ Vakadzikisa Jeremiya netambo. Zvino mumugodhi macho makanga musina mvura, maingova nematope chete, uye Jeremiya akatanga kunyura mumatope acho.

7 Ebhedhi-mereki+ muItiopiya, uyo aiva mukuru wemuimba yamambo,* akanzwa kuti vakanga vaisa Jeremiya mumugodhi. Zvino mambo akanga akagara paGedhi raBhenjamini,+ 8 saka Ebhedhi-mereki akabuda muimba yamambo* akataura namambo, achiti: 9 “Ishe wangu mambo, varume ava vaitira muprofita Jeremiya zvakaipa! Vamukanda mumugodhi, uye achafira imomo nenzara, nekuti muguta hamusisina chingwa.”+

10 Mambo akabva arayira Ebhedhi-mereki muItiopiya, achiti: “Tora varume 30 muno, ubudise muprofita Jeremiya mumugodhi asati afa.” 11 Saka Ebhedhi-mereki akatora varume vacho, akapinda muimba yamambo,* akaenda munzvimbo iri pasi pemunochengeterwa pfuma,+ uye vakatora mamvemve nemachira akasakara imomo, vakazvidzikisira Jeremiya mumugodhi netambo. 12 Ebhedhi-mereki muItiopiya akabva ati kuna Jeremiya: “Ndapota, isa mamvemve nemachira akasakara muhapwa dzako wobva wazoisa tambo.” Jeremiya akaita saizvozvo, 13 uye vakadhonza Jeremiya netambo, vakamubudisa mumugodhi macho. Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi.+

14 Mambo Zedhekiya akaita kuti muprofita Jeremiya ashevedzwe kuti auye kwaaiva kusuo rechitatu, riri muimba yaJehovha, uye mambo akati kuna Jeremiya: “Pane zvandiri kuda kukubvunza. Usawana chaunondivanzira.” 15 Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya: “Kana ndikakuudzai, hamumboregi kundiuraya. Uye kana ndikakupai mazano, hamusi kuzonditeerera.” 16 Saka Mambo Zedhekiya akapika kuna Jeremiya vari vega, achiti: “NaJehovha mupenyu, akatipa upenyu huno, handikuurayi, uye handizokuisi mumaoko evarume ava vari kuda kukuuraya.”*

17 Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya: “Zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Kana mukazviisa mumaoko emachinda amambo weBhabhironi, muchapona* uye guta rino harizopiswi nemoto, uye imi neimba yenyu hamuzofi.+ 18 Asi kana mukarega kuzviisa mumaoko emachinda amambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko evaKadheya, uye vacharipisa nemoto,+ uye hamuzopukunyuki mumaoko avo.’”+

19 Mambo Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya: “Ndiri kutya vaJudha vaya vakatizira kuvaKadheya, nekuti kana ndikaiswa mumaoko avo, vanogona kundiitira utsinye.” 20 Asi Jeremiya akati: “Hamuzoiswi mumaoko avo. Ndapota, teererai inzwi raJehovha pane zvandiri kukuudzai, uye zvichakufambirai zvakanaka, uye mucharamba muchirarama.* 21 Asi kana mukaramba kuzviisa mumaoko emachinda acho, izvi ndizvo zvandaratidzwa naJehovha: 22 Vakadzi vese vasara muimba yamambo* weJudha vari kuendeswa kumachinda amambo weBhabhironi,+ uye vari kuti,

‘Varume vamaivimba navo* vakunyengerai uye vakukundai.+

Vaita kuti tsoka yenyu inyure mumatope.

Iye zvino vatendeuka vakatiza.’

23 Vari kuendesa madzimai enyu ese nevanakomana venyu kuvaKadheya, uye hamuzopukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi,+ uye muchapisisa guta rino nemoto.”+

24 Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya: “Usaita kuti pave neanoziva zvinhu izvi, kuti urege kufa. 25 Uye kana machinda akanzwa kuti ndataura newe ouya kwauri oti, ‘Tapota tiudze zvawaudza mambo. Usava nechaunotivanzira uye hatizokuurayi.+ Mambo ati chii kwauri?’ 26 uti kwaari, ‘Ndanga ndichikumbira mambo kuti arege kundidzorera kuimba yaJehonatani kuti ndirege kufira ikoko.’”+

27 Papera nguva, machinda ese akapinda maiva naJeremiya akamubvunza. Akaaudza zvese zvaakanga anzi namambo ataure. Saka hapana zvavakazotaura naye, nekuti hapana akanga avanzwa vachitaurirana. 28 Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi kusvika pazuva rakatorwa Jerusarema;+ akanga achirimo pakatorwa Jerusarema.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe