RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • VaHebheru 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVaHebheru

      • Shanda nesimba kuti ukure (1-3)

      • Vaya vari kutsauka vakaroverera Mwanakomana padanda zvakare (4-8)

      • Itai kuti tariro yenyu ive yechokwadi (9-12)

      • Zvakavimbiswa naMwari zvinotoitika (13-20)

        • Vimbiso yaMwari uye mhiko hazvichinji (17, 18)

VaHebheru 6:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 5:12
  • +1VaK 14:20; VaE 4:13; VaH 5:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    6/2018, pp. 19-20

    Ramba Uri Murudo rwaMwari, pp. 229-231

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    10/2016, pp. 29-30

    “Rudo rwaMwari,” pp. 199-202

    Nharireyomurindi,

    5/15/2009, pp. 9-13

    1/1/1998, p. 9

    7/1/1992, pp. 26-29

    Namata Mwari, p. 8

VaHebheru 6:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 8:17
  • +Mt 22:31; Joh 5:28, 29; 11:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    12/2017, pp. 8-9

    Nharireyomurindi,

    12/15/2008, p. 30

    9/15/2008, p. 32

VaHebheru 6:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 1:18; VaH 10:26

VaHebheru 6:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “emamiriro ezvinhu achauya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

VaHebheru 6:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Jo 2:19
  • +VaH 10:29

VaHebheru 6:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 10:32, 33

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, pp. 245-246

    Nharireyomurindi,

    8/15/2008, pp. 19-20

    2/1/2007, p. 17

    4/15/2003, p. 17

VaHebheru 6:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Pe 1:3, 4
  • +VaH 3:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2006, p. 24

    2/1/2004, p. 30

VaHebheru 6:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 12:11; Zva 2:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2003, pp. 16-17

VaHebheru 6:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:16

VaHebheru 6:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:17

VaHebheru 6:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:53

VaHebheru 6:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaG 3:29

VaHebheru 6:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 23:19; Tit 1:2

VaHebheru 6:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chinotitsigisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Pe 1:3, 4
  • +Re 16:2, 12; VaH 9:7; 10:19, 20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2021, p. 30

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    12/2016, p. 26

    Awake!,

    5/8/2004, p. 20

    Nharireyomurindi,

    7/15/1999, pp. 18-20

    7/1/1992, p. 6

VaHebheru 6:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 4:14
  • +Pis 110:4; VaH 5:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2015, pp. 17-18

    11/15/1995, p. 21

    11/15/1993, p. 31

    7/1/1990, pp. 20-21

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

VaH. 6:1VaH 5:12
VaH. 6:11VaK 14:20; VaE 4:13; VaH 5:14
VaH. 6:2Mab 8:17
VaH. 6:2Mt 22:31; Joh 5:28, 29; 11:25
VaH. 6:4VaE 1:18; VaH 10:26
VaH. 6:61Jo 2:19
VaH. 6:6VaH 10:29
VaH. 6:10VaH 10:32, 33
VaH. 6:111Pe 1:3, 4
VaH. 6:11VaH 3:14
VaH. 6:12VaR 12:11; Zva 2:4
VaH. 6:13Ge 22:16
VaH. 6:14Ge 22:17
VaH. 6:16Ge 31:53
VaH. 6:17VaG 3:29
VaH. 6:18Nu 23:19; Tit 1:2
VaH. 6:191Pe 1:3, 4
VaH. 6:19Re 16:2, 12; VaH 9:7; 10:19, 20
VaH. 6:20VaH 4:14
VaH. 6:20Pis 110:4; VaH 5:6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaHebheru 6:1-20

Tsamba kuvaHebheru

6 Saka sezvo takapfuura dzidziso yekutanga+ pamusoro paKristu, ngatishandei nesimba kuti tikure,+ tisingavakizve faundesheni, kureva kudzidzisazve nezvekupfidza pamabasa akafa uye kutenda muna Mwari, 2 kudzidzisa nezverubhabhatidzo, kuiswa kwemaoko,+ kumuka kwevakafa+ uye kutongwa kusingaperi. 3 Uye tichadaro kana Mwari abvumira.

4 Nekuti kana vari vaya vakambovhenekerwa,+ vakaravira chipo chepachena chekudenga, vakagamuchira mweya mutsvene, 5 vakaravira shoko rakanaka raMwari nemasimba enyika ichauya,* 6 asi vakazotsauka,+ hazviiti kuti vakwanise kupfidza zvivi zvavo, nekuti vanoroverera Mwanakomana waMwari padanda zvakare, vachimunyadzisa pachena.+ 7 Nekuti ivhu rinokomborerwa naMwari parinonwa mvura inogara ichinaya uye rinobva rabereka zvirimwa zvinodiwa nevaya vanoririma. 8 Asi kana rikabereka minzwa nemasora anobaya, rinorambwa uye rinenge rava pedyo nekutukwa, uye rinopedzisira rapiswa.

9 Asi kana muri imi vadiwa, tine chokwadi chekuti kwamuri kunoitika zvinhu zvakanaka, zvinhu zvine chekuita neruponeso, kunyange zvazvo tiri kutaura seizvi. 10 Nekuti Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu nerudo rwamuinarwo nezita rake,+ rwamakaratidza nekushumira vatsvene uye kuramba muchivashumira kwamuri kuita. 11 Asi tinoda kuti mumwe nemumwe wenyu ashande nesimba zvakadaro, kuti muve nechivimbo chizere chetariro+ kusvikira kumagumo,+ 12 kuti musava neusimbe,+ asi kuti mutevedzere vaya vanogara nhaka yezvinhu zvakavimbiswa, vachizviwana kuburikidza nekutenda uye mwoyo murefu.

13 Nekuti Mwari paakavimbisa Abrahamu, sezvo pasina mumwe munhu mukuru kwaari waaigona kupika naye, akapika naiye pachake,+ 14 achiti: “Chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti uwande.”+ 15 Saka Abrahamu paakanga aratidza mwoyo murefu, akawana vimbiso iyi. 16 Nekuti vanhu vanopika nemunhu mukuru kwavari, uye mhiko yavo inopedza nharo dzese, sezvo vachiitora sevimbiso yepamutemo.+ 17 Izvi ndizvo zvakaitwawo naMwari. Paakasarudza kunyatsoratidza vagari venhaka yevimbiso+ kuti chinangwa chake hachichinji, akazvisimbisa nemhiko, 18 kuti kuburikidza nezvinhu zviviri zvisingachinji, zvisingabviri kuti Mwari areve nhema nezvazvo,+ isu takatizira kunzvimbo yekupotera tikurudzirwe zvikuru kuti tibatisise tariro yakaiswa pamberi pedu. 19 Tine tariro+ iyi sechinhu chinotsigisa mweya,* yechokwadi uye yakasimba, uye inopinda mukati meketeni,+ 20 umo mune mumwe akatanga kupinda achitimiririra, iye Jesu,+ uyo ava mupristi mukuru nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe