RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Hagari naIshmaeri (1-16)

Genesisi 16:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:2, 3
  • +VaG 4:25

Genesisi 16:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:1, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2017, pp. 12-13

    Nharireyomurindi,

    1/15/2004, p. 27

Genesisi 16:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2017, pp. 13-14

Genesisi 16:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “pachipfuva chenyu.”

Genesisi 16:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2017, pp. 13-14

Genesisi 16:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:17, 18; Eks 15:22

Genesisi 16:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “uzvininipise pasi peruoko rwake.”

Genesisi 16:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:20; 25:13-16; 1Mak 1:29-31

Genesisi 16:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Mwari Anonzwa.”

Genesisi 16:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Vamwe vanofunga kuti pari kutaurwa mbizi. Zvichida zvairehwa ndezvekuti aizova munhu anoita zvaanoda pasina anomubvunza.

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “achagara achingonetsana nehama dzake dzese.”

Genesisi 16:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 15:3

Genesisi 16:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Tsime raIye Mupenyu Ari Kundiona.”

Genesisi 16:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:9; VaG 4:22, 24

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 16:1Ge 15:2, 3
Gen. 16:1VaG 4:25
Gen. 16:2Ge 30:1, 3
Gen. 16:7Ge 25:17, 18; Eks 15:22
Gen. 16:10Ge 17:20; 25:13-16; 1Mak 1:29-31
Gen. 16:13Zvi 15:3
Gen. 16:15Ge 21:9; VaG 4:22, 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 16:1-16

Genesisi

16 Sarai mudzimai waAbramu, akanga asina kumuberekera vana,+ asi aiva nemuranda wechiIjipiti ainzi Hagari.+ 2 Saka Sarai akati kuna Abramu: “Jehovha aita kuti ndisava nevana. Ndinokumbirawo kuti murare nemuranda wangu. Zvichida angandiberekera vana.”+ Abramu akateerera zvakataurwa naSarai. 3 Abramu akanga ava nemakore gumi ari munyika yeKenani, mudzimai wake Sarai paakatora Hagari, muranda wake wechiIjipiti, achimupa Abramu murume wake kuti ave mudzimai wake. 4 Saka akarara naHagari, akabata pamuviri. Hagari paakaziva kuti akanga ava nepamuviri, akatanga kutsvinyira tenzikadzi wake.

5 Sarai akati kuna Abramu: “Zvakaipa zvandiri kuitirwa imhosva yenyu. Ndini ndakaisa muranda wangu mumaoko enyu,* asi paakangoziva kuti ava nepamuviri, akatanga kunditsvinyira. Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi.” 6 Abramu akabva ati kuna Sarai: “Inzwaka! Muranda wako ari muruoko rwako. Muitire zvakakunakira.” Sarai akabva atanga kumubata zvakaipa, uye Hagari akatiza.

7 Ngirozi yaJehovha yakazomuwana musango ari pachitubu chemvura, chitubu chaiva panzira inoenda kuShuri.+ 8 Yakati: “Hagari, muranda waSarai, wabva kupi uye uri kuenda kupi?” Iye akapindura kuti: “Ndiri kutiza tenzikadzi wangu Sarai.” 9 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kwaari: “Dzokera kuna tenzikadzi wako uzviise pasi pake.”* 10 Ngirozi yaJehovha yakabva yati: “Ndichaita kuti vana vako vave vazhinji kwazvo, zvekuti havazomboverengeki nekuwanda kwavo.”+ 11 Ngirozi yaJehovha yakatizve: “Iye zvino une pamuviri, uchabereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Ishmaeri,* nekuti Jehovha anzwa kutambudzika kwako. 12 Iye achava sedhongi remusango.* Acharwisana nevanhu vese, uye vanhu vese vacharwisana naye, uye achagara ari kudivi rake ega, hama dzake dzese dziri kune rimwe divi.”*

13 Akabva adana zita raJehovha, uyo akanga achitaura naye. Akati: “Muri Mwari anoona,”+ nekuti akati: “Chokwadi ndini here ndakwanisa kutarisa uyo anondiona?” 14 Ndokusaka tsime racho rakatumidzwa kuti Bheeri-rahai-roi.* (Riri pakati peKadheshi neBheredhi.) 15 Hagari akazoberekera Abramu mwanakomana, uye Abramu akatumidza mwanakomana wake, akaberekwa naHagari, kuti Ishmaeri.+ 16 Abramu akanga ava nemakore 86 paakaberekerwa Ishmaeri naHagari.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe