RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Hezekiya, mambo weJudha (1-8)

      • Kudzokororwa kwenyaya yekukundwa kwevaIsraeri (9-12)

      • Saniheribhi anopinda muJudha nechisimba (13-18)

      • MuRabhisheki anoshora Jehovha (19-37)

2 Madzimambo 18:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 15:30; 17:1
  • +2Mak 28:27; Mt 1:9
  • +2Mad 16:2, 20

2 Madzimambo 18:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Abhija.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 29:1, 2

2 Madzimambo 18:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 20:3; 2Mak 31:20, 21; Pis 119:128
  • +1Mad 15:5

2 Madzimambo 18:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

  • *

    Kana kuti “vaiishevedza kuti Nehushitani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 33:52; 1Mad 3:2; 2Mad 14:1, 4
  • +Dhe 7:5; 12:3; 2Mak 31:1
  • +Nu 21:8, 9

2 Madzimambo 18:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:15; 2Mak 32:7, 8

2 Madzimambo 18:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 10:20; Jos 23:8

2 Madzimambo 18:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 16:7

2 Madzimambo 18:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.

  • *

    Kureva, munzvimbo dzese, dzingava dzaigarwa nevanhu vashoma kana vakawanda.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 28:18, 19; Isa 14:28, 29

2 Madzimambo 18:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:1
  • +2Mad 17:3-6

2 Madzimambo 18:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 13:16; Amo 3:11; Mik 1:6

2 Madzimambo 18:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 8:4; Amo 6:1, 7
  • +2Mad 17:6; 1Mak 5:26

2 Madzimambo 18:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 8:20; 1Mad 14:15

2 Madzimambo 18:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 10:5
  • +2Mak 32:1; Isa 36:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/1993, pp. 5-6

    2/15/1988, pp. 27-28

    “Rugwaro Rwose,” p. 156

2 Madzimambo 18:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Uprofita hwaIsaya I, pp. 383-385

    Nharireyomurindi,

    6/1/1993, pp. 5-6

    2/15/1988, p. 27

2 Madzimambo 18:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yemuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 12:18; 16:8; 2Mak 16:2, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/1993, p. 6

2 Madzimambo 18:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 6:33-35
  • +2Mak 29:1, 3

2 Madzimambo 18:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutungamiriri weuto.”

  • *

    Kana kuti “mutungamiriri wevakuru vemumuzinda.”

  • *

    Kana kuti “nemukuru wevadiri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 39; 2Mak 11:5, 9
  • +2Mak 32:9
  • +Isa 36:2, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Uprofita hwaIsaya I, p. 386

2 Madzimambo 18:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pamuzinda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:2; Isa 22:20-24
  • +Isa 22:15-19

2 Madzimambo 18:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:10; Isa 36:4-10

2 Madzimambo 18:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:7

2 Madzimambo 18:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2010, pp. 12-13

    8/1/2005, p. 11

2 Madzimambo 18:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:8
  • +2Mak 31:1
  • +Dhe 12:11, 13; 2Mak 32:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2010, p. 13

2 Madzimambo 18:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 10:12, 13

2 Madzimambo 18:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “wechiSiriya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:18
  • +2Mad 18:17
  • +Ezr 4:7; Dha 2:4
  • +Isa 36:11, 12

2 Madzimambo 18:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 36:13-20

2 Madzimambo 18:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:15

2 Madzimambo 18:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:32-34

2 Madzimambo 18:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 17:6

2 Madzimambo 18:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:21
  • +2Mad 17:24
  • +2Mad 17:6

2 Madzimambo 18:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:17-19; 2Mak 32:15; Isa 37:23

2 Madzimambo 18:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 36:21, 22

2 Madzimambo 18:37

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pamuzinda.”

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 18:12Mad 15:30; 17:1
2 Madz. 18:12Mak 28:27; Mt 1:9
2 Madz. 18:12Mad 16:2, 20
2 Madz. 18:22Mak 29:1, 2
2 Madz. 18:32Mad 20:3; 2Mak 31:20, 21; Pis 119:128
2 Madz. 18:31Mad 15:5
2 Madz. 18:4Nu 33:52; 1Mad 3:2; 2Mad 14:1, 4
2 Madz. 18:4Dhe 7:5; 12:3; 2Mak 31:1
2 Madz. 18:4Nu 21:8, 9
2 Madz. 18:52Mad 19:15; 2Mak 32:7, 8
2 Madz. 18:6Dhe 10:20; Jos 23:8
2 Madz. 18:72Mad 16:7
2 Madz. 18:82Mak 28:18, 19; Isa 14:28, 29
2 Madz. 18:92Mad 17:1
2 Madz. 18:92Mad 17:3-6
2 Madz. 18:10Ho 13:16; Amo 3:11; Mik 1:6
2 Madz. 18:11Isa 8:4; Amo 6:1, 7
2 Madz. 18:112Mad 17:6; 1Mak 5:26
2 Madz. 18:12Dhe 8:20; 1Mad 14:15
2 Madz. 18:13Isa 10:5
2 Madz. 18:132Mak 32:1; Isa 36:1
2 Madz. 18:152Mad 12:18; 16:8; 2Mak 16:2, 3
2 Madz. 18:161Mad 6:33-35
2 Madz. 18:162Mak 29:1, 3
2 Madz. 18:17Jos 15:20, 39; 2Mak 11:5, 9
2 Madz. 18:172Mak 32:9
2 Madz. 18:17Isa 36:2, 3
2 Madz. 18:182Mad 19:2; Isa 22:20-24
2 Madz. 18:18Isa 22:15-19
2 Madz. 18:192Mak 32:10; Isa 36:4-10
2 Madz. 18:202Mad 18:7
2 Madz. 18:21Isa 30:1, 2
2 Madz. 18:222Mak 32:8
2 Madz. 18:222Mak 31:1
2 Madz. 18:22Dhe 12:11, 13; 2Mak 32:12
2 Madz. 18:23Isa 10:12, 13
2 Madz. 18:262Mad 18:18
2 Madz. 18:262Mad 18:17
2 Madz. 18:26Ezr 4:7; Dha 2:4
2 Madz. 18:26Isa 36:11, 12
2 Madz. 18:28Isa 36:13-20
2 Madz. 18:292Mak 32:15
2 Madz. 18:302Mad 19:32-34
2 Madz. 18:322Mad 17:6
2 Madz. 18:34Nu 13:21
2 Madz. 18:342Mad 17:24
2 Madz. 18:342Mad 17:6
2 Madz. 18:352Mad 19:17-19; 2Mak 32:15; Isa 37:23
2 Madz. 18:36Isa 36:21, 22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 18:1-37

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

18 Mugore rechitatu raHoshea+ mwanakomana waEraa mambo weIsraeri, Hezekiya+ mwanakomana waMambo Ahazi+ weJudha akava mambo. 2 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vainzi Abhi* mwanasikana waZekariya.+ 3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ sezvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 4 Ndiye akabvisa nzvimbo dzakakwirira,+ akaputsa shongwe dzinoyera, akatema bango rinoyera.*+ Akapwanya-pwanyawo nyoka yemhangura yakanga yagadzirwa naMozisi;+ nekuti kusvika panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachiikwidzira utsi hwezvibayiro, uye vaiishevedza kuti chifananidzo chenyoka yemhangura.* 5 Akavimba naJehovha+ Mwari waIsraeri; hakuna akanga akafanana naye pamadzimambo ese eJudha akamutevera kana aya akamutangira. 6 Akaramba akanamatira kuna Jehovha.+ Haana kutsauka pakumutevera; akaramba achichengeta mirayiro yainge yapiwa Mozisi naJehovha. 7 Jehovha aiva naye. Airatidza uchenjeri kwese kwaaienda. Akapandukira mambo weAsiriya, akaramba kuva pasi pake.+ 8 Akakundawo vaFiristiya+ kusvika kuGaza nenharaunda dzayo, kubva kunharire* kusvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo.*

9 Mugore rechina raMambo Hezekiya, kureva gore rechi7 raHoshea+ mwanakomana waEraa mambo weIsraeri, Mambo Sharimaneseri weAsiriya akauya kuzorwisa Samariya, akatanga kuikomba.+ 10 Vakaitora+ pakupera kwemakore matatu. Mugore rechi6 raHezekiya, iro raiva gore rechi9 raHoshea mambo weIsraeri, Samariya yakatorwa. 11 Mambo weAsiriya akabva atapa vaIsraeri+ akavaendesa kuAsiriya, akavagarisa muHeira nemuHabhori kurwizi rwaGozani uye mumaguta evaMedhiya.+ 12 Izvi zvakaitika nekuti vakanga vasina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakaramba vachiputsa sungano yake, zvinhu zvese zvakanga zvarayirwa naMozisi mushumiri waJehovha.+ Havana kuzviteerera kana kuzviita.

13 Mugore rechi14 raMambo Hezekiya, Saniheribhi mambo weAsiriya+ akauya kuzorwisa maguta ese eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, akaatora.+ 14 Saka Mambo Hezekiya weJudha akatumira shoko kuna mambo weAsiriya kuRakishi, achiti: “Ndini ndine mhosva. Rega kundirwisa, uye ndichakupa chero chaunenge wanditemera.” Saka mambo weAsiriya akabhadharisa Hezekiya mambo weJudha matarenda* 300 esirivha nematarenda 30 egoridhe. 15 Saka Hezekiya akamupa sirivha yese yaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo.*+ 16 Panguva iyoyo Mambo Hezekiya weJudha+ akabvisa masuo nemagwatidziro* etemberi+ yaJehovha aakanga aisa goridhe, akaapa mambo weAsiriya.

17 Mambo weAsiriya akabva atuma muTatani,* muRabsarisi,* nemuRabhisheki,* vaine uto guru kubva kuRakishi+ kuti vaende kuna Mambo Hezekiya kuJerusarema.+ Vakaenda kuJerusarema vakanomira pamugero wemvura unobva kudziva rekumusoro, riri pamugwagwa mukuru wekumunda wemugezi wenguo.+ 18 Pavakashevedzera kuti mambo abude, Eriyakimu+ mwanakomana waHirikiya, uyo aitungamirira imba yacho,* naShebhina+ munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wezvaiitika vakabuda vakaenda kwavaiva.

19 Saka muRabhisheki akati kwavari: “Ndapota, itii kuna Hezekiya, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiriya: “Uri kuvimba nei?+ 20 Uri kuti, ‘Ndine zvandakaronga uye ndine simba rekurwa,’ asi uri kuzvinyepera. Ndiani wauri kuvimba naye, zvekuti uri kushinga kundipandukira?+ 21 Inzwa! Uri kuvimba nerutsigiro rwetsanga iyi yakapwanyika, iyo Ijipiti,+ inoti kana munhu akazvitsigisa nayo inopinda muchanza chake yochibaya. Ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kune vese vanovimba naye. 22 Kana mukati kwandiri, ‘Tinovimba naJehovha Mwari wedu,’+ haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira neatari zvakabviswa naHezekiya,+ achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kupfugama pamberi peatari iyi iri muJerusarema’?”’+ 23 Saka iye zvino ndapota, bhejerana nashe wangu mambo weAsiriya: Ndichakupa mabhiza 2 000 kuti ndione kana uchikwanisa kuwana vanhu vanokwana kuatasva.+ 24 Zvino ungakwanisa sei kukunda kunyange gavhuna mumwe chete, mudiki pavaranda vese vashe wangu, iwe uchivimba neIjipiti kuti uwane ngoro nevatasvi vemabhiza? 25 Ini handina here kubvumirwa naJehovha kuti ndiuye kuzorwisa nzvimbo ino ndoiparadza? Jehovha pachake ndiye akati kwandiri, ‘Enda unorwisa nyika iyi, uiparadze.’”

26 Eriyakimu mwanakomana waHirikiya, naShebhina+ naJoa vakabva vati kumuRabhisheki:+ “Tapota, taurai henyu nevaranda venyu nemutauro wechiAramaiki,*+ nekuti tinounzwa; musataura nesu nemutauro wevaJudha vanhu vari parusvingo vachinzwa.”+ 27 Asi muRabhisheki akati kwavari: “Ishe wangu andituma kuti ndizongotaura mashoko aya kunashe wenyu nekwamuri chete here? Haana kunditumawo here kuvanhu vakagara parusvingo, avo vachadya tsvina yavo nekunwa weti yavo pamwe chete nemi?”

28 MuRabhisheki akabva amira akashevedzera nenzwi guru nemutauro wevaJudha, achiti: “Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiriya.+ 29 Zvanzi namambo, ‘Musarega Hezekiya achikunyengerai, nekuti haakwanisi kukununurai paruoko rwangu.+ 30 Uye musarega Hezekiya achiita kuti muvimbe naJehovha, achiti: “Chokwadi Jehovha achatinunura, uye guta rino harisi kuzoiswa muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 31 Musateerera Hezekiya, nekuti zvanzi namambo weAsiriya: “Yananai neni muzviise mega mumaoko angu, uye mumwe nemumwe achadya michero yemuzambiringa wake neyemuonde wake uye achanwa mvura yemumugodhi wake, 32 kusvikira ndauya ndokuendesai kunyika yakaita senyika yenyu,+ nyika ine zviyo* newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika ine miti yemiorivhi neuchi. Muchararama morega kufa. Musateerera Hezekiya, nekuti ari kukunyengerai achiti, ‘Jehovha achatinunura.’ 33 Pana mwari wemamwe marudzi akambonunura nyika yake paruoko rwamambo weAsiriya here? 34 Vanamwari veHamati+ neApadhi vari kupi? Vanamwari veSefavhaimu,+ Hena, neIvha vari kupi? Vakanunura Samariya paruoko rwangu here?+ 35 Pavanamwari vese venyika, ndeupi akanunura nyika yake paruoko rwangu, zvekuti Jehovha anganunura Jerusarema paruoko rwangu?”’”+

36 Asi vanhu vakaramba vakanyarara, uye havana kana shoko ravakamupindura, nekuti murayiro wamambo waiti,“Musamupindura.”+ 37 Asi Eriyakimu mwanakomana waHirikiya, uyo aitungamirira imba,* naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wezvaiitika, vakasvika kuna Hezekiya nguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza mashoko emuRabhisheki.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe