RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kuberekwa kwaIsaka (1-7)

      • Ishmaeri anotsvinyira Isaka (8, 9)

      • Hagari naIshmaeri vanodzingwa pamba (10-21)

      • Sungano yaAbrahamu naAbhimereki (22-34)

Genesisi 21:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 18:10

Genesisi 21:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:11
  • +Ge 17:21; 18:10, 14; VaR 9:9

Genesisi 21:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:19; Jos 24:3; VaR 9:7

Genesisi 21:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:12; Re 12:3; Mab 7:8

Genesisi 21:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “vachandiseka.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2017, pp. 14-15

Genesisi 21:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:4, 15
  • +Ge 15:13; VaG 4:22, 29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2001, p. 26

    7/1/1989, p. 21

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 21:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:2, 4; VaG 4:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, p. 21

Genesisi 21:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 5 2017, p. 15

Genesisi 21:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu yako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:19; VaR 9:7; VaH 11:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2006, pp. 6-7

Genesisi 21:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “imbeu yako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaG 4:22
  • +Ge 16:9, 10; 17:20; 25:12, 16

Genesisi 21:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:5, 6
  • +Ge 22:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, p. 21

    2/15/1988, p. 31

Genesisi 21:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:11
  • +Ge 16:7, 8

Genesisi 21:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 1:29-31

Genesisi 21:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:16

Genesisi 21:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 10:12

Genesisi 21:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 20:17, 18; 26:26, 28

Genesisi 21:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 20:14, 15

Genesisi 21:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:15, 20

Genesisi 21:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “makwayana makadzi.”

Genesisi 21:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “huve uchapupu hwekuti.”

Genesisi 21:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvingava zvichireva kuti “Tsime Remhiko; Tsime Remanomwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:32, 33

Genesisi 21:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:26, 28
  • +Ge 10:13, 14; 26:1

Genesisi 21:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:8, 9; 26:25
  • +Pis 90:2; Isa 40:28; 1Ti 1:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, p. 20

Genesisi 21:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akagara ari mutorwa.”

  • *

    ChiHeb., “mazuva mazhinji.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:8, 9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 21:1Ge 18:10
Gen. 21:2VaH 11:11
Gen. 21:2Ge 17:21; 18:10, 14; VaR 9:9
Gen. 21:3Ge 17:19; Jos 24:3; VaR 9:7
Gen. 21:4Ge 17:12; Re 12:3; Mab 7:8
Gen. 21:9Ge 16:4, 15
Gen. 21:9Ge 15:13; VaG 4:22, 29
Gen. 21:10Ge 15:2, 4; VaG 4:30
Gen. 21:11Ge 17:18
Gen. 21:12Ge 17:19; VaR 9:7; VaH 11:18
Gen. 21:13VaG 4:22
Gen. 21:13Ge 16:9, 10; 17:20; 25:12, 16
Gen. 21:14Ge 25:5, 6
Gen. 21:14Ge 22:19
Gen. 21:17Ge 16:11
Gen. 21:17Ge 16:7, 8
Gen. 21:181Mak 1:29-31
Gen. 21:20Ge 16:16
Gen. 21:21Nu 10:12
Gen. 21:22Ge 20:17, 18; 26:26, 28
Gen. 21:23Ge 20:14, 15
Gen. 21:25Ge 26:15, 20
Gen. 21:31Ge 26:32, 33
Gen. 21:32Ge 26:26, 28
Gen. 21:32Ge 10:13, 14; 26:1
Gen. 21:33Ge 12:8, 9; 26:25
Gen. 21:33Pis 90:2; Isa 40:28; 1Ti 1:17
Gen. 21:34VaH 11:8, 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 21:1-34

Genesisi

21 Jehovha akayeuka Sara sezvaakanga ataura, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.+ 2 Saka Abrahamu paakanga akwegura, Sara akava nepamuviri,+ akamuberekera mwanakomana, panguva yakanga yavimbiswa naMwari.+ 3 Abrahamu akatumidza mwanakomana wake waakanga aberekerwa naSara kuti Isaka.+ 4 Uye Abrahamu akachecheudza mwanakomana wake Isaka paakanga ava nemazuva 8, sezvaakanga arayirwa naMwari.+ 5 Abrahamu akanga ava nemakore 100 pakaberekwa Isaka mwanakomana wake. 6 Sara akabva ati: “Mwari aita kuti ndisekwe; vese vanozvinzwa vachaseka neni.”* 7 Akatizve: “Ndiani aimbofunga kuti Sara mudzimai waAbrahamu achayamwisa vana? Asi ndamuberekera mwanakomana iye akwegura.”

8 Mwana wacho akakura akazorumurwa, uye Abrahamu akaita mabiko makuru pazuva rakarumurwa Isaka. 9 Asi Sara aiona kuti mwanakomana waHagari+ muIjipiti, waakanga aberekera Abrahamu, aitsvinyira Isaka.+ 10 Saka akati kuna Abrahamu: “Dzinga murandasikana uyu nemwanakomana wake, nekuti mwanakomana wemurandasikana uyu haasi kuzova mugari wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, Isaka!”+ 11 Asi Abrahamu haana kufara nezvakataurwa naSara nezvemwanakomana wake.+ 12 Mwari akabva ati kuna Abrahamu: “Usagumburwa nezvauri kutaurirwa naSara nezvemukomana uyu, uye nezvemurandasikana wako. Teerera zvaari kutaura, nekuti uya achanzi mwana wako* achauya nekuna Isaka.+ 13 Kana ari mwanakomana wemurandasikana,+ ndichaitawo kuti rudzi rubve maari, nekuti mwana wako.”*+

14 Saka Abrahamu akafumomuka akapa Hagari chingwa, nehomwe yedehwe ine mvura. Akamutakudza papfudzi akamuendesa pamwe chete nemukomana wacho.+ Saka akaenda, akatanga kungodzungaira murenje reBheeri-shebha.+ 15 Mvura yakanga iri muhomwe yedehwe yakazopera, uye Hagari akasundidzira mukomana wacho muzasi megwenzi. 16 Akabva aenda akanogara pasi ari pake ega, chinhambwe chingasvika museve kana wapfurwa, nekuti akati: “Handisi kuda kuona mukomana wacho achifa.” Saka akagara pasi ari kure zvishoma, akatanga kuchema achiridza mhere.

17 Mwari akanzwa inzwi remukomana wacho,+ ngirozi yaMwari ikashevedzera kuna Hagari iri kudenga ichiti:+ “Zvaita seiko nhai Hagari? Usatya, nekuti Mwari anzwa inzwi remukomana paari ipapo. 18 Simuka, simudza mukomana umubate neruoko rwako, nekuti ndichamuita rudzi rukuru.”+ 19 Mwari akabva asvinudza maziso ake, akaona tsime remvura, akaenda akazadza mvura muhomwe yake yedehwe, ndokunwisa mukomana wacho. 20 Mukomana wacho akakura Mwari ainaye.+ Aigara murenje uye aivhima achishandisa uta nemuseve. 21 Akazonogara murenje reParani,+ uye amai vake vakamuwanira mudzimai kunyika yeIjipiti.

22 Panguva iyoyo Abhimereki pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake vakati kuna Abrahamu: “Mwari anewe pazvinhu zvese zvauri kuita.+ 23 Saka ndipikire pano naMwari kuti hauzondinyengeri ini nevana vangu nevazukuru vangu, uye kuti uchandibata ini, nenyika yauri kugara, semabatiro andiri kukuita nerudo rusingachinji.”+ 24 Abrahamu akabva ati: “Ndinopika kuti ndichadaro.”

25 Asi Abrahamu akanyunyuta kuna Abhimereki nezvetsime remvura rakanga ratorwa nevashandi vaAbhimereki nechisimba.+ 26 Abhimereki akapindura kuti: “Handizivi kuti ndiani akazviita; hauna kundiudza nezvazvo, uye hapana akambondiudzawo; ndiwe uri kutonditaurira.” 27 Abrahamu akabva atora makwai nemombe akazvipa Abhimereki, uye vaviri vacho vakaita sungano. 28 Abrahamu paakatsaura makwayana* manomwe kubva pane mamwe, 29 Abhimereki akati kuna Abrahamu: “Ko makwayana aya manomwe awatsaura ndeeyi?” 30 Akabva ati: “Gamuchirai makwayana acho manomwe andiri kukupai, kuti chive chiratidzo chekuti* ndini ndakachera tsime iri.” 31 Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheeri-shebha,*+ nekuti vaviri vacho vakanga vaita mhiko ipapo. 32 Saka vakaita sungano+ paBheeri-shebha, Abhimereki akazosimuka pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake, vakadzokera kunyika yevaFiristiya.+ 33 Pashure paizvozvo akasima muti wemutamarisiki paBheeri-shebha, uye ipapo akadana zita raJehovha,+ Mwari wekusingagumi.+ 34 Uye Abrahamu akagara* munyika yevaFiristiya kwenguva yakareba.*+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe