Bhuku Rekutanga reMadzimambo
20 Bheni-hadhadhi+ mambo weSiriya+ akaunganidza mauto ake ese, nemadzimambo 32 nemabhiza awo nengoro dzawo, akaenda akanokomba+ Samariya,+ akairwisa. 2 Akabva atuma nhume kuna Mambo Ahabhi+ weIsraeri kuguta, akati kwaari: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, 3 ‘Sirivha yako negoridhe rako ndezvangu, nemadzimai ako nevanakomana vako vakanaka kupfuura vese.’” 4 Mambo weIsraeri akabva apindura kuti: “Ndiri wenyu, pamwe chete nezvinhu zvangu zvese, sezvamataura ishe wangu mambo.”+
5 Gare gare nhume dzacho dzakadzoka dzikati: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Ndakakutumira shoko ndichiti: “Uchandipa sirivha yako, negoridhe rako, nemadzimai ako, nevanakomana vako.” 6 Asi panenge panguva ino mangwana ndichatuma varanda vangu kwauri, uye vachanyatsotsvaga mumba mako nemudzimba dzevaranda vako, uye vachatora zvinhu zvako zvese zvakanaka voenda nazvo.’”
7 Mambo weIsraeri akabva ashevedza vakuru vese vemunyika yacho akati: “Tarisaiwo muone zviri kuitwa nemunhu uyu. Ari kutsvaga kuunza dambudziko, nekuti akati ndimupe madzimai angu, vanakomana vangu, sirivha yangu, negoridhe rangu, uye handina kuramba.” 8 Vakuru vese nevanhu vese vakabva vati kwaari: “Musateerera, uye musabvuma.” 9 Saka akati kunhume dzaBheni-hadhadhi: “Itii kunashe wangu mambo, ‘Ndichaita zvese zvamakatanga kutaura kuti muri kuda kumuranda wenyu, asi izvi handikwanisi kuzviita.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda, dzikadzokera neshoko kwaari.
10 Bheni-hadhadhi akabva amutumira shoko iri rekuti: “Vanamwari ngavandirange zvinorwadza kwazvo kana muSamariya muine guruva rinokwana kuti ndizadze ruoko rwemunhu wese anonditevera!” 11 Mambo weIsraeri akapindura kuti: “Muudzei kuti, ‘Uya anoshonga zvekurwa nazvo haafaniri kuzvirova dundundu seuya anozvibvisa.’”+ 12 Paakangonzwa mhinduro yacho, iye nemadzimambo acho pavakanga vachinwa vari mumatende avo,* akati kuvaranda vake: “Gadzirirai hondo!” Saka vakagadzirira kurwisa guta racho.
13 Asi pane muprofita akaenda kuna Mambo Ahabhi+ weIsraeri akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Waona here boka rese guru iri revanhu? Ndiri kuriisa muruoko rwako nhasi, uye uchabva waziva kuti ndini Jehovha.’”+ 14 Ahabhi akabvunza kuti: “Muchishandisa ani?” iye akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichishandisa vashandi vanobatsira machinda ematunhu.’” Saka akabvunza kuti: “Ndiani achatanga kurwisa?” iye akati: “Ndiwe!”
15 Ahabhi akabva averenga vashandi vaibatsira machinda ematunhu, uye vaiva 232; pashure paizvozvo akaverenga varume vese veIsraeri, uye vaiva 7 000. 16 Vakabuda masikati Bheni-hadhadhi paakanga achinwa achidhakwa ari mumatende* pamwe chete nemadzimambo 32 akanga achimubatsira. 17 Vashandi vaibatsira machinda ematunhu pavakatanga ivo kubuda, Bheni-hadhadhi akabva angotuma nhume. Dzakadzoka kwaari dzichiti: “Kune varume vabuda muSamariya.” 18 Iye akabva ati: “Kana vabuda kuti vatsvage rugare, vatorei vari vapenyu; uye kunyange kana vabuda kuti varwe, munongofanira kuvatora vari vapenyu.” 19 Asi vashandi vaibatsira machinda ematunhu pavakabuda muguta nemauto aivatevera, 20 mumwe nemumwe akauraya waairwisana naye. VaSiriya vakabva vatiza,+ uye vaIsraeri vakavatevera, asi Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya akatiza ari pabhiza aine vamwe vatasvi vemabhiza. 21 Asi mambo weIsraeri akabuda, akaramba achiparadza mabhiza nengoro, uye akauraya vaSiriya vakawanda chaizvo.
22 Gare gare muprofita+ wacho akaenda kuna mambo weIsraeri akati kwaari: “Enda unova nesimba, wofunga zvauchaita,+ nekuti pakutanga kwegore rinouya* mambo weSiriya achauya kuzokurwisa.”+
23 Zvino varanda vamambo weSiriya vakati kwaari: “Mwari wavo ndiMwari wemakomo. Ndokusaka vakatikunda. Asi kana tikarwisana navo panyika yakati sandara, tichavakunda. 24 Itaiwo izvi: Bvisai madzimambo ese+ pazvinzvimbo zvawo, muatsive nemagavhuna. 25 Ibvai maunganidza* mauto akaenzana nemauto enyu akaurayiwa, tsivai bhiza nebhiza, ngoro nengoro. Ngatirwei navo panyika yakati sandara, uye chokwadi tichavakunda.” Saka akateerera zano ravo akaita saizvozvo.
26 Pakutanga kwegore,* Bheni-hadhadhi akaunganidza vaSiriya, akakwidza kuAfeki+ kuti anorwa nevaIsraeri. 27 VaIsraeri vakaunganidzwawo vakapiwa zvese zvavaizoda, uye vakabuda kuti vasangane navo. VaIsraeri pavakadzika musasa pakatarisana navo, vakanga vakaita setumapoka tuviri twembudzi, uku vaSiriya vakazadza nyika yese.+ 28 Munhu waMwari wechokwadi akabva aenda kuna mambo weIsraeri, akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Nekuti vaSiriya vati: “Jehovha ndiMwari wemakomo, haasi Mwari wemapani,” ndichaisa boka guru revanhu rese iri muruoko rwako,+ uye chokwadi muchaziva kuti ndini Jehovha.’”+
29 Vakaramba vakadzika misasa kwemazuva manomwe, misasa yavo iri pakatarisana, uye pazuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya varwi veSiriya 100 000 vaifamba netsoka pazuva rimwe chete. 30 Vamwe vese vakatizira kuAfeki,+ vachinopinda muguta. Asi rusvingo rwakawira varume 27 000 pane vakanga vasara. Bheni-hadhadhi akatizawo akapinda muguta, uye akahwanda muimba yemukati.
31 Saka varanda vake vakati kwaari: “Takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo ane tsitsi.* Tapota, regai tisunge masaga muzviuno uye tisunge tambo mumisoro, tiende kuna mambo weIsraeri. Zvimwe acharega kukuurayai.”*+ 32 Saka vakasunga masaga muzviuno zvavo, vakasunga tambo mumisoro yavo, vakapinda maiva namambo weIsraeri vakati: “Zvanzi nemuranda wenyu Bheni-hadhadhi, ‘Ndapota, ndiregei ndiri mupenyu.’”* Iye akapindura kuti: “Achiri mupenyu here? Ihama yangu.” 33 Varume vacho vakaona sekuti ichi chaiva chiratidzo chakanaka uye vakabva vangobvuma zvaakataura, saka vakati: “Bheni-hadhadhi ihama yenyu.” Iye akabva ati: “Endai munomutora.” Bheni-hadhadhi akabva aenda kwaaiva, uye iye akaita kuti akwire mungoro.
34 Bheni-hadhadi akabva ati kwaari: “Ndichadzosa maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako, uye unogona kuisa misika* yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamariya.”
Ahabhi akapindura achiti: “Nechibvumirano ichi,* ndichakurega uchienda.”
Akabva aita chibvumirano naye, akamurega achienda.
35 Arayirwa neshoko raJehovha, mumwe wevanakomana vevaprofita*+ akati kune mumwe wake: “Ndapota, ndirove.” Asi murume wacho akaramba kumurova. 36 Saka akati kwaari: “Nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, pauchangobva kwandiri, uchaurayiwa neshumba.” Paakabva kwaari, akasangana neshumba, ikamuuraya.
37 Akawana mumwe murume akati kwaari: “Ndapota, ndirove.” Saka murume wacho akamurova, akamukuvadza.
38 Muprofita wacho akabva aenda, akanomirira mambo pamugwagwa, uye akanga akavhara maziso ake nejira kuti asazivikanwa. 39 Mambo paakanga achipfuura, iye akashevedzera kuna mambo achiti: “Muranda wenyu akaenda paipisa hondo, uye kwaiva nemumwe murume aibuda, uyo akauya nemumwe murume kwandiri akabva ati, ‘Rinda murume uyu. Kana akangoshayikwa chete, upenyu hwako ndihwo huchapinda panzvimbo yeupenyu hwake,* kana kuti uchabhadhara tarenda*+ resirivha.’ 40 Muranda wenyu paakanga achiita icho neicho, murume wacho akabva angonyangarika.” Mambo weIsraeri akati kwaari: “Saka iwoyo ndiwo uchava mutongo wako; wazvitonga wega.” 41 Akabva akurumidza kubvisa jira kumeso kwake, uye mambo weIsraeri akaona kuti aiva mumwe wevaprofita.+ 42 Akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Nekuti wakarega murume wandakati aifanira kuparadzwa achipukunyuka muruoko rwako,+ upenyu hwako hunofanira kupinda panzvimbo yeupenyu hwake,*+ uye vanhu vako vachapinda panzvimbo yevanhu vake.’”+ 43 Mambo weIsraeri akabva aenda kumba kwake kuSamariya,+ akafundumwara uye akasuruvara.