RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Kurwara kwaHezekiya uye kupora kwake (1-11)

      • Nhume dzakabva kuBhabhironi (12-19)

      • Kufa kwaHezekiya (20, 21)

2 Madzimambo 20:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:24
  • +Isa 38:1-3

2 Madzimambo 20:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 31:20, 21; Pis 25:7; 119:49

2 Madzimambo 20:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 38:4-6

2 Madzimambo 20:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 39:12
  • +Dhe 32:39; Pis 41:3; 103:3; 147:3
  • +Pis 66:13; 116:12-14

2 Madzimambo 20:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “pamazuva ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:22; Isa 10:24
  • +2Mad 19:34; Isa 37:35

2 Madzimambo 20:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 38:21, 22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2003, p. 25

2 Madzimambo 20:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 6:17; Isa 7:11

2 Madzimambo 20:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Masitepisi aya anogona kunge aishandiswa kuona pava nenguva uchitarisa panenge pava nemumvuri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 38:7, 8

2 Madzimambo 20:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 10:12; 2Mak 32:31

2 Madzimambo 20:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 39:1, 2

2 Madzimambo 20:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akavateerera.”

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:27

2 Madzimambo 20:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 39:3, 4

2 Madzimambo 20:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda.”

  • *

    Kana kuti “mumuzinda.”

2 Madzimambo 20:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 39:5-7

2 Madzimambo 20:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:12, 13; 25:13; 2Mak 36:7, 18; Jer 27:21, 22; Dha 1:2

2 Madzimambo 20:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:12
  • +Dha 1:19; 2:49

2 Madzimambo 20:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nechokwadi.”

  • *

    ChiHeb., “pamazuva angu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 141:5
  • +Isa 39:8

2 Madzimambo 20:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 9:11
  • +2Mak 32:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2009, p. 27

    6/15/1997, pp. 9-10

    8/15/1996, pp. 5-6

2 Madzimambo 20:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:10
  • +2Mad 21:16; 23:26; 2Mak 33:11-13
  • +2Mak 32:33

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 20:12Mak 32:24
2 Madz. 20:1Isa 38:1-3
2 Madz. 20:32Mak 31:20, 21; Pis 25:7; 119:49
2 Madz. 20:4Isa 38:4-6
2 Madz. 20:5Pis 39:12
2 Madz. 20:5Dhe 32:39; Pis 41:3; 103:3; 147:3
2 Madz. 20:5Pis 66:13; 116:12-14
2 Madz. 20:62Mak 32:22; Isa 10:24
2 Madz. 20:62Mad 19:34; Isa 37:35
2 Madz. 20:7Isa 38:21, 22
2 Madz. 20:8Vat 6:17; Isa 7:11
2 Madz. 20:9Isa 38:7, 8
2 Madz. 20:11Jos 10:12; 2Mak 32:31
2 Madz. 20:12Isa 39:1, 2
2 Madz. 20:132Mak 32:27
2 Madz. 20:14Isa 39:3, 4
2 Madz. 20:16Isa 39:5-7
2 Madz. 20:172Mad 24:12, 13; 25:13; 2Mak 36:7, 18; Jer 27:21, 22; Dha 1:2
2 Madz. 20:182Mad 24:12
2 Madz. 20:18Dha 1:19; 2:49
2 Madz. 20:19Pis 141:5
2 Madz. 20:19Isa 39:8
2 Madz. 20:20Joh 9:11
2 Madz. 20:202Mak 32:30
2 Madz. 20:211Mad 2:10
2 Madz. 20:212Mad 21:16; 23:26; 2Mak 33:11-13
2 Madz. 20:212Mak 32:33
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 20:1-21

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

20 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa.+ Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akauya akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Ronga nyaya dzemhuri yako, nekuti uchafa; hausi kuzopora.’”+ 2 Akabva atarisa kumadziro, akatanga kunyengetera kuna Jehovha, achiti: 3 “Ndinokutetererai, haiwa Jehovha, ndapota yeukai kuti ndakafamba pamberi penyu ndakatendeka, nemwoyo wakaperera kwamuri, uye kuti ndakaita zvakanaka pamberi penyu.”+ Hezekiya akabva atanga kuchema chaizvo.

4 Isaya akanga asati asvika pachivanze chepakati shoko raJehovha parakasvika kwaari, richiti:+ 5 “Dzokera unoti kuna Hezekiya, mutungamiriri wevanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako. Ndaona misodzi yako.+ Ndichakuporesa.+ Pazuva rechitatu uchaenda kuimba yaJehovha.+ 6 Ndichawedzera makore 15 paupenyu hwako,* uye ndichakununura iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiriya,+ uye ndicharwira guta rino ndichiitira zita rangu uye ndichiitira muranda wangu Dhavhidhi.”’”+

7 Isaya akabva ati: “Unzai keke remaonde akaomeswa.” Saka vakauya naro vakariisa pamota, achibva apora zvishoma nezvishoma.+

8 Hezekiya akanga abvunza Isaya kuti: “Ndechipi chiratidzo+ chekuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichaenda kuimba yaJehovha pazuva rechitatu?” 9 Isaya akati: “Ichi ndicho chiratidzo chinobva kuna Jehovha chekuti Jehovha achaita zvaataura: Unoda kuti mumvuri uri pamasitepisi* uende mberi nemasitepisi gumi here kana kuti udzoke shure nemasitepisi gumi?”+ 10 Hezekiya akati: “Zviri nyore kuti mumvuri uende mberi nemasitepisi gumi, asi kwete kuti udzoke shure nemasitepisi gumi.” 11 Saka muprofita Isaya akashevedzera kuna Jehovha, uyo akabva aita kuti mumvuri waiva pamasitepisi aAhazi udzoke shure nemasitepisi gumi pashure pekunge wambodzika nemasitepisi acho.+

12 Panguva iyoyo mambo weBhabhironi, Bherodhaki-bharadhani mwanakomana waBharadani, akatumira tsamba nechipo kuna Hezekiya, nekuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga achirwara.+ 13 Hezekiya akavagamuchira* akavaratidza imba yake yese yepfuma,+ kureva sirivha, goridhe, mafuta ebharisamu nemamwe mafuta aikosha, zvombo zvake, nezvese zvaiva maichengeterwa pfuma yake. Hapana chavasina kuratidzwa naHezekiya muimba yake* uye munzvimbo yake yese yaaitonga.

14 Pashure paizvozvo muprofita Isaya akapinda maiva naMambo Hezekiya akabvunza kuti: “Varume ava vati chii uye vabva kupi?” Hezekiya akabva ati: “Vabva kunyika iri kure, kuBhabhironi.”+ 15 Akabva ati: “Vaonei mumba* mako?” Hezekiya akapindura kuti: “Vaona zvese zviri mumba* mangu. Hapana chandisina kuvaratidza munochengeterwa pfuma yangu.”

16 Isaya akabva ati kuna Hezekiya: “Inzwa shoko raJehovha,+ 17 ‘Mazuva achasvika pachaendeswa kuBhabhironi zvinhu zvese zviri mumba mako nezvakaunganidzwa nemadzitateguru ako kusvikira nhasi.+ Hapana chichasara,’ anodaro Jehovha. 18 ‘Uye vamwe vanakomana vako vauchabereka, vachatorwa+ uye vachava vakuru vemumuzinda wamambo weBhabhironi.’”+

19 Hezekiya akabva ati kuna Isaya: “Shoko raJehovha ramataura rakanaka.”+ Akatiwo: “Ishoko rakanaka kana pachizova nerunyararo nekugadzikana* panguva yandinenge ndiri mupenyu.”*+

20 Kana iri nhoroondo yese yaHezekiya, simba rake rese nekugadzira kwaakaita dziva+ nemugero, akapinza mvura muguta,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 21 Hezekiya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Manase+ akava mambo panzvimbo yake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe