RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 36
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Vanhu vanounza zvakawanda kupfuura zviri kudiwa (1-7)

      • Kugadzirwa kwetebhenekeri (8-38)

Eksodho 36:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vane mwoyo yakachenjera.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:9; 31:6

Eksodho 36:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:3; 35:10
  • +Eks 35:21, 26

Eksodho 36:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 35:5-9; Zvi 3:9; 2VaK 9:7

Eksodho 36:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

  • *

    Zvinoratidza sekuti ndiBhezareri ari kutaurwa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 31:6
  • +Eks 25:9; 39:32; VaH 9:9
  • +Eks 26:1-6

Eksodho 36:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 36:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:7-11

Eksodho 36:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:14

Eksodho 36:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:10, 23; 27:1; 30:5; 36:36
  • +Eks 26:15-18

Eksodho 36:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:19-21

Eksodho 36:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:22-25

Eksodho 36:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:26-28

Eksodho 36:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:29

Eksodho 36:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:21; VaH 10:19, 20
  • +Ge 3:24
  • +Eks 26:31, 32

Eksodho 36:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:36, 37

Eksodho 36:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nepamarin’i adzo” ekukochekera.

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 36:1Eks 25:9; 31:6
Eks. 36:2Eks 28:3; 35:10
Eks. 36:2Eks 35:21, 26
Eks. 36:3Eks 35:5-9; Zvi 3:9; 2VaK 9:7
Eks. 36:8Eks 31:6
Eks. 36:8Eks 25:9; 39:32; VaH 9:9
Eks. 36:8Eks 26:1-6
Eks. 36:14Eks 26:7-11
Eks. 36:19Eks 26:14
Eks. 36:20Eks 25:10, 23; 27:1; 30:5; 36:36
Eks. 36:20Eks 26:15-18
Eks. 36:24Eks 26:19-21
Eks. 36:27Eks 26:22-25
Eks. 36:31Eks 26:26-28
Eks. 36:34Eks 26:29
Eks. 36:35Eks 40:21; VaH 10:19, 20
Eks. 36:35Ge 3:24
Eks. 36:35Eks 26:31, 32
Eks. 36:37Eks 26:36, 37
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 36:1-38

Eksodho

36 “Bhezareri achashanda naOhoriyabhi nevarume vese vane unyanzvi* vakapiwa uchenjeri nekunzwisisa naJehovha kuti vazive maitirwo ebasa rese repanzvimbo tsvene sekurayira kwakaita Jehovha.”+

2 Mozisi akabva ashevedza Bhezareri naOhoriyabhi nevarume vese vaiva neunyanzvi vaiva nemwoyo yakanga yaiswa uchenjeri naJehovha,+ vese vaizvipira kuita basa racho zvichibva pamwoyo.+ 3 Vakabva vatora kuna Mozisi zvipo zvese zvakanga zvaunzwa+ nevaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa dzvene. Asi vanhu vakaramba vachiuya kwaari nezvipo mangwanani ega ega.

4 Pavakanga vatanga basa dzvene, vashandi vese vaigona mabasa vaiuya, mumwe pashure pemumwe, 5 uye vaiudza Mozisi kuti: “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa kupfuura zvinodiwa pabasa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.” 6 Saka Mozisi akarayira kuti chiziviso chipiwe mumusasa wese, achiti: “Vanhuwee, chiregai kuramba muchiunza zvinhu zvekugadzirisa tebhenekeri.” Vanhu vakabva vamiswa kuti vasarambe vachiuya nezvimwe zvinhu. 7 Zvinhu zvacho zvaikwana basa rese raida kuitwa, zvimwe zvichitosara.

8 Saka vashandi vese vaiva neunyanzvi+ vakagadzira tebhenekeri+ nemachira 10 etende akagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku; akazvigadzira* zviine mifananidzo yemakerubhi yakaita zvekurukirirwa pamachira acho.+ 9 Jira rimwe nerimwe retende rakanga rakareba makubhiti* 28 uye rakafara makubhiti 4. Machira ese etende akanga akaenzana. 10 Akabva abatanidza machira etende 5 pamwe chete, uye akabatanidza mamwe acho 5 pamwe chete. 11 Pashure paizvozvo akagadzira zvishwe neshinda yebhuruu pamupendero wejira raiva kwekupedzisira paraizobatira napo. Akaitawo saizvozvo pamupendero wekunze werimwe jira retende raiva kwekupedzisira paraizobatira napo. 12 Akagadzira zvishwe 50 pajira rimwe retende uye zvishwe 50 pane mumwe mupendero wejira retende kwaraizobatanidzwa nako kuitira kuti zvishwe zvacho zvinge zvakanangana. 13 Akazogadzira zvekukochekera nazvo 50 zvegoridhe, akazvishandisa kubatanidza machira acho etende, zvekuti tebhenekeri yacho yakava chinhu chimwe.

14 Akabva agadzira machira etende emvere dzembudzi ekuisa pamusoro petebhenekeri. Akagadzira machira etende 11.+ 15 Jira rimwe nerimwe retende rakanga rakareba makubhiti 30 uye rakafara makubhiti 4. Machira acho etende 11 akanga akaenzana. 16 Akabva abatanidza machira 5 etende pamwe chete, akabatanidza mamwe acho 6 pamwe chete. 17 Akabva agadzira zvishwe 50 pamupendero wejira retende raiva kwekupedzisira kwaraibatanidzwa nako, uye akagadzira zvishwe 50 pamupendero werimwe racho raraibatanidzwa naro. 18 Uye akagadzira zvekukochekera nazvo 50 zvemhangura zvekubatanidza nazvo tende racho kuti rive rimwe chete.

19 Akagadzira chekufukidzisa tende racho nematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku uye chekufukidzisa chematehwe akapfava* chekuisa pamusoro pacho.+

20 Akabva agadzira mafuremu emapuranga emubayamhondoro+ ekumisa tebhenekeri.+ 21 Furemu rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti 10, rakafara kubhiti rimwe nehafu. 22 Furemu rimwe nerimwe raiva nezvimakumbo zvipfupi zviviri, chimwe chiri padivi pechimwe. Aya ndiwo magadziriro aakaita mafuremu ese etebhenekeri. 23 Saka akagadzira mafuremu 20 ekurutivi rwetebhenekeri rwakatarisa kumaodzanyemba. 24 Akabva agadzira zvigadziko 40 zvesirivha zvine maburi zvinoiswa pasi pemafuremu 20, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete zviine panopinda zvimakumbo zvaro zviviri, uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera zviine panopinda zvimakumbo zvaro zviviri.+ 25 Akagadzira mafuremu 20 erumwe rutivi rwetebhenekeri, rutivi rwekuchamhembe 26 nezvigadziko zvawo zvesirivha 40, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera.

27 Kurutivi rwekumashure rwetebhenekeri kwakatarisa kumavirira, akagadzira mafuremu 6.+ 28 Akagadzira mafuremu maviri kuti ave mapango epamakona ekumashure etebhenekeri. 29 Mafuremu acho aiva nemapuranga maviri nechekuzasi achibatana nechekumusoro, parin’i yekutanga. Izvi ndizvo zvaakaita nemapango maviri epakona. 30 Saka ese akanga ari mafuremu 8 aine zvigadziko zvawo 16 zvesirivha zvine maburi, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe.

31 Akabva agadzira mbariro 5 dzemubayamhondoro, dzekubatanidza nadzo mafuremu erimwe divi retebhenekeri,+ 32 uye mbariro 5 dzekubatanidza mafuremu erimwe divi retebhenekeri, nembariro 5 dzekubatanidza mafuremu edivi rekumavirira retebhenekeri, riri kumashure. 33 Akagadzira mbariro yepakati inobva kumucheto ichisvika kumucheto ichipfuura nepakati chaipo pemafuremu. 34 Akaisa goridhe pamafuremu acho, uye akaagadzirira marin’i egoridhe kuti abate mbariro, uye akaisa goridhe pambariro dzacho.+

35 Akabva agadzira keteni+ neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. Akarigadzira riine mifananidzo yemakerubhi+ yakaita zvekurukirirwa.+ 36 Akabva arigadzirira matanda mana emubayamhondoro akaaisa goridhe pamwe nezvekukochekera zvawo zvegoridhe ndokuagadzirira zvigadziko zvina zvesirivha. 37 Akazogadzira keteni rekuvharisa musuo wetende achishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa,+ 38 nembiru dzaro shanu nezvekukochekera nazvo. Akadziisa goridhe nechepamusoro padzo nepazvekubatanidza nazvo,* asi zvigadziko zvadzo zvaiva zvemhangura.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe