RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 41
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Josefa anodudzira hope dzaFarao (1-36)

      • Josefa anokwidziridzwa naFarao (37-46a)

      • Josefa anoona nezvekuunganidza zvekudya uye kuzvitengesera vanhu (46b-57)

Genesisi 41:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, p. 14

Genesisi 41:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:18-21

Genesisi 41:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:22-24

Genesisi 41:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:2, 3

Genesisi 41:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:5

Genesisi 41:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 39:1
  • +Ge 40:8

Genesisi 41:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:21, 22

Genesisi 41:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mugomba.”

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kureva kuti akabvisa zvese ndebvu nebvudzi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:20
  • +Ge 40:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/2015, p. 9

    2/1/2015, p. 14

    Mukai!,

    1/2011, p. 16

    2/8/2000, p. 22

Genesisi 41:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 5:12; Mab 7:9, 10

Genesisi 41:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:8; Dha 2:23, 28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, pp. 14-15

Genesisi 41:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:2-4

Genesisi 41:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:5-7

Genesisi 41:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:8; Dha 2:2
  • +Dha 2:27; 4:7

Genesisi 41:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:28; Amo 3:7

Genesisi 41:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 7:11

Genesisi 41:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:26, 47

Genesisi 41:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:48, 49; Mab 7:12

Genesisi 41:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 45:9, 11; 47:13, 19

Genesisi 41:38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, p. 15

Genesisi 41:40

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pachigaro cheumambo chete.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 39:6; Pis 105:21; Mab 7:9, 10

Genesisi 41:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 5:7

Genesisi 41:43

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kunenge kuti shoko racho rinoreva kuti munhu anofanira kukudzwa uye kuremekedzwa.

Genesisi 41:44

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kusimudza ruoko rwake kana tsoka yake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 44:18; 45:8; Mab 7:9, 10

Genesisi 41:45

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Herioporisi.

  • *

    Kana kuti “akafamba nenyika yese yeIjipiti.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:20
  • +Pis 105:21

Genesisi 41:46

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “paakatanga kushandira Farao.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:3; 2Sa 5:4; Ru 3:23

Genesisi 41:50

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Herioporisi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 48:5

Genesisi 41:51

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Anoita Kuti Ukanganwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 50:23; Nu 1:34, 35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    10/2018, p. 28

    Nharireyomurindi,

    5/1/2015, p. 12

Genesisi 41:52

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kuwanda Zvakapetwa Kaviri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 48:17; Nu 1:32, 33; Dhe 33:17; Jos 14:4
  • +Pis 105:17, 18; Mab 7:9, 10

Genesisi 41:53

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:26

Genesisi 41:54

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:30; Mab 7:11
  • +Ge 45:9, 11; 47:17

Genesisi 41:55

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:13
  • +Pis 105:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupukunyuka, pp. 77-78

Genesisi 41:56

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:1
  • +Ge 41:48, 49; 47:16

Genesisi 41:57

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 41:1Dha 2:1
Gen. 41:2Ge 41:18-21
Gen. 41:5Ge 41:22-24
Gen. 41:10Ge 40:2, 3
Gen. 41:11Ge 40:5
Gen. 41:12Ge 39:1
Gen. 41:12Ge 40:8
Gen. 41:13Ge 40:21, 22
Gen. 41:14Pis 105:20
Gen. 41:14Ge 40:15
Gen. 41:15Dha 5:12; Mab 7:9, 10
Gen. 41:16Ge 40:8; Dha 2:23, 28
Gen. 41:18Ge 41:2-4
Gen. 41:22Ge 41:5-7
Gen. 41:24Ge 41:8; Dha 2:2
Gen. 41:24Dha 2:27; 4:7
Gen. 41:25Dha 2:28; Amo 3:7
Gen. 41:30Mab 7:11
Gen. 41:34Ge 41:26, 47
Gen. 41:35Ge 41:48, 49; Mab 7:12
Gen. 41:36Ge 45:9, 11; 47:13, 19
Gen. 41:40Ge 39:6; Pis 105:21; Mab 7:9, 10
Gen. 41:41Dha 5:7
Gen. 41:44Ge 44:18; 45:8; Mab 7:9, 10
Gen. 41:45Ge 46:20
Gen. 41:45Pis 105:21
Gen. 41:46Nu 4:3; 2Sa 5:4; Ru 3:23
Gen. 41:50Ge 48:5
Gen. 41:51Ge 50:23; Nu 1:34, 35
Gen. 41:52Ge 48:17; Nu 1:32, 33; Dhe 33:17; Jos 14:4
Gen. 41:52Pis 105:17, 18; Mab 7:9, 10
Gen. 41:53Ge 41:26
Gen. 41:54Ge 41:30; Mab 7:11
Gen. 41:54Ge 45:9, 11; 47:17
Gen. 41:55Ge 47:13
Gen. 41:55Pis 105:21
Gen. 41:56Ge 43:1
Gen. 41:56Ge 41:48, 49; 47:16
Gen. 41:57Ge 47:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
  • 53
  • 54
  • 55
  • 56
  • 57
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 41:1-57

Genesisi

41 Papfuura makore maviri azere, Farao akarota+ akamira pedyo neRwizi rwaNire. 2 Uye akaona mhou nomwe dzakanaka uye dzakakora dzichibuda muna Nire, dzichifura uswa hwaiva pedyo naNire.+ 3 Paivawo nedzimwe mhou nomwe dzakashata uye dzakaonda dzakazobuda muna Nire dzichidzitevera, uye dzakamira pedyo nemhou dziya dzakakora dzaiva pedyo naNire. 4 Mhou dziya dzakashata uye dzakaonda dzakabva dzatanga kudya mhou nomwe dzakanaka uye dzakakora. Farao akabva apepuka.

5 Akabva ararazve akarota dzimwe hope. Akarota achiona hura* nomwe dzezviyo dzichibuda padzinde rimwe, dzakasvika uye dzakanaka.+ 6 Pakazobudawo dzimwe hura nomwe dzezviyo, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva. 7 Uye hura dzezviyo dzakatetepa dzakatanga kumedza hura nomwe dzezviyo dzakasvika uye dzakanaka. Farao akabva apepuka akaona kuti airota.

8 Asi pakwakayedza akatanga kunetseka. Saka akaita kuti vapristi vese veIjipiti vaiita zvemashiripiti nevarume vayo vese vakachenjera vadanwe. Farao akarondedzera hope dzake kwavari, asi hapana akagona kudzidudzira.

9 Mukuru wevadiri akabva ataura naFarao, achiti: “Nhasi ndiri kureurura zvivi zvangu. 10 Farao akambotsamwira vashandi vake. Saka akatiisa kujeri reimba yemukuru wevarindi, tiri vaviri nemukuru wevabiki.+ 11 Pashure paizvozvo tese takarota hope usiku humwe chete. Hope dzemumwe nemumwe wedu dzaiva nekududzirwa kwadzo.+ 12 Kwaiva nemumwe murume wechidiki wechiHebheru wataiva naye imomo, muranda wemukuru wevarindi.+ Patakamuudza zvatakanga tarota,+ akadudzira hope dzemumwe nemumwe wedu. 13 Zvaakadudzira ndizvo chaizvo zvakaitika. Ndakadzorerwa kubasa rangu, asi mumwe wangu akasungirirwa.”+

14 Saka Farao akaita kuti Josefa anotorwa,+ uye vakakurumidza kumubudisa mujeri.*+ Akazviveura,* akachinja zvipfeko zvake, ndokupinda maiva naFarao. 15 Farao akabva ati kuna Josefa: “Ndarota hope, asi hapana ari kukwanisa kudzidudzira. Ndanzwa kuti ukaudzwa nemunhu hope dzake unogona kudzidudzira.”+ 16 Josefa akabva apindura Farao kuti: “Handisi ini ndinozviita asi Mwari ndiye achaudza Farao mashoko anofadza.”+

17 Farao akabva audza Josefa kuti: “Ndarota ndimire pamahombekombe eRwizi rwaNire. 18 Ndaona mhou nomwe dzakakora uye dzakanaka dzichibuda muna Nire, dzikatanga kufura uswa pedyo naNire.+ 19 Panga paine dzimwe mhou nomwe dzanga dzichibuda dzichidzitevera, dzanga dzisina kana utano, dzisingatarisiki uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa zvakadaro munyika yese yeIjipiti. 20 Mhou dziya dzakaondoroka uye dzakaipa dzatanga kudya mhou nomwe dzakakora dzekutanga. 21 Asi padzapedza kudzidya, hapana aigona kuziva kuti ndizvo zvadzanga dzaita, nekuti dzaramba dzakangoonda sezvadzanga dzakaita pakutanga. Ndabva ndapepuka.

22 “Pashure paizvozvo ndazorota ndichiona hura nomwe dzezviyo dzanga dzichibuda padzinde rimwe, dzakasvika uye dzakanaka.+ 23 Pazobudawo hura nomwe dzezviyo dzakaputana, nhete, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva. 24 Hura dzezviyo dzakatetepa dzabva dzatanga kumedza hura nomwe dzezviyo dzakanaka. Saka ndaudza vapristi vanoita zvemashiripiti,+ asi hapana akwanisa kunditsanangurira.”+

25 Josefa akabva ati kuna Farao: “Hope dzaFarao dzakangofanana. Mwari wechokwadi audza Farao zvaachaita.+ 26 Mhou nomwe dzakanaka dzinomirira makore manomwe. Uyewo hura dzezviyo nomwe dzakanaka dzinomirira makore manomwe. Hope dzacho dzakangofanana. 27 Mhou nomwe dzakaondoroka uye dzakaipa dzazodzitevera dzinomirira makore manomwe, uye hura dzezviyo nomwe dzakaputana, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva, dzichava makore manomwe enzara. 28 Sekutaura kwandamboita kuna Farao, Mwari wechokwadi aita kuti Farao aone zvaachaita.

29 “Kuchava nemakore manomwe anenge aine zvekudya zvakawandisa munyika yese yeIjipiti. 30 Asi achazoteverwa nemakore manomwe enzara, uye zvekudya zvizhinji zvese zvemunyika yeIjipiti zvichakanganwika, uye nyika ichasakadzwa nenzara.+ 31 Zvekudya zvizhinji zvinenge zvambova munyika yacho hazvizoyeukwi nemhaka yenzara inozotevera, nekuti ichange yakakura. 32 Hope dzadzokororwa kaviri kuna Farao nekuti nyaya yacho yasimbiswa kwazvo naMwari wechokwadi, uye Mwari wechokwadi achakurumidza kuzviita.

33 “Saka Farao ngaatsvage murume akangwara uye akachenjera, oisa nyika yeIjipiti mumaoko ake. 34 Farao ngaaone zvekuita, agadze vatariri munyika, uye anofanira kuunganidza chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu zvezvinhu zvichakohwewa muIjipiti mumakore manomwe emaguta.+ 35 Uye ngavaunganidze zvekudya zvese zvemakore aya akanaka ari kuuya, uye ngavaunganidze zviyo mumatura aFarao ari mumaguta, zvochengetwa imomo.+ 36 Zvekudya zvacho zvichange zvichidyiwa nevanhu mumakore manomwe enzara achavapo munyika yeIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”+

37 Zano racho rakanga rakanaka kuna Farao nekuvashandi vake vese. 38 Saka Farao akati kuvashandi vake: “Pangawanikwa mumwe murume akafanana neuyu ane mweya waMwari maari here?” 39 Farao akabva ati kuna Josefa: “Sezvo Mwari aita kuti uzive zvese izvi, hapana mumwe munhu akangwara uye akachenjera sewe. 40 Imba yangu ichava mumaoko ako, uye vanhu vangu vese vachateerera zvese zvaunotaura.+ Ndichangova mukuru kwauri pakuti ndini mambo.”* 41 Farao akatizve kuna Josefa: “Ona, ndiri kukugadza kuti utungamirire nyika yese yeIjipiti.”+ 42 Farao akabva abvisa rin’i yake ine chidhindo muruoko rwake, akaipfekedza Josefa muruoko, akamupfekedzawo nguo yakanaka kwazvo, akaisa chishongo chegoridhe muhuro make. 43 Uyezve, akaita kuti akwire mungoro yechipiri yekukudzwa yaaiva nayo, uye vanhu vaishevedzera vari pamberi pake vachiti, “A·vrékh!”* Saka akamugadza kuti atungamirire nyika yese yeIjipiti.

44 Farao akabva atizve kuna Josefa: “Ndini Farao, asi kana pasina mvumo yako, hapana munhu anogona kuita chero chii zvacho* munyika yese yeIjipiti.”+ 45 Pashure paizvozvo Farao akatumidza Josefa kuti Zafenati-paneya uye akamupa Asenati+ mwanasikana waPotifera mupristi weOni* kuti ave mudzimai wake. Josefa akatanga kushanda semutariri wenyika yeIjipiti.*+ 46 Josefa akanga ava nemakore 30+ paakamira pamberi paFarao* mambo weIjipiti.

Josefa akabva pamberi paFarao akafamba nenyika yese yeIjipiti. 47 Uye mumakore manomwe ezvekudya zvizhinji, nyika yacho yakaramba ichibereka zvakawanda kwazvo. 48 Akaramba achiunganidza zvekudya zvese zvemunyika yeIjipiti zvemakore manomwe uye aichengeta zvekudya zvacho mumaguta. Muguta rimwe nerimwe aichengeta zvekudya zvaibva muminda yakanga yakaripoteredza. 49 Josefa akaramba achiunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa, kusvikira vazorega kuzviyera, nekuti zvakanga zvakawandisa.

50 Gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri+ naAsenati mwanasikana waPotifera mupristi weOni.* 51 Josefa akatumidza dangwe racho kuti Manase,*+ nekuti akati, “Mwari aita kuti ndikanganwe nhamo dzangu dzese uye imba yababa vangu.” 52 Akatumidza wechipiri kuti Efremu,*+ nekuti akati, “Mwari aita kuti ndibereke munyika yekutambudzika kwangu.”+

53 Makore manomwe ezvekudya zvizhinji muIjipiti akazopera,+ 54 uye makore manomwe enzara akatanga, sezvakanga zvataurwa naJosefa.+ Nzara yacho yakavapo munyika dzese, asi munyika yese yeIjipiti maiva nezvekudya.+ 55 Nyika yese yeIjipiti yakazopedzisira yavawo nenzara uye vanhu vakatanga kuchemera zvekudya kuna Farao.+ Farao akabva ati kuvaIjipiti vese: “Endai kuna Josefa moita zvese zvaanokuudzai.”+ 56 Nzara yakaramba iripo pasi rese.+ Josefa akabva atanga kuzarura matura ese akanga ari pakati pavo, achitengesera vaIjipiti,+ sezvo nzara yakanga yanyanya munyika yese yeIjipiti. 57 Uyezve, pasi rese vanhu vaiuya kuIjipiti kuzotenga kuna Josefa, nekuti nzara yakanga yanyanya pasi rese.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe