RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 27
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Kudzikinurwa kwezvinhu zvinenge zvakaitirwa mhiko (1-27)

        • Vanhu (1-8)

        • Mhuka (9-13)

        • Dzimba (14, 15)

        • Minda (16-25)

        • Mhuka dzakatanga kuberekwa (26, 27)

      • Zvinhu zvinenge zvakatsaurirwa kuna Jehovha zvachose (28, 29)

      • Kudzikinurwa kwezvegumi (30-34)

Revhitiko 27:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “hwemweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 23:21; Vat 11:30, 31; 1Sa 1:11

Revhitiko 27:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Revhitiko 27:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:7, 11; 12:8; 14:21
  • +Ru 21:2-4; 2VaK 8:12

Revhitiko 27:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:25; Dhe 14:7, 8

Revhitiko 27:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:19

Revhitiko 27:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:11, 12

Revhitiko 27:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Homeri uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Revhitiko 27:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:10

Revhitiko 27:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:15, 16

Revhitiko 27:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:8, 14

Revhitiko 27:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:25

Revhitiko 27:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:11, 12, 18

Revhitiko 27:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:10, 28

Revhitiko 27:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Gera rainge rakaenzana nemagiramu 0,57. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Revhitiko 27:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:2; Nu 18:17
  • +Eks 22:30; Dhe 15:19

Revhitiko 27:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:11-13

Revhitiko 27:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:8, 14

Revhitiko 27:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:2
  • +Jos 6:17; 1Sa 15:3, 18

Revhitiko 27:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 14:20; 28:22; Nu 18:21, 26; Dhe 14:22; 2Mak 31:5; Ne 13:12; Mar 3:10; Ru 11:42; VaH 7:5

Revhitiko 27:32

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2008, p. 9

Revhitiko 27:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:9, 10

Revhitiko 27:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:1; Nu 1:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 27:2Dhe 23:21; Vat 11:30, 31; 1Sa 1:11
Revh. 27:8Re 5:7, 11; 12:8; 14:21
Revh. 27:8Ru 21:2-4; 2VaK 8:12
Revh. 27:11Re 20:25; Dhe 14:7, 8
Revh. 27:13Re 27:19
Revh. 27:14Re 27:11, 12
Revh. 27:17Re 25:10
Revh. 27:18Re 25:15, 16
Revh. 27:21Nu 18:8, 14
Revh. 27:22Re 25:25
Revh. 27:23Re 27:11, 12, 18
Revh. 27:24Re 25:10, 28
Revh. 27:26Eks 13:2; Nu 18:17
Revh. 27:26Eks 22:30; Dhe 15:19
Revh. 27:27Re 27:11-13
Revh. 27:28Nu 18:8, 14
Revh. 27:29Nu 21:2
Revh. 27:29Jos 6:17; 1Sa 15:3, 18
Revh. 27:30Ge 14:20; 28:22; Nu 18:21, 26; Dhe 14:22; 2Mak 31:5; Ne 13:12; Mar 3:10; Ru 11:42; VaH 7:5
Revh. 27:33Re 27:9, 10
Revh. 27:34Eks 3:1; Nu 1:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 27:1-34

Revhitiko

27 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko isingawanzoitwa+ yekuti ape Jehovha mari yakatarwa ichinzi inoenderana neukoshi hwemunhu,* 3 mari yacho yakatarwa yemunhurume ane makore ari pakati pe20 ne60 ichange iri mashekeri* 50 esirivha anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.* 4 Asi kana ari munhukadzi, mari yacho yakatarwa ichava mashekeri 30. 5 Kana ari munhu ane makore ari pakati pe5 ne20, mari yakatarwa ichange iri mashekeri 20 kana ari munhurume, uye mashekeri 10 kana ari munhukadzi. 6 Kana zera racho richitangira pamwedzi mumwe chete kusvikira pamakore mashanu, mari yakatarwa ichange iri mashekeri mashanu esirivha kana ari munhurume, uye mashekeri matatu esirivha kana ari munhukadzi.

7 “‘Kana ari munhu ane makore 60 zvichikwira, mari yakatarwa ichange iri mashekeri 15 kana ari munhurume, uye mashekeri 10 kana ari munhukadzi. 8 Asi kana ari murombo zvakanyanya zvekuti haakwanisi kuwana mari yakatarwa,+ munhu wacho anofanira kumira pamberi pemupristi, uye mupristi achamuudza mari yaanofanira kubvisa. Akaita mhiko wacho achatarirwa nemupristi mari yaanofanira kubvisa zvichienderana nekuti anokwanisa zvipi.+

9 “‘Kana munhu akaita mhiko yekuti anoda kubvisa mhuka inokodzera kupiwa sechibayiro kuna Jehovha, chese chinenge chapiwa Jehovha chichava chinhu chitsvene. 10 Haagoni kuitsiva, kana kuchinjanisa yakanaka neyakaipa kana kuti yakaipa neyakanaka. Asi kana zvikaitika kuti anoitsiva neimwe mhuka, dzese dziri mbiri, yaanga agara apa yacho neiya yaanoitsiva nayo dzichava tsvene. 11 Kana iri mhuka isina kuchena+ isingaiti kupa sechibayiro kuna Jehovha, anofanira kumisa mhuka yacho pamberi pemupristi. 12 Mupristi achabva atara ukoshi hwayo, kuti aone kana yakanaka kana kuti yakaipa. Mari inenge yataurwa nemupristi ndiyo ichatevedzerwa. 13 Asi kana zvikaitika kuti anoda kuidzikinura, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa+ chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu.

14 “‘Kana munhu akatsaura imba yake kuti ive chinhu chitsvene kuna Jehovha, mupristi achatara ukoshi hwayo, ingava yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo wayo uchaenderana neukoshi hunenge hwataurwa nemupristi.+ 15 Asi kana munhu anenge akatsaura imba yake ava kuda kuidzikinura, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu, uye ichava yake.

16 “‘Kana munhu akatsaura mumwe munda wake opa Jehovha, ukoshi hwawo hunofanira kutarwa maererano neuhwandu hwembeu inodyarwa mauri: homeri* yembeu yebhari ichava mashekeri 50 esirivha. 17 Kana akatsaura munda wake mugore reJubheri,+ mutengo wakatarwa hauchinje. 18 Kana akatsaura munda wake Jubheri rapfuura, mupristi achaverenga mutengo wakaenzanirana nemakore asara kusvikira pagore reJubheri rinotevera, saka mutengo wawo wakatarwa+ unofanira kuderedzwa. 19 Asi kana zvikaitika kuti munhu wacho akautsaura anoda kudzikinura munda wacho, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu, uye ucharamba uri wake. 20 Kana akasadzikinura munda wacho uye munda wacho ukatengeserwa mumwe munhu, haugoni kuzodzikinurwazve. 21 Kana munda ukasunungurwa mugore reJubheri, uchava chinhu chitsvene kuna Jehovha, semunda waakatsaurirwa. Uchava nhaka yemupristi.+

22 “‘Kana munhu akatsaurira kuna Jehovha munda waakatenga usiri nhaka yake,+ 23 mupristi achamutarira mutengo wacho maererano nemakore anenge asara kusvikira pagore reJubheri, uye achabvisa mari yacho pazuva iroro.+ Iwo chinhu chitsvene kuna Jehovha. 24 Mugore reJubheri, munda wacho uchadzokera kune akanga amutengesera, kumuridzi wemunda wacho.+

25 “‘Mutengo wese unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene. Shekeri racho rinofanira kuita magera* 20.

26 “‘Asi hapana munhu anofanira kutsaura mhuka inotanga kuberekwa, nekuti ndeyaJehovha.+ Ingava mombe kana kuti gwai, yagara iri yaJehovha.+ 27 Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena uye achida kuidzikinura maererano nemari yakatarwa, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu.+ Asi kana isina kudzikinurwa, ichatengeswa maererano nemari yakatarwa.

28 “‘Asi hapana chinhu chinotsaurirwa nemunhu zvachose pazvinhu zvake kuti chipiwe Jehovha chinofanira kutengeswa kana kutengwa, angava munhu kana mhuka kana kuti munda wake. Chinhu chese chakatsaurwa chitsvenetsvene kuna Jehovha.+ 29 Uyewo hapana munhu akanzi anofanira kuurayiwa, akatsaurwa kuti aparadzwe anogona kudzikinurwa.+ Anotofanira kuurayiwa.+

30 “‘Zvegumi zvese+ zvenyika, zvingava zvemumunda kana michero yemiti, ndezvaJehovha. Izvo zvinhu zvitsvene kuna Jehovha. 31 Kana zvikaitika kuti munhu anoda kudzikinura chegumi chake, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu. 32 Kana zviri zvegumi zvese zvemombe nemakwai nembudzi, zvese zvinopfuura nepasi petsvimbo yemufudzi, chechigumi chacho chichava chitsvene kuna Jehovha. 33 Haafaniri kuongorora kuti chakanaka here kana kuti chakaipa, uyewo haafaniri kuchichinja. Asi kana zvikaitika kuti anoedza kuchichinja, zvese zviri zviviri chaanga agara apa chacho nechiya chaanochitsiva nacho zvinofanira kuva zvinhu zvitsvene.+ Hachigoni kudzikinurwa.’”

34 Iyi ndiyo mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha muGomo reSinai+ kuti ape vaIsraeri.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe