Chikonzero Chokuti Uvimbe Nouprofita hweBhaibheri
MAMBO PYRRHUS weEpirus kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweGirisi akanga achirwisana neUmambo hweRoma kwenguva yakareba. Achida kuziva zvaizoguma zvaitika, akaenda kumuzinda wesvikiro wekuDelphi kunobvunza. Asi mhinduro yaakagamuchira yaigona kunzwisiswa neimwe yenzira mbiri dzinotevera: (1) “Ndinoti iwe mwanakomana waÆacus unogona kukunda vaRoma. Iwe uchaenda, iwe uchadzoka, hauzombofi wakaparara muhondo.” (2) “Ndinoti vaRoma vanogona kukukunda, mwanakomana waÆacus. Iwe uchaenda, iwe hauzombofi wakadzoka, iwe uchaparara muhondo.” Akasarudza kunzwisisa zvakanga zvataurwa zvacho nenzira yokutanga uye akabva atanga kurwisana neRoma. Pyrrhus akakundwa zvokukundwa zviya.
Zviitiko zvakadaro zvakaita kuti zvaitaurwa namasvikiro akare zvinyatsozivikanwa kuti hazvina kujeka uye kuti zvinganzwisiswa nenzira dzakasiyana. Asi zvakadini nouprofita hweBhaibheri? Vamwe vanotsoropodza vanoti uprofita hunowanwa muBhaibheri hwakangofanana nezvinotaurwa namasvikiro. Ava vanotsoropodza vanofungidzira kuti zvakafanotaurwa neBhaibheri zvaingova kufanotaura kwokuchenjera zviitiko zveramangwana kwaiitwa nevanhu vakangwara zvikuru uye vanokurumidza kunzwisisa, kunyanya veboka ravapristi. Zvinofungidzirwa kuti, nokungorarama kwenguva refu kana kuti kuburikidza nevavaizivana navo, varume ava vakafanoona zvaizoita zvinhu zvakati. Nokuenzanisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvouprofita hweBhaibheri nezviya zvinotaurwa namasvikiro, tichashongedzerwa zviri nani kuti tigumise zvakafanira.
Pfungwa Dzakasiyana
Zvaitaurwa nemasvikiro zvaizivikanwa nokuva kwazvo zvinhu zvinonzwika nenzira dzakasiyana. Somuenzaniso, paDelphi, mhinduro dzakapiwa dzakataurwa zvisina kujeka. Izvi zvakaita kuti vapristi vafanire kudzidudzira ndokuumba ndima dzaikwanisa kududzira zvakasiyana. Muenzaniso chaiwo weizvi imhinduro inopiwa Croesus, mambo weLydia. Paakaenda kumuzinda wesvikiro kunobvunza, akaudzwa kuti: “Kana Croesus akayambuka Halys, achaparadza umambo hune simba.” Chaizvoizvo, “umambo hune simba” hwakaparadzwa hwaiva hwake iye! Croesus paakayambuka rwizi rweHalys kuti avhozhokere Cappadocia, akakundwa naCyrus wokuPersia.
Kusiyana kwazvo nezvinotaurwa nemasvikiro echihedheni, uprofita hweBhaibheri hunozivikanwa nokuda kwokururama kwahwo nokujeka. Muenzaniso uprofita hune chokuita nokuwa kweBhabhironi, hwakanyorwa mubhuku reBhaibheri raIsaya. Makore anenge 200 izvi zvisati zvaitika, muprofita Isaya akafanotaura nemashoko akakwana uye zvakarurama nezvekukundwa kweBhabhironi neMedo-Persia. Uprofita hwacho hwakazivisa kuti mukundi aizova nezita rokuti Koreshi, uye hwakazivisa chirongwa chokuomesa rwizi rwaidzivirira rwakanga rwakaita segomba nokupinda muguta rakasimba napamasuo akazaruka. Zvose izvi zvakaitika sezvakanga zvataurwa chaizvo. (Isaya 44:27–45:2) Zvakaprofitwawo zvakarurama kuti Bhabhironi raizoguma risingachagarwi zvachose.—Isaya 13:17-22.
Fungawo nezverudzi rwakajeka rwenyevero iyi yakaziviswa nomuprofita Jona: “Kwasara mazuva ane makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” (Jona 3:4) Hapana chisina kujeka pano! Shoko racho rakanga rakasimba kwazvo uye rakananga zvokuti varume veNinevhe vakakurumidza ku“tenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga.” Nemhaka yokupfidza kwavo, Jehovha haana kuparadza vaNinevhe panguva iyoyo.—Jona 3:5-10.
Zvaitaurwa namasvikiro zvaishandiswa semutoo wokupesvedzera nawo zvematongerwe enyika. Vatongi navatungamiriri vemauto vaiwanzotaura kududzira kwavaida kuitira kuti vatsigire zvavaifarira ivo pachavo nezvavaiita, nokudaro vachiita “kuvharidzira kwamwari.” Zvisinei, mashoko aMwari ouprofita haana kutaurwa maererano nezvaidiwa navanhu.
Kuti tienzanisire: Muprofita waJehovha Natani haana kurega kurayira Mambo Dhavhidhi akanga akanganisa. (2 Samueri 12:1-12) Munguva yokutonga kwaJerobhoami II umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri, vaprofita Hosea naAmosi vakataura vachitsoropodza mambo aipandukira navaimutsigira nemhaka yokuramba kwavo kutenda uye maitiro avo okusakudza Mwari. (Hosea 5:1-7; Amosi 2:6-8) Chainyanya kutyisa yakanga iri nyevero yaJehovha kuna mambo achishandisa muromo womuprofita Amosi: “Ndichamukira imba yaJerobhoami nomunondo.” (Amosi 7:9) Imba yaJerobhoami yakaparadzwa.—1 Madzimambo 15:25-30; 2 Makoronike 13:20.
Kakawanda, zvaitaurwa namasvikiro zvaibhadhariswa. Aibhadhara mari yakawanda aiudzwa zvaaifarira kunzwa. Vaya vakaenda kumizinda yemasvikiro yekuDelphi kunobvunza vakabhadhara mari yakawanda kuti vapiwe mashoko asingabetseri, nenzira iyoyo vachizadza temberi yaApollo nezvimwe zvivako nepfuma dzakawanda. Kusiyana naizvozvo, uprofita hweBhaibheri nenyevero zvakapiwa pasina muripo uye pasina kana rusaruro. Izvozvo zvaiitwa pasinei zvapo nechinzvimbo kana kuti pfuma yemunhu wazvairatidzwa, nokuti uprofita hwechokwadi hwakanga husingagoni kuitwa chioko muhomwe. Muprofita nomutongi Samueri aigona kunyatsobvunza nemwoyo wose kuti: “Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo?”—1 Samueri 12:3.
Sezvo munhu aigona kuziva zvinotaurwa nemasvikiro kunzvimbo dzakati chete, aifanira kutamburira kuti aende ikoko kuti audzwe. Kumunhuwo zvake, dzakawanda dzenzvimbo idzodzo dzakanga dzakaoma zvikuru kusvika nemhaka yokuti dzakanga dziri munzvimbo dzakadai seDodona paMount Tomarus muEpirus neDelphi pakati nepakati peGreece mumakomo. Kakawanda, vapfumi bedzi nevaiva nesimba ndivo vaikwanisa kubvunza vanamwari pamizinda yemasvikiro yakadaro. Uyezve, “zvaidiwa navanamwari” zvaiziviswa mazuva mashomanene bedzi pagore. Zvakasiyana zvikuru, Jehovha Mwari akatuma nhume dzake vaprofita zvakananga kuvanhu kuitira kuti vazivise uprofita hwavaifanira kunzwa. Somuenzaniso, munguva youtapwa hwavaJudha hwokuBhabhironi, Mwari akanga ane vaprofita vanenge vatatu vaishanda nevanhu vake—Jeremia muJerusarema, Ezekieri nenhapwa, uye Dhanieri ari mudzimbahwe reUmambo hweBhabhironi.—Jeremia 1:1, 2; Ezekieri 1:1; Dhanieri 2:48.
Zvaitaurwa nemasvikiro zvaiwanzotaurwa pachivande kuitira kuti aiudzwa wacho ashandise kududzirwa kwazvo zvakamunakira iye. Kusiyana naizvozvo, uprofita hweBhaibheri hwaiwanzotaurwa pachena kuitira kuti vose vagonzwa shoko racho ndokunzwisisa zvarinoreva. Muprofita Jeremia kakawanda aitaura pachena muJerusarema, kunyange zvazvo aiziva kuti shoko rake rakanga risina kukurumbira pavatungamiriri nevaigara muguta racho.—Jeremia 7:1, 2.
Nhasi, zvinotaurwa nemasvikiro zvinoonekwa sechikamu chenhau yekare. Hazvishandi kuvanhu vari kurarama munguva dzedu dzinonetsa. Hapana zvinotaurwa nemasvikiro zvakadaro zvine chokuita nezuva redu kana kuti ramangwana redu. Mumusiyano wakajeka, uprofita hweBhaibheri chikamu che‘shoko raMwari benyu, rine simba.’ (VaHebheru 4:12) Uprofita hwakatozadzika hweBhaibheri hunotaura mabatiro aiita Jehovha navanhu ndokuzivisa zvinhu zvinokosha nezvezvinangwa zvake nounhu. Kuwedzera kune izvozvo, uprofita hweBhaibheri hunokosha hwamirira kuzadzikiswa mune ramangwana. Achirondedzera zviri mberi, muapostora Petro akanyora kuti: “Sezvaakapikira [Mwari], tinotarira denga idzva [Umambo hwaMesiya hwokudenga] nenyika itsva [nzanga yevanhu vakarurama], munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:13.
Uku kuenzanisa kupfupi uprofita hweBhaibheri nezvakataurwa nemasvikiro echitendero chenhema kungakuita kuti ugume wataura zvakafanana nezvakataurwa mubhuku rine musoro unoti The Great Ideas kuti: “Kana totaura nezvekufanoziva zvichaitika kumunhu anofa, vaprofita vechiHebheru vanoita sevakasiyana navamwe. Kusiyana navanamwari vechihedheni kana kuti vanofanotaura zvichaitika, . . . havafaniri kushandisa unyanzvi kana kuti zvinhu kuti vawane zvakavanzika zvaMwari. . . . Kakawanda, zvinhu zvouprofita zvavanotaura, kusiyana nezviya zvinotaura masvikiro, zvinoratidza kuti zvakajeka. Zvinoratidzika kuti vavariro yacho ndeyokuzivisa, kwete kuvanza, chirongwa chaMwari panhau dzakadaro sezvo Iye Pachake achishuva kuti vanhu vafanoona nzira yokuchenjera.”
Uchavimba Nouprofita hweBhaibheri Here?
Unogona kuvimba nouprofita hweBhaibheri. Chokwadi, unogona kuita kuti Jehovha nokuzadzika kweshoko rake rouprofita zvive zvinhu zvinokosha muupenyu hwako. Uprofita hweBhaibheri hahusi chinyorwa chisingachakoshi chezvinhu zvakafanotaurwa zvakatoitika. Uprofita hwakawanda hunowanwa muMagwaro zvino hwava kuda kuzadzika kana kuti hwamirira kuitika mune ramangwana. Tichitema nezvakaitika munguva yakapfuura, tinogona kunyatsova nechokwadi chokuti ihwo huchazadzikawo. Sezvo uprofita hwakadaro huchisimbisa nguva dzedu uye huchibatanidza ramangwana redu chairo, tinoita zvakanaka kuhukoshesa.
Zvechokwadi unogona kuvimba nouprofita hweBhaibheri hunowanwa pana Isaya 2:2, 3 kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo . . . Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Huyai, ngatikwire kugomo raJehovha, . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” Nhasi, mamiriyoni avanhu zvechokwadi ari kugamuchira kunamata kwakakwirira kwaJehovha uye ari kudzidza kufamba munzira dzake. Uchabvuma mukana wokudzidza zvakawanda nezvenzira dzaMwari ndokupinza zivo yakarurama ine chokuita naye nezvinangwa zvake kuitira kuti ufambe munzira dzake here?—Johane 17:3.
Kuzadzika kwohumwe uprofita hweBhaibheri kunoda kuti isu tiite chiito chokukurumidzira. Nezveramangwana, munyori wepisarema akaimba achiprofita kuti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa . . . Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo.” (Pisarema 37:9, 10) Unofunga kuti chii chinodikanwa kudzivisa kuparadzwa kwava kuda kuitika kwavakaipa, kubatanidza vaya vanonyomba uprofita hweBhaibheri? Pisarema iroro rinopindura richiti: “Vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:9) Kurindira Jehovha kunoreva kunyatsovimba nevimbiso dzake uye kuita kuti upenyu hwedu huwirirane nemitemo yake.—Zvirevo 2:21, 22.
Upenyu huchava hwakaita sei apo vaya vane tariro muna Jehovha vanogara nhaka yenyika? Zvakare, uprofita hweBhaibheri hunozivisa kuti ramangwana rine mbiri rava pedyo nokuda kwavanhu vanoteerera. Muprofita Isaya akanyora kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba; nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.” (Isaya 35:5, 6) Muapostora Johane akanyora mashoko aya anosimbisa achiti: “[Jehovha] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura. Wakanga agere pachigaro choushe akati: . . . Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti Bhaibheri ibhuku rine uprofita hunovimbika. Uye zvinobvumirana zvakazara nekukurudzira kwomuapostora Petro kwokuti: “Tine shoko rouprofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu.” (2 Petro 1:19) Tariro yedu yechokwadi ndeyokuti uchafadzwa netarisiro dzakaisvonaka dzinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana!
[Bhikisi/Mifananidzo iri papeji 6]
MUZINDA WEKUDELPHI ndiwo wakanga wakanyanya kukurumbira muGreece yakare.
Utsi hunodhaka hwakaita kuti svikiro ribudirwe
[Mifananidzo]
Svikiro raigara pachituro chine makumbo matatu ndokutaura zvaizoitika
Zvaainzwika achitaura zvainzi zvine zvakazarurwa zvaibva kuna mwari Apollo
[Kwazvakatorwa]
Chituro Chine Makumbo Matatu: Kubva mubhuku rinonzi Dictionary of Greek and Roman Antiquities; Apollo: The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvakafanotaurwa pamuzinda wesvikiro rekuDelphi zvakanga zvisingavimbiki zvachose
[Kwazvakatorwa]
Delphi, Greece
[Mifananidzo iri papeji 8]
Unogona kuva nechivimbo chakazara muuprofita hweBhaibheri hune chokuita nenyika itsva