RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 2 pp. 8-9
  • Kana Wawakaroorana Naye Akadanana Nemumwe Munhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Wawakaroorana Naye Akadanana Nemumwe Munhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MAVHESI ANOGONA KUKUBATSIRA
  • Kukunda Zvipingamupinyi Nokugadza Vavariro
    Mukai!—2001
  • Kunyaradzwa Mumatambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Kuyanana Kunoita Here?
    Mukai!—1999
  • Ndakasarudza Basa Rakanaka
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 2 pp. 8-9
Mukadzi ari kunyengetera

Kana Wawakaroorana Naye Akadanana Nemumwe Munhu

Maria, wekuSpain anoti: “Murume wangu paakandiudza kuti ava kundisiya achinogara nemumwe mukadzi wechidiki, ndakarwadziwa zvisingaiti ndikaona sekuti kufa kuri nani. Chakanyanya kundirwadza kufunga zvese zvandaimuitira.”

Bill, wekuSpain anoti: “Mudzimai wangu paakangoerekana andisiya, ndakanzwa sekuti pane chimwe chinhu chabviswa mandiri. Zvese zvataironga zvakanga zvaenda musango. Mamwe mazuva ndainzwa sekuti kunetseka kwandaiita kwapera, asi ndaizongoona ndava kushungurudzika zvekare.”

KANA mumwe wako akatanga kudanana nemumwe munhu unorwadziwa kusvika pekupedzisira. Vamwe vanokwanisa kuregerera mumwe wavo voramba vachigara vese.a Asi pasinei nekuti varamba vari vese here kana kuti kwete, uya anenge atadzirwa anogona kuramba achirwadziwa. Pane here chinogona kubatsira vanhu vakadaro?

MAVHESI ANOGONA KUKUBATSIRA

Pasinei nekurwadziswa kwavakaitwa, vakawanda vakanyaradzwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Vakaona kuti Mwari anorwadziwawo paanoona vachishungurudzika.​—Maraki 2:13-16.

“Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, [imi makandinyaradza.]”​—Pisarema 94:19.

“Pese pandaiverenga vhesi iyi, ndaiita sendiri kuona Jehovha achindinyaradza sezvinoita baba vari kunyaradza mwana wavo,” anodaro Bill.

“Muchava akavimbika kune akavimbika.”​—Pisarema 18:25.

Murume waCarmen akaita mwedzi yakawanda achidanana nemumwe mukadzi. Carmen anoti, “Pasinei nezvakaitwa nemurume wangu, ndinoziva kuti Jehovha acharamba akavimbika kwandiri, haambofi akandisiya.”

“Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu.”​—VaFiripi 4:6, 7.

“Ndakaverenga vhesi iyi kasingaperi,” anodaro Sasha. “Pandairamba ndichinyengetera, Mwari aiita kuti ndinzwe kudzikama.”

Vese vataurwa pamusoro apa vakambonzwa sekuti havachakwanisi kutsungirira. Asi vakavimba naJehovha Mwari uye Shoko rake rakavasimbisa. Bill anoti: “Pandaiona sekuti hapana chandichararamira, kutenda kwangu ndiko kwakandibatsira. Kunyange zvazvo ‘ndakambofamba mumupata wezarima,’ Mwari akaramba aineni.”​—Pisarema 23:4.

a Kuti uzive kuti woregerera mumwe wako here kana kuti kwete, verenga nyaya dzine musoro wekuti, “Apo Wawakaroorana Naye Anenge Asina Kutendeseka” dziri muMukai! yaMay 8, 1999.

Zvimwe Zvakabatsirawo Vamwe

Verenga mavhesi anokunyaradza.

Bill anoti, “Ndakaverenga bhuku raJobho neraMapisarema, uye ndaimaka mavhesi ese andaiona kuti ari kuenderana nezviri kuitika kwandiri. Ndakaona kuti vanhu vakashandiswa kunyora mabhuku aya, vaivawo nematambudziko andaisangana nawo.”

Teerera nziyo dzinokunyaradza.

Carmen anoti: “Pandaipererwa nehope usiku, ndaibva ndateerera nziyo. Dzaiita kuti ndinzwe zviri nani.” Daniel anoti: “Ndakadzidzira kuridza gitare uye zvaiita kuti ndisaramba ndichinyanya kunetseka.”

Tsvaga munhu wekutaura naye.

Daniel anoti: “Ndaiva munhu asina kusununguka kutaura zvaindinetsa. Asi ndaiva neshamwari dzangu dzandaitaura nadzo mazuva ese. Ndaidziudza zvese zvaindinetsa uye dzimwe nguva ndaiita zvekudzinyorera tsamba. Izvi zvakandibatsira.” Sasha anoti: “Ndinotenda chaizvo kubatsirwa kwandakaitwa nevanhu vekumba kwedu. Mhamha vaigara vachindibatsira pese pandaitanga kunetseka. Pandaida kutaura navo, vaindiwanira nguva. Baba vakaitawo kuti ndinzwe kuti ndichiri kudiwa, uye vaindinzwisisa vachindiitira mwoyo murefu.”

Ramba uchinyengetera.

Carmen anoti: “Ndairamba ndichinyengetera. Ndainzwa kuti Mwari ari pedyo neni, aindinzwa uye aindibatsira. Nguva yese iyi zvinhu pazvaindiomera ndakatowedzera kuva pedyo naye.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe