Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maJanuary: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” kana kuti bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1982 asati asvika nokuda kwe$5,00 rimwe nerimwe. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! nokuda kwe$15,00. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$5,00 kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano nokuda kwe$15,00. (Chinyorwa chiduku: $7,50). April: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi nokuda kwe$25,00 nokuda kwegore rimwe kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. Mundima inofukidzwa kakawanda, bhurocha ripi neripi (kunze kwemabhurocha aDzidzo uye School) ringagoverwawo nokuda kwe$1,50.
◼ Ungano dzinofanira kuita rongedzero dzakafanira kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino paChipiri, April 2, pashure pokuvira kwezuva. Kunyange zvazvo kuchishuviwa kuti ungano imwe neimwe iite kuchengeta kwayo imene kweChirangaridzo, ikoku hakungavi kunobvira nguva dzose. Uko ungano dzakati dzinowanzoshandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo, zvichida ungano imwe kana kuti kupfuura dzinogona kuwana imwe nzvimbo yokushandisa nokuda kwamanheru iwayo. Chirangaridzo hachifaniri kunonoka kutanga zvikuru zvokuti vanhu vachangobva kufarira vanokuwana kusina kukodzera kupinda. Uyezve, rudungwe rwacho harwufaniri kuva rwakanyanyobatana zvokuti hapana nguva pamberi kana kuti pashure pokuchengeta yokumhorosa vashanyi, kuita gadziriro dzebetsero yomudzimu inopfuuridzirwa nokuda kwavamwe, kana kuti kufarikanya tsinhano yenguva dzose yekurudziro. Pashure pokurangarira chose chose zvinhu zvose, vakuru vanofanira kusarudza kuti igadziriroi dzichava dzakanakisisa dzokubetsera avo vanopinda Chirangaridzo kuti vabetserwe zvizere nechiitiko chacho.
◼ Hurukuro chaiyo yavose yenhambo yeChirangaridzo cha1996 ichapiwa paSvondo, April 21. Musoro wehurukuro yacho uchava “Kuramba Usina Chaungapomerwa Pakati Pechizvarwa chakakombama.” Ndaza ichagoverwa. Ungano dziya dzinenge dzine shanyo yomutariri wedunhu, gungano redunhu, kana kuti zuva regungano chairo kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro chaiyo vhiki inotevera yacho. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro chaiyo April 21 asati asvika.
◼ Kutanga muna February, uye pasati pari pashure paMarch 3, hurukuro yavose itsva yavatariri vamatunhu ichava “Ungano Yakavimbika Munhungamiro yaKristu.”
◼ Zvinyorwa zvapanguva imwe cheteyo, zvomwedzi nomwedzi zveNharireyomurindi zvichabudiswa muChitonga kuvamba nechinyorwa chaJanuary 1, 1996.