RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/08 p. 8
  • Uchapupu Hwokutenda!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchapupu Hwokutenda!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • “Uchapupu Kumarudzi Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nyika Yava Kuda Kuguma Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 2/08 p. 8

Uchapupu Hwokutenda!

1. Zviitiko zvipi zvakafanotaurwa naJesu zvinovhiringidza?

1 Vaapostora vakanyatsoteerera Jesu paaitaura nezvokuvapo kwake uye nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho. Zviitiko zvinovhiringidza zvaizowira vanhu zvakadai sehondo, kushomeka kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika uye matenda. Tevere, Jesu akataura kuti vateveri vake vaizovengwa, votambudzwa uye vourayiwa. Paizomuka vaprofita venhema votsausa vazhinji. Rudo rwevakawanda rwaizotonhora.

2. Nei zvichifadza kuti mashoko akanaka ari kuparidzwa mupasi rose?

2 Zvinofanira kunge zvakashamisa vaapostora Jesu paakazotaura kuti mashoko oUmambo hwaMwari aizoparidzwa munyika yose inogarwa. (Mat. 24:3-14) Nhasi tinoona kuzadzika kunoshamisa kwouprofita ihwohwo hunofadza. Kunyange tiri kurarama munguva dzakaoma, Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira kuzivisa mashoko akanaka. Rudo rwenyika zvarunotonhora, rwedu runotowedzera kupisa. Pasinei nokuvengwa “nemarudzi ose,” tinoparidzira anenge marudzi ose.

3. Inhamba dzipi dzinokurudzira dzauri kuona pamushumo womunyika yose?

3 Zvinokurudzira zvikuru kumboongorora basa rakaitwa neZvapupu zvaJehovha mugore rebasa rapfuura sezviri kuratidzwa pachati iri pamapeji 3 kusvika ku6! Kwemakore 16 akatevedzana, maawa anopfuura bhiriyoni ave achipedzerwa mubasa rokuparidza nokudzidzisa vanhu. Izvi zvinoratidza kuti tine kutenda! Nhamba yemapiyona yakawedzera ne5,8 muzana, vaparidzi vakawedzera ne3,1 uye vadzidzi veBhaibheri vakawedzera ne4,4. Vanhu vakabhabhatidzwa mugore rebasa rapfuura vakawedzera ne20,1 muzana. Iye zvino kupfuura nakare kose munhoroondo yevanhu, zvinofadza zvikuru kuona vanhu vanoda kusvika mamiriyoni manomwe vari kushumira Jehovha vakatendeka. Sezvaunoongorora chati, chii chauri kuona chinonyatsokukurudzira?

4. Zvinetso zvipi zvakakurirwa nomumwe murume paaida kuti abhabhatidzwe?

4 Kunyange zvazvo nhamba dzacho dzakakura, hatimbofaniri kukanganwa kuti dzinomiririra vanhu vakaratidza kuti vane kutenda. Chimbofunga muenzaniso. Guillermo akakurira kuBolivia. Akaberekwa muna 1935, akashanda mumunda wecoca kubva aine makore mapfumbamwe. Kubva ari muduku, aitsenga mashizha ecoca kuitira kuti ambokanganwa chitsvuku chaaioneswa nebasa raaiita. Akazotanga kudhakwa uye kuputa fodya. Paakatanga kudzidza zvinodiwa naJehovha, Guillermo akarega kusvuta uye akazoregawo kudhakwa. Dambudziko rake guru raiva rokurega tsika yaakatanga achiri muduku yokutsenga mashizha ecoca. Akaramba achinyengetera uye akakunda tsika iyoyo. Akabhabhatidzwa paakasiya mabasa ake akaipa. Anoti: “Iye zvino ndinonzwa ndakachena uye ndinofara zvikuru.”

5. Chido chedu ndechei?

5 Jehovha anonyatsofarira vanhu. Chido chake ndechokuti vanhu vose vapfidze. (2 Pet. 3:9) Nesuwo ndicho chido chedu. Mwoyo yedu ngaiite kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuti tirambe tichibatsira vane mwoyo yakatendeseka kuti vasvike pakuziva uye kuda Jehovha sezvatinoita.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe