Rugwaro Rwezuva Haruchafaniri Kukurukurwa Pamusangano Webasa Romumunda
Kare, pamusangano webasa romumunda paigona kukurukurwa rugwaro rwezuva kana rwaitaura zvinoenderana nebasa rokuparidza. Izvi zvava kuchinjwa. Bhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva harichafaniri kushandiswa pamusangano webasa romumunda. Sezvaingoitwa kare, vaitisi vangashandisa Bhaibheri, Ushumiri Hwedu hwoUmambo, bhuku reChikoro Choushumiri, bhuku raKukurukurirana, uyewo mamwe mashoko ane chokuita neushumiri. Vaya vanenge vakumbirwa kuitisa musangano uyu vanofanira kugadzirira kukurukura mashoko anobatsira vanenge vachibuda muushumiri zuva iroro. Sezvaingoitwa kare, musangano wacho haufaniri kupfuura maminitsi 10 kusvika ku15 uye unofanira kuva mupfupi kupfuura ipapo kana uchizoitwa pashure pemusangano weungano.