Zviziviso
Zvichagoverwa muna March naApril: Magazini eNharireyomurindi neAwake! May naJune: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti rimwe rematurakiti akabudiswa pamagungano eruwa a2013.
Chirangaridzo chichaitwa musi weMuvhuro, 14 April, 2014. Kana ungano yenyu ichiita misangano musi weMuvhuro, misangano yacho inofanira kuitwa rimwe zuva muvhiki iroro kana Imba yoUmambo isiri kushandiswawo nevamwe. Kana Musangano Webasa ukatadza kuitwa, murongi mudare revakuru angaronga kuti dzimwe hurukuro dzinoshanda muungano yenyu dzizokurukurwa pane mumwe Musangano Webasa mumwedzi wacho.
Musoro wehurukuro yavose ichapiwa nemutariri wedunhu nechepakati pegore rebasa ra2014 unoti, “Kununurwa Pamatambudziko Enyika Yose.”