“Nzira Yakafara Uye Iri Nyore”
“Kudai bedzi vanhu vakamukira kunhamboyo, kudai bedzi ivo vakanga vasingaremedzwi norupfave rwavo nokusaitira hanya, kudai bedzi ivo vaikurira udyire hwavo, kudai bedzi ivo vaiva vakasimba mutsika, kudai bedzi ivo vaiva vasina udyire navasina mufungo, kudai bedzi ivo vaiva vasina murangariro noupenzi, kudai bedzi ivo vaiva vakuru, kudai bedzi ivo vaiziva chiri pamutanhiko, kudai bedzi ivo vaisava vanhu vanotsoropodza, kudai bedzi ivo vaitsika-tsika nzira yakafara uye neiri nyore.”—Charles Malik, aichimbova purezidhendi weUN General Assembly.
“Kudai bedzi ivo vaiziva chakanga chiri pamutanhiko,” Malik anodaro. Kwamazana amakore ane 19 akapfuura, Kristu Jesu akataura nezve“nzira yakapamhama neyakafara’ nezve‘nzira nhete neyakamanikana,’ uye akazivisa chakanga chiri pamutanhiko: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti nzira yakafara neyakapamhama ndiwo mugwagwa unopinda muruparadziko, uye vazhinji ndivo vanopinda nomauri; asi suo rakamanikana uye nzira nhete inopinda muupenyu, uye vashomanene ndivo vanoiwana.”—Mateo 7:13, 14.
Nzira yakafara neyakapamhama ino mugumo; nzira nhete neyakamanikana inopamhama uye haina mugumo.