Murangariro weBhaibheri
Chaunofanira Kuziva Pamusoro Pengirozi
“Vadzidzi vorudzidziso vane 3 000 vakaungana muNew York kwamazuva mana vhiki rakapera kuti vanzwe mishumo inopfuura 500 inoreva nezvemisoro inovambira padonzo remisere mumharidzo kusvikira kuukoshi hwomuitiro worudzidziso kumitezo yePentecostal. Hakuno munhu akadudza ngirozi.”—Daily News, December 26, 1982.
NHASI, makore masere gare gare, vafundisi vachiri kutaura zvishoma pamusoro pengirozi. Neiko? Kungava here kuti ava vatumwa vokudenga vanongorangarirwawo zvavo bedzi sorutivi rwengano yekare? Kana kuti variko chaizvoizvo here? Kana zvakadaro, chii chaunofanira kuziva pamusoro pavo?
Dziriko Here?
Ngirozi hadzizati dzichingovawo zvadzo “ubati ushe” kana kuti “masangano enzvimbo yose,” sokutaura kunoita vamwe vazivi. Zvamazvirokwazvo dzinoringanira kududzwa kane mazana muShoko raMwari, Bhaibheri. Mumitauro yapakuvamba yeBhaibheri, mashoko anoshandurwa kuva “ngirozi” (chiHebheru, mal·ʼakhʹ; chiGiriki, agʹge·los) chaizvoizvo anoreva “uyo anounza shoko” kana kuti kungoti bedzi “mutumwa.” Aya mashoko anowanika kanenge kane 400 muBhaibheri rose, dzimwe nguva achinongedzera kumunhu, asi kazhinji kazhinji kuvatumwa vomudzimu.
Ngirozi yakaoneka kumudzimai asingabereki waManoa ichizivisa kunamba mimba yomwanakomana wake, Samsoni, yakanga iri chaiyoiyo kwaari. Ndozvakanga zvakaitawo ngirozi nhatu dzakaoneka kuna Abrahama nomudzimai wake Sara, uye mbiri dzakabudisa Roti, uye iya yakagara pasi pomuti mukuru ikataura naGidheoni. (Genesi 18:1-15; 19:1-5; Vatongi 6:11-22; 13:3-21) Panguva yokuberekwa kwaJesu, ngirozi yakaoneka kamwe kamwe kuboka ravafudzi iri pakati pechiedza chinoteya meso, nechinon’animira.—Ruka 2:8, 9.
Ngizori idzedzo dzaiva chaidzoidzo. Dzakanga dzisiri mufungo wokuzviitira kana kuti simba risiri romunhu. Dzaiita donzo rakapiwa savatumwa vanobva kuna Mwari, uye nhauro dzacho dzakanyorwa nomutoo wakakodzera muBhaibheri nokuda kwebetsero yedu nhasi. (2 Timotio 3:16) Nokudaro Bhaibheri rinozivisa udzame hunokosha pamusoro pengirozi hwaunodikanirwa kuziva, humwe hwacho hunorwisana nemifungo yegamuchidzanwa.
Dzakadiniko?
Zvimwe ungafananidzira ngirozi navakadzi vakaisvotsvinda kana kuti zvisikwa zvakwegura, zvakafanana navana zvine mapapiro, zvinonyemwerera zvakanaka zvakapfeka nguvo chena, zvinoridza hudimbwa huduku, zvinotapatira mumhepo. Kana zvakadaro, unofanira kuziva kuti iyi mifungo isino kururama yakatorwa mumifungo yechihedheni, yakadai sengano yechiGiriki. Kana kuti mifungoyo yakagamuchirwa pashure pokunge kunyorwa kweBhaibheri kwapera. Muzviono zvokufananidzira zveBhaibheri, zvisikwa zvomudzimu zvakadai samaserafimi namakerubhi zvina mapapiro.—Isaya 6:2; Ezekieri 10:5; Zvakazarurwa 14:6.
Shoko raMwari rinorondedzera ngirozi kuva semidzimu ine simba zvikuru, uye mudzimu hauoneki. (1 Madzimambo 22:21; Pisarema 34:7; 91:11) Yakanga iri “ngirozi yaJehovha” yakauraya vaAsiria vane 185 000 mumusasa womuvengi waIsraeri muusiku humwe chete! (Isaya 37:36) Apo ngirozi dzaizviratidzira dzimene kuvanhu, dzaigarooneka savanhu vakapfeka zvakakwana, kwete savakadzi kana kuti vana uye dzisati dzichitongova muchimiro chohunhu chakaderera.
Ko izvi zvisikwa zvomudzimu zvine simba zvakabva kupi? Bhaibheri rinoti “kupfurikidza naye [Jesu] zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri mumatenga uye pamusoro papasi, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki.” (VaKorose 1:16, NW) Jehovha Mwari, kupfurikidza nouyu Mwanakomana dangwe, haana kungosika bedzi ngirozi kare kare pamberi pomunhu asi akadziitawo kuti dzive muchimiro chakakwirira zvikuru choupenyu kupfuura munhu.—Jobho 38:4, 7; 2 Petro 2:11.
Dzino Hunhu Here?
Ngirozi, savanhu, dzine kunzwa. Pashure pokuona kusikwa kwapasi, tinoudzwa kuti ngirozi “dzakadanidzira nomufaro pamwe chete,” kunyange “kudanidzira murumbidzo.” (Jobho 38:7, NW) Bhaibheri rinozivisawo kuti “mufaro unomuka pakati pengirozi dzaMwari pamusoro pomuiti wechivi anopfidza.” (Ruka 15:10, NW) Zvamazvirokwazvo, hakuna “simba” risiri romunhu ringadai rakafarikanya mufaro mukuru unorondedzerwa mundima idzodzo.
Ngirozi dzine ganhurirowo. Mamwe maidi pamusoro paKristu nenguva yemberi zvakaziviswa kuvaporofita vohunhu asi kwete kungirozi. Shoko raMwari rinotiudza kuti ndimo “muzvinhu izvozvi zvimene umo ngirozi dzinoshuva kunzvera.” (1 Petro 1:10-12) Pamusoro pomusi chaiwoiwo wakasarudzwa naMwari nokuda kwokuuya kwaShe, Jesu akati: “Pamusoro pezuva irero neawa hakuna munhu anoziva, kunyange ngirozi dzokudenga kana kuti Mwanakomana, asi Baba bedzi.”—Mateo 24:36, NW.
Ipapowo, mazita engirozi mbiri, Mikaeri naGabrieri, anooneka muBhaibheri. (Dhanieri 12:1; Ruka 1:26) Ikoku hakuzati kuchiwedzera kuufakazi hwokuti imwe neimwe yakasiana here? Savanhu vakasiana, dzakanga dzisina kurongwa, secomputer kana kuti robhoti, kuti dziite neimwe nzira. Panzvimbo pakwo, ngirozi dzakapiwa simba rokurangarira uye dzine rusununguko rwokuita zvisarudzo zvomunhu oga zvokuzvibata. Nokudaro, sezvisikwa zvakasununguka pakuzvisarudzira, dzimwe ngirozi dzakasarudza kupandukira Mwari ndokuva Satani namadhemoni ake.—Genesi 6:1-4; Judhasi 6; Zvakazarurwa 12:7-9.
Dzinofanira Kunamatwa Here?
Kunyange zvazvo tingaziva kuvapo kwengirozi seidi, kwete ngano, tinofanira kudzivisa kunyanyisa. Mamwe masangano orudzidziso akapa utanhamari husinokufanira kungirozi, kunyange zvazvo kunamata ngirozi kuchishorwa muBhaibheri. (VaKorose 2:18; Zvakazarurwa 22:8, 9) Chechi yeKaturike yakashandura Mikaeri naGabrieri kuva vanhu vanonamatwa. Uye mumachechi eOrthodox yokuMabvazuva, ngirozi dzinokosha zvikurusa kwazvo mumunamato. Haiwa musiano wakadini nenyevero yakapiwa nengirozi yaJehovha apo muapostora Johane akawira pasi patsoka dzayo: “Unangwarira! Usadaro! Ndinongovawo zvangu muranda biyako bedzi.”—Zvakazarurwa 19:10, NW.
Neiko kune nyongano huru zvikuru kwazvo pamusoro pengirozi? Satani, uyo anozvishandura amene kuva “ngirozi yechiedza,” “akapofumadza ndangariro dzavasingatendi.” (2 VaKorinte 4:4; 11:14, NW) Nokudaro, hakuzati kwaizova kuno mufungo here kukarira kuti vazhinji nhasi vaizoomerera kumifungo yavo vamene pamusoro pokuvapo kwengirozi nechimiro chadzo panzvimbo pokugamuchira icho Shoko raMwari rinoreva? Hungu, kunyange zvazvo vafundisi vorudzidziso nhasi vangataura zvishoma pamusoro pengirozi, tine simbisiro yaMwari kupfurikidza nechinyorwa cheBhaibheri yokuti dziriko zvomenemene uye dzinoita basa rinokudzwa savatumwa vaJehovha.—VaHebheru 1:7, 14; 6:18.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Ngirozi dzinofananidzirwa nezvisikwa zvakafanana navana zvine mapapiro dzinotorwa mumifungo yechihedheni.
[Kwazvakatorwa]
Cupid a Captive by François Boucher, c. 1754