Nzira Yokubata Nayo Nemirangariro
URI kutarisira mudikani ari kurwara zvakakomba iye zvino here? Kana zvakadaro, ungave uchiva nemirangariro inovhiringidza uye inotyisa. Unogona kuitei? Rangarira mirangariro iyo vamwe vatarisiri vanorwisana nayo uye zvikarakadzo zvinoshanda izvo zvakavabetsera kugonana nazvo.
Kunyadziswa. Panhambo nenhambo, zviito zvomunhu ari kurwara zvingakunyadzisa pamberi pevamwe. Asi kutsanangurira shamwari nevavakidzani marwarire omudikani wako kungavabetsera kunzwisisa uye kungavasundawo kuratidza ‘kunzwira ngoni’ uye shiviriro. (1 Petro 3:8) Kana zvichibvira, taura nedzimwe mhuri dziri mumamiriro ezvinhu akafanana neenyu. Unganzwa uchinyadziswa zvishoma sezvamunotaurirana zvakaitika. Sue anotsanangura zvakamubetsera: “Ndakanzwira baba vangu urombo hwakadaro—kwakaderedza mirangariro ipi neipi yokunyadziswa. Uye kuva kwavo vanosetsa kwakabetserawo.” Hungu, kuva anosetsa—kwomurwere naavo vanomutarisira—chishandiso chinoshamisa chokunyevenutsa tsinga dzakadhonzeka.—Enzanisa naMuparidzi 3:4.
Kutya. Kusaziva chirwere chacho kunogona kuva kunotyisa zvikuru. Kana zvichibvira, tsvaka zano ramazvikokota pamusoro pezvokukarira sezvo kurwara kwacho kunopfuurira. Dzidza nzira yokugovera nayo tarisiro mumamiriro ezvinhu iwayo. Nokuda kwaElsa, chimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa mukugonana nokutya kwake kwakanga kuri kutaura nevamwe vatarisiri nemanesi anotarisira pamusoro pezvokukarira sezvo mamiriro ezvinhu emurwere wacho akashata. Jeanny anopa zano kuti: “Tarisana nokutya kwako uye kudzore. Kutya zvingaitika kunowanzova kwakaipisisa kupfuura chokwadi chacho.” Dr. Ernest Rosenbaum anorumbidza kuti chipi kana chipi chinokuparira, kutya kwako kunofanira “kutaurwa pamusoro pako sezvo kunomuka.”—Enzanisa naZvirevo 15:22.
Kutambudzika. Hazvisi nyore kubata nokutambudzika, zvikurukuru mumamiriro ezvinhu okutarisira. Ungatambudzika pamusoro pokurasikirwa noushamwaridzani, zvikurukuru kana mudikani wako ari kurwara asisagoni kutaura, kunzwisisa zvakajeka, kana kuti kukuziva. Mirangariro yakadaro ingasanzwisiswa nokukurumidza nevamwe. Kutaura pamusoro pokutambudzika kwako neshamwari inonzwisisa iyo ichateerera neshiviriro uye nokunzwira tsitsi kunogona kuunza kusununguka kukuru kunodikanwa.—Zvirevo 17:17.
Kushatirwa Nokukangaidzwa. Uku kuita kwomuzvarirwo kukutarisira munhu ari kurwara zvakakomba ane zviito zvingava zvakaoma padzimwe nguva. (Enzanisa naVaEfeso 4:26.) Ziva kuti chinowanzova chirwere chacho, kwete murwere, icho chiri kuparira zviito zvinorwadza. Lucy anoyeuka kuti: “Apo ndaishatirwa chaizvoizvo, ndaizopedzisira ndava kuchema. Ipapo ndaiedza kuzviyeuchidza ndimene nezvemamiriro ezvinhu omurwere nechirwere. Ndaiziva kuti murwere wacho akanga achida betsero yangu. Izvozvo zvaindibetsera kupfuurira.” Nzwisiso yakadaro inga‘deredza kushatirwa kwako.’—Zvirevo 14:29; 19:11.
Kuva Nemhaka. Mirangariro yokuva nemhaka yakarovedzeka pakati pavatarisiri. Iva nechokwadi, zvisinei, chokuti uri kuita basa rinokosha asi rakaoma zvikuru. Gamuchira idi rokuti hausati uchizodavidza zvakakwana nguva dzose mushoko kana kuti muchiito. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wosewo.” (Jakobho 3:2; VaRoma 3:23) Usabvumira mirangariro yokuva nemhaka ichikudzivisa kuita chiito chakanaka zvino. Apo unonzwa wagumburwa pamusoro pechimwe chinhu chawataura kana kuti chawaita, uchawana sezvinobvira zvikuru kuti kutaura kuti “Ndine urombo” kuchaita kuti iwe nomurwere wako munzwe zviri nani. Mumwe murume akatarisira hama yokunyama yairwara akapa zano kuti: “Ita zvakanakisisa zvaunogona mumamiriro ezvinhu acho.”
Kuodzwa Mwoyo. Kuodzwa mwoyo ndekwenguva dzose zvikuru—uye kunonzwisisika—mumhuri dziri kugonana nechirwere chakakomba. (Enzanisa na1 VaTesaronika 5:14.) Mumwe mutarisiri anotambura nokuodzwa mwoyo anotsanangura chakamubetsera: “Vazhinji vaitionga nokuda kwokugovera tarisiro. Mashoko mashomanene ekurudziro anogona kukupa betsero yokupfuurira apo unenge wakaneta zvikuru kana kuti wakaodzwa mwoyo.” Bhaibheri rinoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” (Zvirevo 12:25) Vamwe vangasaona nguva dzose kuda kwako kurudziro. Naizvozvo, padzimwe nguva, ungafanira kutanga kutaura pachena “kutambudzika” kuri mumwoyo mako kuti ugamuchire “shoko nyoro” racho rekurudziro kubva kuvamwe. Kana mirangariro yokuodzwa mwoyo ikapfuurira kana kuti ikava yakakomba zvikuru, kunyange zvakadaro, kungava kwakanaka kutsvaka betsero kuna chiremba.
Kusabetsera. Unganzwa usingabetseri mukutarisana nechirwere chinonetesa. Gamuchira uchokwadi hwemamiriro ako ezvinhu. Bvuma ganhuriro dzako—utano hwomurwere wacho haugoni kuhudzora, asi unogona kugovera tarisiro yetsitsi. Usakarira kukwana kwako umene, murwere wako, kana kuti vatsigiri vako. Mutoo wakadzikama haungoderedzi bedzi mirangariro yokusabetsera asi unoderedza mutoro webasa. Nenzira yokuchenjera, vazhinji avo vakatarisira mudikani vanopa zano kuti: Dzidza kutarisana nezuva rimwe panguva.—Mateo 6:34.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
“Tarisana nokutya kwako uye kudzore. Kutya zvingaitika kunowanzova kwakaipisisa kupfuura chokwadi chacho”
[Bhokisi riri papeji 7]
Mashoko Anokurudzira Anobva Kuvatarisiri
“USARWADZIWA nemifungo yakashata pamusoro pako umene. Ndeyemuzvarirwo mumamiriro ezvinhu akadaro. Zvirokwazvo haufaniri kudzvinyirira mirangariro yako. Taura nomumwe munhu waunovimba naye manzwire ako, uye kana uchigona, tora zororo—chimboenda kwechinguvana—kuitira kuti ugonzwa wazorodzwa.”—Lucy, uyo ane basa mukiriniki rakabatanidza kubetsera vatarisiri vanoverengeka pamwe chete nevarwere.
“Kana paine mitezo yemhuri kana kuti shamwari dziripo nedzinodisa, vaite kuti vabetsere. Kunokosha kuti ugoverane mutoro wacho nevamwe.”—Sue, uyo akatarisira baba vake vasati vafa nehosha yeHodgkin’s.
“Dzidza kusakurira kusetsa.”—Maria, uyo akabetsera kutarisira shamwari inodiwa iyo yakafa nekenza.
“Ramba wakasimba mumudzimu. Swedera pedyo naJehovha, uye nyengetera nguva dzose. (1 VaTesaronika 5:17; Jakobho 4:8) Anogovera betsero nenyaradzo kupfurikidza nomudzimu wake, Shoko rake, vabatiri vake vapasi, uye zvipikirwa zvake. Edza kuva akarongeka sezvinobvira. Somuenzaniso, kunobetsera kuita rudungwe nokuda kwemishonga uye ndaza dzavabetseri.”—Hjalmar, uyo akatarisira mukuwasha wake akanga achifa.
“Dzidza zvose zvaunogona pamusoro porudzi rwechirwere chomurwere wako. Ikokowo kuchakubetsera kuziva zvokukarira kumurwere wacho uye iwe umene uye nzira yokutarisira nayo murwere wako.”—Joan, uyo ane murume ane hosha yeAlzheimer’s.
“Ziva kuti vamwe vakagonana nazvo kare uye kuti Jehovha anogona kukubetsera kugonana nechipi nechipi chinoitika.”—Jeanny, uyo akatarisira murume wake asati afa.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kuti udzikamise kutya kwako, wana zvizhinji sezvaunogona pamusoro pechirwere chacho
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kutaura neshamwari inonzwisisa kunogona kuunza kusununguka kukuru