RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 8/8 p. 15
  • Kudzokera Kune Zvapakuvamba Mukurwisana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokera Kune Zvapakuvamba Mukurwisana
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakanakira Mambure
  • Rufu Rwuri Pamapapiro Asina Kusimba
    Mukai!—1994
  • Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya
    Mukai!—2015
  • Chombo Chitsva Chokurwisa Mararia
    Mukai!—1993
  • Neiko Pane Kudzoka kweHosha “Dzinorapika”?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 8/8 p. 15

Kudzokera Kune Zvapakuvamba Mukurwisana

neMarariya

Nengwariro yenyika yakanangidzirwa pahondo dzavagari vemo, utsotsi, kushayikwa kwamabasa, uye zvimwe zvinetso, nzufu dzinoparirwa nemarariya haisi nyaya inobudiswa munhau. Kunyange zvakadaro, inenge hafu yechiverengero chavagari venyika, inodaro World Health Organization (WHO), inorarama ichityisidzirwa nemarariya, uye vanhu vane mamiriyoni 300 kusvikira ku500 vanorwara nayo gore rimwe nerimwe, zvichiita kuti marariya ive “chirwere chakapararira zvikurusa pazvirwere zvose zvomunzvimbo dzinopisa uye chimwe chezvinouraya zvikurusa.” Chinouraya zvikuru sei?

Pamasekondi 20 oga oga mumwe munhu anofa nemarariya. Nhamba iyoyo inosvika hwerengedzo yorufu rwavanyajambwa vanopfuura mamiriyoni 1,5 gore rimwe nerimwe—nhamba yakaenzana neyechiverengero chorudzi rweAfrica rwekuBotswana. Nzufu pfumbamwe pagumi dzemarariya dzinoitika munzvimbo dzinopisa dzeAfrica, uko vazhinjisa vavanyajambwa vari vana vaduku. Munyika dzeAmerica, WHO yakanyora chiverengero chikuru zvikurusa chemarariya munharaunda yeAmazon. Kutema miti nokumwe kuchinja kwemhoteredzo zvakasiya mudungwe unoramba uchikura wevanyajambwa vemarariya murutivi irworwo rwenyika. Mune dzimwe nzanga dzeAmazon dzeBrazil, chinetso chacho zvino chazova chakakomba kwazvo zvokuti vanopfuura vagari vemo 500 mu1 000 vanotapurwa.

Mungava muAfrica, munyika dzeAmerica, Asia, kana kuti kumwewo, marariya inotapura zvikurukuru mapoka avagari vemo vari varombo zvikuru. Vanhu ava, inodaro WHO, “havamborina zvipatara, havatombogoni kuwana mari yokuzvidzivirira uye ndivo vari kuresa nemibato yakarongwa yokudzivirira marariya.” Kunyange zvakadaro, nhamo yavarombo ivavo haisi iya isina tariro. Mumakore mashoma apfuura, rinodaro TDR News, pepanhau duku rokunzverwa kwezvirwere zvomunzvimbo dzinopisa, imwe yenzira ine tariro hurusa yokudzivirira nayo nzufu dzinoparirwa nemarariya yave kuwanika nyore zvikuru. Zita romuponesi iyeye ndiani? Mambure apamubhedha ane mushonga unouraya umhutu.

Zvakanakira Mambure

Kunyange zvazvo kushandisa mambure epamubhedha iri mhinduro yokudzokera kune zvapakuvamba, Dr. Ebrahim Samba, mutungamiriri wehofisi yeWHO muAfrica, akataurira Panos Features, pepanhau duku rePanos Institute, kuti kuedza kuona kuti mambure epamubhedha anoshanda zvakadini mukurwisa marariya kwakaratidza “migumisiro inofadza zvikurusa.” MuKenya, somuenzaniso, kushandisa mambure apamubhedha akaiswa mushonga unouraya umhutu kwakaderedza nzufu dzose zvadzo, kwete bedzi nzufu dzinokonzerwa neMarariya, pakati pavana vari pasi pamakore mashanu okukura nechikamu chimwe muzvitatu. Kunze kwokuponesa upenyu, “mambure aigona kuderedza kamwe kamwe musengwa wacho pazvipatara” nokuti varwere vashoma vachada kurapwa marariya muchipatara.

Zvisinei, chinetso chimwe, chinofanira kumbopedzwa: Ndiani anobhadhara mambure acho? Vanhu vomune imwe nyika yeAfrica pavakakumbirwa kuti vatsigire nemari, vazhinjisa vakaramba. Uye hazvishamisi kuti, kuvanhu vanogara munyika dzinoshandisa mari iri pasi pe$50 pamunhu pagore mukutarisira utano, kunyange mambure oumhutu—ane mushonga unouraya umhutu kana kuti asina—chinhu choumbozha. Zvisinei, sezvo mutoo uyu wokudzivirira une mutengo wakaderera kupfuura kurapa varwere vemarariya, nyanzvi dzeUnited States dzinoti “kungava kushandiswa kwokuchenjera kwemari shomanene yehurumende kuparadzira nokuwanira mari mambure apamubhedha.” Zvirokwazvo, kudzihurumende, kugovera mambure epamubhedha ingava nzira yokuchengeta nayo mari. Kumamiriyoni avanhu vadzo varombo, kunyange zvakadaro, zvinoreva zvakawanda zvikuru—inzira yokuponesa upenyu hwavo.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]

CDC, Atlanta, Ga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe