RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 10/8 pp. 3-4
  • Simba Remimhanzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Simba Remimhanzi
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Chokuva Nehanya
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nziyo Dzinogona Kundikuvadza Zvomenemene Here?
    Mukai!—1993
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kuchengeta Nziyo Dziri Munzvimbo Yadzo?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 10/8 pp. 3-4

Simba Remimhanzi

“Mimhanzi inonakidza ndiyo inogona kugadzikanisa pfungwa dziri kumbeya-mbeya, nokunyaradza pfungwa dziri kunetseka.”

AKANYORA kudaro William Congreve anenge makore 300 apfuura mubhuku rake rinonzi Hymn to Harmony (Rwiyo Rwunotsinhirana). Mazana amakore akanga apfuura, manyoro ekare echiGiriki paakataura kuti “kurovedzwa mune zvemimhanzi humwe hunyanzvi hwakanaka kwazvo kupfuura hupi nehupi zvahwo, nokuti mutinhimira nekutsinhirana zvinopinda mumwoyo chaimo.”

Kuti izvi ndezvechokwadi zvave zvichionekwa nevamwe vabereki vakacherekedza vadiki vavo vari pakati pemakore 13 kusvika ku19 vachiva vasina tariro navasingadi kushandira pamwe kana vapedza kuteerera mimhanzi inoramba ichibudiswa ine ruzha kwazvo. Izvi zvakaonekwawo muma1930 nemuma1940 muGermany vaNazi pavaishandisa mimhanzi inonyandura nevanhu vaifamba vakanyatsorongwa kubatsira mhomho kuteerera hurukuro dzaAdolf Hitler dzaikwezva.

Pasina mubvunzo, mimhanzi inogona kutapura pfungwa nemwoyo uye inogona kushandiswa kuzvitungamirira mungave muzvakanaka kana kuti muzvakaipa. Somuenzaniso, kusiyiwa kwevana vadiki vachiteerera mimhanzi yerudzi rwakati kunonzi kunovandudza njere neunhu hwavo. Kunyange vanondandama pane dzimwe nguva vanogona kuimba mitsetse yavasingagoni kutaura.

Maererano naAnthony Storr mubhuku rake rinonzi Music and the Mind (Mimhanzi Nepfungwa), kutapura kwemimhanzi pavarwere vane hosha dzepfungwa dzinokonzera zvinetso zvekufamba dzimwe nguva kunoshamisa. Storr anotaura muenzaniso wemumwe mukadzi airwara achiti: “Aisagona kufamba nehosha ya[Parkinson], mukadzi wacho aingoramba akati tende kutozosvikira akwanisa kuyeuka mimhanzi yaaiziva muupwere hwake. Iyoyi yaimupa simba rokufambazve pakarepo.”

Chikonzero Chokuva Nehanya

Saka zvinoratidzika kuti pane zvakanaka zvinogona kubva musimba remimhanzi. Zvisinei, pane ngozi yokuti vanhu vakaipa vane makaro vangashandisa simba remimhanzi sechombo chinouraya. Kumwe kuongorora kwakaratidza kubatana kwakananga pakati peutsinye nemarudzi akati emimhanzi.

Ichitsigira kutaura kwakadaro, (magazini inotaura nezvepfungwa dzevakadzi) inonzi Psychology of Women Quarterly inoti: “Pane uchapupu hwekuti kuona mavhidhiyo erock kunotapura sekungoona mavhidhiyo ane vanhu vasina kupfeka pakuti varume vakaratidzwa mavhidhiyo echisimba erock vakaratidzira mafungire outsinye neekushora maonere avo vakadzi kupfuura varume vakaratidzwa mavhidhiyo erock asina chisimba.”

Kutapura uku hakusi kuvarume chete. Vakadzi vanogonawo kutapurwa. Mashoko iwawo anowedzera kuti: “Varume nevakadzi zvakafanana vangatanga kubvuma mashoko asiriwo emimhanzi iyi ekusakoshesa vakadzi.”

Magazini inonzi Sex Roles (Mabasa Ezvepabonde) inobvumirana neuku kutaura, ichiti: “Kuongorora kuchangobva kuitwa . . . kwakaratidza kuti kana uchibva mumhuri isingafari neyaimboshandisa mavhidhiyo emimhanzi zvakanyanya zvaiva zvakabatana zvikuru nezviito uye unhu hwounzenza pavayaruki vechikadzi.” Chisimba chakajeka nemashoko anosimudzira zvounzenza emimwe mimhanzi yerap akaita kuti mumwe mutongi wemune rimwe dunhu rekuUnited States ataure kuti rumwe rudzi rwearubhamu yerap “rwakanga rwuchinyadzisa maererano netsika dzenzanga.”

Mutongi wacho akanga ari kunyanyisa here? Kwete! Magazini inonzi Adolescence (Vayaruki) yakagumisa kuti “vayaruki nevabereki vavo zvakafanana vanoti pane kusagadzikana kukuru muupenyu hwevayaruki vanoteerera mimhanzi ine ruzha kwazvo nerap.” Kusagadzikana kwakadaro kunonzi kunoparirwa ne“unhu hwekudenha nehwekuparadza” uye udofo.

Zvechokwadi, kubatana pakati pemarudzi akati emimhanzi nezvepabonde, nezvekuzviuraya, neutsinye zvakanyatsopupurirwa. Asi izvi zvinoreva here kuti mimhanzi yose ndiyo ine chokuita nemigumisiro yakaipa yakadaro? Rava unzwe zvinotaura nyaya dzinotevera nezveizvi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Mimhanzi inogona kutapura pfungwa nemwoyo mungave muzvakanaka kana kuti muzvakaipa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe