Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kugara Kune Imwe Nyika Here?
“Ndaida kugara kune imwewo nzvimbo.”—Sam.
“Ndaingoda kuziva chete. Ndaida kuona chimwe chinhu chitsva.”—Maren.
“Shamwari yepamwoyo yakandiudza kuti kumbobva pamba zvishoma kwaizondinakira.”—Andreas.
“Ndakanga ndine shungu dzokubvakachira nzvimbo itsva.”—Hagen.
UNOMBOFUNGIDZIRA uchigara kune imwe nyika—zvichida kwenguva pfupi chete here? Gore roga roga, zviuru zvevechiduku zvinogona kuita izvozvo chaizvo. Andreas anotaura nezvechakaitika kwaari kune imwe nyika achiti: “Ndingada kuzviitazve.”
Vamwe vechiduku vanoenda kwenguva pfupi nokuti vanoda kuwana mari kana kudzidza mutauro wokune imwe nyika. Somuenzaniso, munyika dzakawanda zvirongwa zvevasikana vechiduku vanoshanda mudzimba zvakakurumbira zvikuru. Izvi zvinobvumira vechiduku vokune dzimwe nyika kuti vashandire imwe mhuri basa romumba vachipiwa zvokudya nepokugara, uye vanogona kushandisa nguva yavo yavanenge vasingashandi kuti vadzidze mutauro womunzvimbo iyoyo. Kwozoitawo vechiduku vanoenda kune dzimwe nyika kuti vawane dzidzo. Vamwe vanoenda kuti vanotsvaka basa kuitira kuti vagone kubatsira mhuri dzavo nemari. Zvekare vamwe vanoenda nokuti havanyatsozivi zvavanoda kuita vapedza chikoro uye vanoda kumboti furwei nemhepo vari kune dzimwe nyika.
Zvinofadza kuti vamwe vaKristu vechiduku vakaenda kunyika dzine vaparidzi veevhangeri vashoma, kuitira kuti vawedzere ushumiri hwavo. Chipi kana chipi chingava chikonzero chokuenda, kugara munyika yokumwe kunogona kuva chidzidzo chinokosha mukuzvimirira wakura. Kunogona kuwedzera ruzivo rwako rwetsika. Ungatogona mutauro wokumwe—chimwe chinhu chingatowedzera kutarisira kwako kuwana basa.
Kunyange zvakadaro, kugara kune imwe nyika hachisi chinhu chinofadza nguva dzose. Somuenzaniso, Susanne akapedza gore somumwe wavadzidzi vanochinjanwa nenyika mbiri. Anoti: “Ndaifunga kuti zvaizofadza zvikuru kubva pakutanga kusvika pakupedzisira. Zvakanga zvisina kudaro.” Vamwe vechiduku vakatoshandiswa zvisina kufanira kana kuti vakatopinda muchinetso chakakura. Saka usati warongedza mabhegi ako, zvingava kuchenjera kwauri kuti ugare pasi wofunga zvazvakanakira nezvazvakaipira.
Ongorora Zvinangwa Zvako
Kufunga zvazvakanakira nezvazvakaipira zvechokwadi kwaizosanganisira kuongorora zvinangwa zvako zvokuda kuenda kune imwe nyika. Kuenda kuti unoita zvinodiwa zvomudzimu kana kutarisira mitoro yemhuri chinhu chakatosiyana zvachose. Asi kufanana nevechiduku vataurwa pakutanga, vakawanda vanoda kuenda nokuti vanongoda kuona nzvimbo, rusununguko rukuru, kana kuti nguva inofadza. Izvi hazvina hazvo kuipa. Pashure pezvose, Muparidzi 11:9 inokurudzira vechiduku kuti ‘vafare pauduku hwavo.’ Zvisinei, Muparidzi 11 ndima 10 inonyevera kuti: “Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako.”
Kana chinangwa chako chokuenda kune imwe nyika chiri chokuti uite zvinhu zvaunorambidzwa navabereki wakasununguka, ungava uchitsvaka ‘nhamo.’ Unoyeuka mufananidzo waJesu wemwanakomana anopambadza here? Wakanga uri womurume wechiduku akaenda kune imwe nyika nemhaka youdyire, sezviri pachena kuti anowana rusunguko rwakawanda. Zvisinei, mushure menguva pfupi nhamo yakauya, uye akazviwana ave nenzara, ave murombo, uye achirwara mumudzimu.—Ruka 15:11-16.
Uyewo pane vaya vanoda kuenda nokuti vanoda kutiza zvinetso zviri pamba. Asi, sokunyora kunoita Heike Berg mubhuku rake rinonzi What’s Up, “kana uchingoda kuenda nokuti hausi kufara . . . uye uchifunga kuti zvinhu zvichange zviri nani kune imwewo nzvimbo—kanganwa izvozvo!” Chaizvoizvo, zviri nani kunangana nezvinetso sezvazviri. Hapana chinowanikwa nokutiza mamiriro ezvinhu atisingadi.
Dzimwe vavariro dzine ngozi makaro nokuda kuva nezvinhu zvakawanda. Vakurudzirwa nokuda pfuma, vechiduku vakawanda vanokudziridza pfungwa huru, dzisiri dzechokwadi nezvezvakaita upenyu munyika dzakapfuma. Vamwe vanofunga kuti vagari vomunyika Dzokumadokero vose vakapfuma. Asi izvi handizvo. Vatama, vechiduku vakawanda vanozviwana vari munyika yavasingazivi, vachitamburira kuti vabve muurombo.a Bhaibheri rinonyevera kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:10.
Wagadzirira Here?
Pane chimwewo chinhu chokufunga nezvacho chokuti: Zvechokwadi wanyatsokura zvakakwana zvokugona kubata nokutambura, zvinetso, uye kakavadzano dzinogona kumuka kune imwe nyika here? Zvimwe uchafanira kunogara muimba imwe nomumwe munhu kana mhuri uye wochinjira kumararamiro avo. Saka parizvino uri kuwirirana sei nemhuri yako pamba? Vabereki vako vanonyunyuta kuti haufungi nezvevamwe uye kuti une umbimbindoga here? Uri munhu anowanzosarudza here pane zvokudya? Unoda kuitawo basa rapamba kusvika papi? Kana izvi zvichikuomera iye zvino, chimbofungidzira kuti zvichakuomera zvakadini kune imwe nyika!
Kana uri muKristu, uchakwanisa kuzvichengeta uri munhu womudzimu here? Kana kuti vabereki vako vanotofanira kuramba vachikuyeuchidza kuti usaregeredza kudzidza Bhaibheri, misangano yechiKristu, uye basa rokuparidza here? Uchave wakasimba mumudzimu zvakakwana kudzivisa zvinodzvinyirira nemiedzo zvokune imwe nyika zvaungasasangana nazvo munyika yako here? Pazuva rake rokutanga pachikoro munyika isiri yake, mumwe muKristu wechiduku, mumwe wavadzidzi vanochinjanwa nenyika mbiri, akaudzwa kwaaigona kuwana zvinodhaka zvisiri pamutemo. Gare gare akakumbirwa kunobvakacha nomumwe musikana waaidzidza naye. Kunyika yaakazvarirwa, musikana aisakwanisa kuratidza kufarira kwake zvakananga kudaro. Mumwe wechiduku womuAfrica akaenda kuEurope akatiwo: “Kumusha haumbooni mifananidzo inonyadzisira munzvimbo dzinoshandiswa navanhu vakawanda. Asi kuno unoiona pose pose.” Kuenda kune imwe nyika kungaita kuti munhu afe mumudzimu kana asina ku“simba pakutenda.”—1 Petro 5:9.
Wana Mashoko!
Usati waenda, unofanira kuwana mashoko ose. Usavimba nemashoko okuudzwa nevamwe. Somuenzaniso, kana uchifunga nezvechirongwa chevadzidzi vanochinjanwa nenyika mbiri, chichaita marii? Ungatoshamiswa kuziva kuti kakawanda chinoita zviuru zvemadhora. Unofanira kuzivawo kana dzidzo yauchawana kune imwe nyika ichizoshanda kumusha. Zvekare, wana mashoko akawanda aunokwanisa nezvenyika yacho—mitemo yayo, tsika dzayo, nezvinoitwa nevanhu vacho. Kugara ikoko kunoda mari yakawanda sei? Mitero ipi yauchafanira kubhadhara? Pane ngozi dzoutano dzaunofanira kufunga nezvadzo here? Ungazviwana zvichibatsira kuti utaure nevanhu vakambogara ikoko.
Panewo nyaya yepokugara. Vabereki vanogara nevadzidzi vanochinjanwa nenyika mbiri kakawanda havatarisiri muripo upi zvawo. Kunyange zvakadaro kugara nevanhu vasingaremekedzi nheyo dzeBhaibheri kunogona kuparira kudzvinyirirwa nokushungurudzwa kukuru. Kugara neshamwari kana hama kungava chimwe chokusarudza. Asi ngwarira kusava mutoro kwavari—kunyange kana vakakukurudzira kuti ugare. Izvi zvinogona kukanganisa kana kuparadza ukama hwako navo.—Zvirevo 25:17.
Kana uchironga kunoita mari uri kune imwe nyika, usakanganwa kuti unofanira kuteerera zviremera somuKristu. (VaRoma 13:1-7) Mutemo unokubvumira kushanda munyika iyoyo here? Kana zvakadaro, mumamiriro ezvinhu akaita sei? Kana ukashanda zvisiri pamutemo, ungakanganisa kumira kwako somuKristu akavimbika uye wozvisiya usina zvinokuchengetedza zvinokosha zvakadai seinishuwarenzi yetsaona. Kunyange kana zviri pamutemo kushanda, uchafanira kungwarira nokuchenjerera. (Zvirevo 14:15) Vashandirwi vanonyengera kakawanda vanoda kushandisa vanobva kune dzimwe nyika zvisina kufanira.
Kusarudza
Saka zviri pachena kuti kusarudza kuenda kune imwe nyika inyaya huru—uye haifaniri kurerutswa. Gara pasi nevabereki vako, moisa misoro pamwe muchifunga kuti kuenda kuchabatsirei uye kuti kungangova nengozi dzipi. Edza kuita kuti kunyanyofarira kuenda kwako kusakurira kunzwisisa kwako. Iva akatendeseka paunenge uchiongorora zvikonzero zvako. Teerera vabereki vako nokungwarira. Pashure pezvose, vachangoramba vachinzwa vane mutoro kwauri, kunyange kana uri kure nemazana emakiromita. Zvimwe uchada kubatsirwa navo nemari kuti urarame.
Zvinhu zvose zvafungwa nezvazvo, zvingava kuti kuenda kungasava kuchenjera—zvimwe panguva iyoyo. Izvi zvingava zvinoodza mwoyo, asi pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvinofadza zvaunogona kuita. Somuenzaniso, wakambofunga nezvokushanyira nzvimbo dzinonakidza munyika yako here? Kana kuti kuregererei kutanga kudzidza mutauro wokumwe zvino? Nokufamba kwenguva, zvichida mukana wokuenda kune imwe nyika uchamuka.
Zvisinei, zvakadini kana ukasarudza kuenda? Nyaya inotevera ichakurukura kuti ungabudirira sei kunogara kune imwe nyika.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Kuverenga Ndyiko Yokutamira Kunyika Yakapfuma,” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaApril 1, 1991, yakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Vamwe vechiduku vanoenda kuti vanofambisira mberi basa rokuparidza Umambo
[Mufananidzo uri papeji 28]
Taura nevabereki vako pamusoro pokuti kuenda kunobatsirei uye kuti kune ngozi dzipi