RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 1/8 pp. 28-29
  • Dzidzo Youpenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzo Youpenyu
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzo Youpenyu Zvino
  • Dzidzo Youpenyu
  • Manyuko Akakwirira Zvikuru Ouchenjeri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Uchenjeri Hwechokwadi Huri Kushevedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Shoko raMwari Izvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Munhu Awana Uchenjeri Une Mufaro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 1/8 pp. 28-29

Dzidzo Youpenyu

“Bhaibheri [ndiro] nhungamiro huru mukudzidza kurarama.”—Thomas Tiplady, 1924.

HAKUSI kupamhidzira kutaura kuti dzidzo yeBhaibheri inogona kuchinja upenyu. Yakaunza zvinoita kuti upenyu huve nezvahunoreva netariro kune vakanga vachinzwa sevasina maturo uye vakapererwa. Mumwe mubereki ari oga munyika yeNamibia akanyorera bazi romuSouth Africa reZvapupu zvaJehovha kuti:

“Ndine makore 29, uye ndakaverenga bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda mumazuva maviri chete. Rakabaya mwoyo wangu zvakadzama nokuti ndakasurukirwa kwazvo. Mukomana wangu akafa mutsaona yemotokari ndokundisiya ndiine vana vaviri. Tiri kutambura zvikuru. Dzimwe nguva ndaimbofunga kuti zvaizova nani kuvauraya ndozozviuraya pachangu. Asi pandakawana bhuku iri, ndakachinja pfungwa dzangu. Ndapota ndibatsireiwo nechidzidzo cheBhaibheri chepachena.”

Bhaibheri ibhuku renhungamiro rinogona kubatsira vanhu kubudirira munharaunda dzose dzoupenyu—mukuwirirana nemhuri dzavo, vavanoshanda navo, uye vanhu vari munzanga. (Pisarema 19:7; 2 Timoti 3:16) Rinopa nhungamiro yakajeka yokugara uchiita zvakanaka uye yokudzivisa zvakaipa. Ibhuku rinobata noupenyu sezvahuri. Sezvaunoriverenga, uchaona kuti rakazara nenhau dzevanhu chaivo. Uchaona zvakaita kuti upenyu hwevamwe hufadze nokupa mubayiro uye kuti hwevamwe hurwadze nokusuruvarisa. Zvichakujekera kuti zvinhu zvipi zvakakodzera uye ndezvipi zvisina.

Dzidzo Youpenyu Zvino

Bhaibheri rinosimbisa kukosha kwokushandisa uchenjeri. Rinoti: “Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri.” (Zvirevo 4:7) Rinotaurawo kuti vanhu vanowanzoshaya uchenjeri, nokudaro rinokurudzira kuti: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose.”—Jakobho 1:5.

Musiki wedu, Jehovha Mwari, anopa sei uchenjeri zvikuru? Anodaro achishandisa Shoko rake, Bhaibheri, raanotikurudzira kuverenga. Mwari anokukumbira kuti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, . . . uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri.” (Zvirevo 2:1, 2, 5, 6) Patinoshandisa zano rinowanikwa muShoko raMwari uye kuona kuti rinoshandisika sei, tinoona kuti zvechokwadi rinoratidza uchenjeri hwaMwari.

Somuenzaniso, imbofunga nezvenhau yokubata nourombo. Bhaibheri rinokurudzira kushanda nesimba uye rinonyevera nezvokutsvaka zvinhu zvinogona kupambadza zvishoma zvatinowana. Nokudaro, zvinhu zvakaipa zvakadai sokushandisa fodya uye kunyanyisa kushandisa zvinodhaka zvinopesana zvakajeka nenheyo dzeBhaibheri.—Zvirevo 6:6-11; 10:26; 23:19-21; 2 VaKorinde 7:1.

Zvakadini nezvezvinogona kuitwa upenyu hwedu nevatinosonganirana navo? Bhaibheri rinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Wakazviona here kuti kuda kufanana nevezera ravo kwave kuchiwanzoita kuti vanhu—vose vakuru nevaduku—vadhakwe, vashandise zvinodhaka zvisina kufanira, uye vaite unzenza? Hungu, kana tikasonganirana nevanoita zvinhu zvakadaro, tichaita saivo, kunyange sezvinotaura Bhaibheri kuti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.”—1 VaKorinde 15:33.

Zvechokwadi, tose zvedu tinoda kufara. Asi izvozvo zvinobvira sei? Waiziva here kuti Bhaibheri rinoti iro hazvisi zvinhu zvinogona kuita kuti tifare asi, mafungiro noukama zvakanaka, zvikurukuru ukama hwakanaka naMwari? (1 Timoti 6:6-10) Jesu Kristu, muMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, akati vanofara zvechokwadi ndeavo “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” “vanyoro,” “vane nzara nenyota yekururama,” “vane ngoni,” “vakachena mumwoyo,” uye “vanoita rugare.”—Mateu 5:1-9.

Paunofunga zvakadzama nezvedzidziso dzeBhaibheri, uchaziva kubatsira kwadzinogona kuita pakutungamirira upenyu hwedu. Bhaibheri rakasiyana nomumwe mose munowanikwa mazano. Zano raro rinobatsira nguva dzose—harisi rondedzerowo zvayo uye harimbotiudzi zvinotikuvadza. Avo vanoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri vanobatsirwa nguva dzose.

Dzidzo Youpenyu

Kuwedzera kukutibatsira iye zvino, Bhaibheri rinopa tariro youpenyu munguva yemberi. Rinotaura nezvokucheneswa kunoshamisa kwepasi uye kuchinjwa kwaro kuva musha wakanaka kwazvo waavo vanoshumira Mwari. Ona nhau iyi inonyevenutsa mwoyo nezvenguva yemberi inoti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4; Zvirevo 2:21, 22.

Imbofunga: Pasisina vana vakaondoroka, pasisina nzara, pasisina kutya hosha dzinopedza simba romuviri, pasisina marwadzo! Misodzi yokukangaidzika, yokuora mwoyo, uye yenhamo ichanyangarika, sezvo mamiriro ezvinhu ari kuparira zvinhu zvakadaro achachinjwa kana kubviswa. Sezvo vanhu vanoita zvakaipa nemaune vachange vabviswa nemauto aMwari engirozi, mbavha, mhondi, vanonyepa, uye vamwe vanoita kuti upenyu husachengeteka vachange vasisipo. Vanhu vachange vava kukwanisa kuva nedzimba dzavo pachavo vachinakidzwa nadzo mukuchengeteka.—Isaya 25:8, 9; 33:24; 65:17-25.

Zvinonzwika zvakanaka kwauri here? Unoda kudzidza zvakawanda nezvokushandisa nheyo dzeBhaibheri kuti ukwanise kuzvibatsira iye zvino nomunguva yemberi here? Kana zvakadaro, tapota onana neZvapupu zvaJehovha, uye zvichafara kukubatanidza nemhuri yako mu“purogiramu yazvo yedzidzo youpenyu” yomunyika yose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe