RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 8/8 pp. 23-25
  • Munyengetero Ungandibatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munyengetero Ungandibatsira Sei?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupindura Kunoita Mwari Minyengetero
  • Unobatsira Pakuita Zvisarudzo
  • Unobatsira Kudzora Hasha
  • Unobatsira Paunenge Uchinetseka
  • Unobatsira Pakuswedera Pedyo naMwari
  • Taura naMwari!
  • Mwari Anopindura Minyengetero Yangu Here?
    Mukai!—1992
  • Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Nei Tichifanira Kuramba Tichinyengetera?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mwari Anoteerera Apo Unonyengetera Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 8/8 pp. 23-25

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Munyengetero Ungandibatsira Sei?

“Munyengetero ndiwo wakandibatsira kuita kuti upenyu hwangu hudzokere panzira yakarurama.”—Brad.a

VECHIDUKU vakawanda vari kunyengetera—zvimwe kutopfuura zvaunofunga. Imwe Ongororo Yakaitwa Pavechiduku vane makore 13 kusvikira ku17 nesangano reGallup muUnited States yakaratidza kuti 56 muzana vanonyengetera vasati vadya. Imwe ongororo yakaitwa pavechiduku vati kurei yakaratidza kuti 62 muzana vanonyengetera zuva roga roga.

Kunyange zvakadaro, kupwere dzakawanda kunyengetera inongova tsika isina zvainobatsira kana kuti muitirowo zvawo. Ipwere shomanana dzine inonzi neBhaibheri “zivo yakarurama pamusoro paMwari.” (VaKorose 1:9, 10) Somugumisiro, Mwari haakoshi muupenyu hwavo. Mune imwe ongororo vayaruki vakabvunzwa kana vakambonyengetera kuna Mwari kuti vabatsirwe pakuita chisarudzo chinokosha. Mumwe musikana akapindura kuti: “Nguva dzose ndinonyengetera kuna Mwari kuti anditungamirire kusarudza nzira dzakarurama muupenyu.” Kunyange zvakadaro, akati: “Handigoni kuyeuka chisarudzo chimwe chete panguva ino.” Saka, hazvishamisi kuti pwere dzakawanda hadzivimbi kuti munyengetero une simba ripi neripi kana kuti uchavabatsira!

Kunyange zvakadaro, kufanana naBrad, ane mashoko ataurwa pakutanga, zviuru zvepwere zvakawana kuti munyengetero unobatsira. Iwe unogona kuzvionerawo! Imwe nyaya yakapfuura yakaratidza nei tichigona kuva nechivimbo chokuti Mwari achanzwa minyengetero yedu.b Zvino mubvunzo ndewokuti, Munyengetero ungakubatsira sei? Kutanga, ngationgorore nzira iyo Mwari anopindura nayo minyengetero yedu.

Kupindura Kunoita Mwari Minyengetero

Munguva inotaurwa muBhaibheri vamwe varume vokutenda vakapindurwa minyengetero yavo zvakananga—kunyange nenzira inoshamisa. Somuenzaniso, Mambo Hezekia paakaziva kuti akanga orwara zvokuda kufa, akanyengetera kuna Mwari kuti amununure. Mwari akapindura kuti: “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira ndichakuporesa.” (2 Madzimambo 20:1-6) Saizvozvowo vamwe varume nevakadzi vaitya Mwari vakaona kupindira kwaMwari.—1 Samueri 1:1-20; Dhanieri 10:2-12; Mabasa 4:24-31; 10:1-7.

Zvisinei, kupindira kwaMwari kwaisambonyanya kuitika, kunyange munguva dzinotaurwa muBhaibheri. Kakawanda kacho, Mwari aipindura minyengetero yevashumiri vake, kwete nokupindira kunoshamisa, asi nokuvabatsira ku“zadzw[a] nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu.” (VaKorose 1:9, 10) Hungu, Mwari aibatsira nokusimbisa vanhu vake mumudzimu uye mutsika—achivapa uchenjeri nezivo kuti vaite zvisarudzo zvokuchenjera. VaKristu pavaiva mumamiriro ezvinhu akaoma, Mwari aisabvisa muedzo wacho chaizvoizvo. Pane kudaro, aivapa “simba rinopfuura romuzvarirwo” kuitira kuti vautsungirire!—2 VaKorinde 4:7; 2 Timoti 4:17.

Saizvozvowo nhasi, mhinduro yomunyengetero wako ingasabatanidza chimwe chinhu chinoshamisa. Asi sezvaakaita kare, Mwari anogona kukupa mudzimu mutsvene wake ndokukusimbisa kubata nemamiriro ezvinhu api neapi aunotarisana nawo. (VaGaratiya 5:22, 23) Kuenzanisira, ngatitarisei nzira ina dzakananga idzo munyengetero unogona kukubatsira nadzo.

Unobatsira Pakuita Zvisarudzo

Karen akanga achifambidzana nejaya raiita serine vavariro dzomudzimu dzakaisvonaka. “Nguva dzose aindiudza kuti aida kuzova mukuru muungano,” anodaro. Zvose izvi zvainzwika zvakanaka. Asi “ainyanyawo kutaura nezvebhizimisi raakanga achitanga uye zvinhu zvose zvaaizokwanisa kunditengera. Ndakatanga kusava nechokwadi nezvokutendeseka kwake.” Karen akanyengetera nezvazvo. “Ndakakumbira Jehovha kuti avhure maziso angu uye kundiratidza zvandaifanira kuziva nezvake.”

Dzimwe nguva kunyengetera kunobatsira zvikuru, sezvo kuchigona kukubatsira kumira ndokufungisisa zvinhu semaonero anoita Jehovha. Asi Karen aidawo zano rinoshanda. Aizowana mhinduro nenzira inoshamisa here? Funga nezvenhoroondo yomuBhaibheri yaMambo Dhavhidhi. Paakaziva kuti shamwari yake yaaivimba nayo Ahitoferi akanga achipa mazano kumwanakomana wake akanga apanduka Abhisaromi, Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.” (2 Samueri 15:31) Asi Dhavhidhi akaitawo maererano nomunyengetero wake. Akapa shamwari yake Hushai basa iri: “Ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.” (2 Samueri 15:34) Saizvozvowo, Karen akaita maererano nomunyengetero wake nokutaura nomukuru wechiKristu aiziva mukomana wake. Akataura pamusoro pezvaaitya: Mukomana wake akanga asina kumbofambira mberi pakunamata.

Karen anoti: “Izvozvo zvakanyatsondiratidza kubatsira kunoita munyengetero.” Zvinosuruvarisa kuti aimbova mukomana wake akatsvaka pfuma ndokurega kushumira Mwari. “Kudai ndakaroorana naye,” anodaro Karen, “ndingadai ndichiuya kumisangano yechiKristu ndoga.” Munyengetero wakabatsira Karen kuita chisarudzo chakanaka.

Unobatsira Kudzora Hasha

“Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 29:11, “asi munhu wakachenjera unodzidzora nokudzinyaradza.” Chinetso ndechokuti vanhu vakawanda vanoremerwa zvikuru mupfungwa uye kakawanda kacho vanotadza kudzora hasha—dzimwe nguva zvichiva nemigumisiro ine ngozi. Brian muduku anoyeuka kuti: “Ndaiva nezvinetso newandinoshanda naye. Rimwe zuva akabudisa banga.” Waizodai wakaitei? Brian akanyengetera. Anoti: “Jehovha akandibatsira kuramba ndakagadzikana, uye ndakataura newandinoshanda naye kuti asashandise banga racho. Akadonhedza banga racho ndokubva aenda.” Kudzora hasha dzake kwakabatsira Brian kudzivisa kushatirwa, uye zvichida izvi zvakaponesa upenyu hwake.

Zvimwe ungasazviwana uchityisidzirwa nebanga. Asi kuchava nenguva dzakawanda muupenyu hwako paungada kudzora hasha dzako. Munyengetero unogona kukubatsira kuramba wakagadzikana.

Unobatsira Paunenge Uchinetseka

Barbara anoyeuka “achipfuura nomunguva dzinoedza” makore akati kuti adarika. Anoti: “Basa rangu, mhuri, shamwari—hapana chairatidza kuti chiri kufamba zvakanaka. Ndakanga ndisingazivi zvokuita.” Barbara akangoerekana ava kunyengetera kuti abatsirwe. Asi paiva nechinetso. “Ndakanga ndisingazivi chokukumbira Jehovha,” anodaro. “Pakupedzisira, ndakakumbira rugare rwepfungwa. Manheru oga oga ndaikumbira kuti andibatsire kusambonetseka nezvechinhu chipi nechipi.”

Munyengetero iwoyo wakamubatsira sei? Anoti: “Mazuva mashomanana gare gare, ndakaziva kuti kunyange zvazvo zvinetso zvangu zvakanga zvisina kupera, ndakanga ndisisafungi nezvazvo kana kuti kunetseka pamusoro pazvo.” Bhaibheri rinopikira kuti: “Kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari; . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

Unobatsira Pakuswedera Pedyo naMwari

Funga zvakaitika kupwere inonzi Paul. “Ndakanga ndichangotanga kugara nedzimwe hama dzedu,” anodaro. “Humwe usiku ndakawana ndaora mwoyo zvikuru. Ndakanga ndichangopedza kudzidza pachikoro chesekondari uye ndaisuwa shamwari dzangu dzose. Ndakabuda misodzi usiku ihwohwo sezvandaiyeuka nguva dzinofadza dzataimbova nadzo pamwe chete.” Paul aigona kuitei? Kwenguva yokutanga, akanyengetera nomwoyo wose. Anoti: “Ndakataura zvose zvaiva mumwoyo mangu uye ndakakumbira Jehovha kuti andipe simba norugare rwepfungwa.”

Chii chakazoitika? Paul anoyeuka kuti: “Mangwanani akatevera, ndakamuka ndichinzwa kugadzikana kupfuura zvandakanga ndamboita muupenyu hwangu. Ndakachinja kubva pakuremerwa mupfungwa kusvika pakuva ‘norugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.’” Nemhaka yokuti mwoyo wake wakanga wagadzikana zvino, Paul aikwanisa kuona zvinhu nenzira yakaterama. Uye akakurumidza kuziva kuti ‘mazuva akanaka ekare’ akanga asingatombofadzi zvachose. (Muparidzi 7:10) Kutaura zvazviri, “shamwari” dzaaisuwa zvikuru dzakanga dzisingamukurudziri kuita zvakanaka.

Chinotokosha zvikuru ndechokuti, Paul akasvika pakuona kuti Jehovha aimutarisira. Akaona kuti mashoko ari pana Jakobho 4:8 ndeechokwadi anoti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” Kuna Paul iyi yakanga iri nguva yokuchinja kunokosha. Akakurudzirwa kuisa Jehovha pamberi pezvimwe zvinhu zvose muupenyu hwake uye kutsaurira upenyu hwake kwaari.

Taura naMwari!

Zviitiko izvi zvinoratidza migumisiro yakanaka zvinopa chivimbo chokuti munyengetero unogona kukubatsira. Chokwadi, zvakadaro chete kana wakatsunga kusvika pakuziva Mwari, uchikudziridza ushamwari naye. Zvinosuruvarisa kuti pwere dzakawanda dzinorega kudaro. Carissa akarerwa mumhuri yechiKristu. Asi anoti: “Ndinofunga kuti mumakore mashomanana apfuura ndimo mandakazonyatsonzwisisa kukosha kwoukama hwedu naJehovha husingaenzaniswi hwakasiyana nohumwe.” Brad, ataurwa patangira nyaya ino, akarerwa somuKristu asi akasiya kunamata kwechokwadi kwemakore anoverengeka. “Pandakazoona kuti ndakanga ndakarasika,” anodaro, “ndipo pandakatendeukira kuna Jehovha. Zvino ndinoziva kuti upenyu hahubatsiri sei pasina ukama ihwohwo.”

Zvisinei, usamirira dambudziko usati waswedera pedyo naMwari. Tanga kutaura naye iye zvino—nguva dzose! (Ruka 11:9-13) “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.” (Pisarema 62:8) Uchakurumidza kuona kuti munyengetero unogona kukubatsira zvechokwadi!

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Mwari Achanzwa Minyengetero Yangu Here?” muMukai! yaJuly 8, 2001.

[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 25]

Munyengetero Unogona Kukubatsira

● Kuita zvisarudzo zviri nani

● Kuramba wakagadzikana munguva dzokuora mwoyo

● Kuti urege kunetseka

● Kuswedera pedyo naMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe