Zvinotaura Bhaibheri
Unofanira Kutya Amagedhoni Here?
CHII chinonzi “Amagedhoni”? Kungotaura nenzira iri nyore, shoko racho rinoreva mamiriro ezvinhu apo vatongi venyika vanoungana vachipikisana naMwari noUmambo hwake hunenge huchitungamirirwa naJesu Kristu. Mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, muapostora Johani akaona vatongi vachiungana uye vachizvidza Mwari panzvimbo yokufananidzira inonzi Amagedhoni.
Shoko rokuti “Amagedhoni” rinooneka kamwe chete muMagwaro, asi rinoshandiswa sedimikira ramazuva ano kureva zvinhu zvakawanda. Rave richishandiswa kureva njodzi huru kana duku, dzakadai sokuparadza rudzi kungaitwa nenyukireya kana kuti vhayirasi yekombiyuta. Mabhuku akawanda anotengeswa kupfuura mamwe ave achitaura nezvedzinonzi nguva dzomugumo, kana kuti nguva pfupi Amagedhoni isati yasvika. Mumakore gumi adarika pakatengeswa manovhero anodarika mamiriyoni 60, ose achitaura nezvenyaya imwe chete yeAmagedhoni.
Vamwe vanhu vanotya Amagedhoni. Vanotya kuti magandanga, marudzi anokurudzira hondo, kana tsaona dzisingagoni kudziviswa nevanhu zvichakonzera kuparara kwenyika yose, zvoisiya isisagoni kutsigira upenyu. Vamwewo vanodavira kuti panguva yakasarudzwa, Mwari pachake achashatirwa oparadza nyika yedu nezvinhu zviri pairi. Zvechokwadi izvi zvinhu zvinotyisa zviri kutarisirwa. Asi chii chinonyatsorehwa ne“hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” paAmagedhoni?—Zvakazarurwa 16:14, 16.
Nyika Ichaparadzwa Here?
Havasi vanhu vose vachaparadzwa paAmagedhoni. Tinozviziva sei? Bhaibheri rinotivimbisa kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari, uye kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vaparadzwe.” (2 Petro 2:9) Saka, tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari acharamba achidzora simba rake guru zvakanaka. Avo bedzi vanozvidza kuva changamire kwaMwari vachaona kutsamwa kwake paAmagedhoni. Pachange pasina vanhuwo zvavo vanoparadzwa netsaona.—Pisarema 2:2, 9; Genesisi 18:23, 25.
Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Saka, zviri pachena kuti chinangwa chaMwari hachisi chokuparadza pasi redu. Pane kudaro, achabvisa vanhu vakaipa vanopikisa kutonga kwake. Izvi zvinofanana nezvaakaita panguva yeMafashamo omuzuva raNoa.—Genesisi 6:11-14; 7:1; Mateu 24:37-39.
“Zuva Rinotyisa”
Kutaura zvazviri, zviprofita zvinoverengeka zvinotaura nezvokuparadza kuri kuuya zviri kuyambira. Somuenzaniso, muprofita Joeri akataura nezve“zuva guru raJehovha rinotyisa.” (Joeri 2:31) Zvombo zvaMwari zvinosanganisira chando, chimvuramabwe, kudengenyeka kwepasi, chirwere chinotapukira, dzvotsvotsvo remvura, moto nesarufa zvinoita zvokunaya, kuvhiringidza kunouraya, mheni, uye denda rokungoora kwenyama yevanhu.a (Jobho 38:22, 23; Ezekieri 38:14-23; Habhakuki 3:10, 11; Zekariya 14:12, 13) Uye Bhaibheri rinonyatsotaura nezvenguva iyo zvitunha zvichafukidza nyika yose, zvasiyiwa kuti zviite mupfudze kana kuti zvive zvokudya zveshiri nezvedzimwe mhuka. (Jeremiya 25:33, 34; Ezekieri 39:17-20) Vavengi vaMwari vachatya muhondo iyi.—Zvakazarurwa 6:16, 17.
Izvi zvinoreva here kuti vanamati vaMwari wechokwadi vanoteerera vachafanira kutya zvinhu zvinotyisa zvichaitika paAmagedhoni? Kana, nokuti vashumiri vaMwari vepanyika havazopindiri mukurwisana uku. Uyezve, vachadzivirirwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, vanamati vechokwadi vachashamiswa nokuratidzwa kunotyisa kwesimba raMwari.—Pisarema 37:34; Zvirevo 3:25, 26.
Zvinokosha kuti muapostora Johani akafuridzirwa kutivimbisa kuti: “Anofara munhu ari kuchengeta mashoko ouprofita hwomupumburu uyu,” kusanganisira nyevero yeAmagedhoni. (Zvakazarurwa 1:3; 22:7) Munhu angagona kufara here paanenge achifungisisa nezveAmagedhoni? Zvingadaro sei?
Kunyevera kwaMwari
Kana dutu rine simba richiuya, zviremera zvomunzvimbo yacho zvinopa nyevero kuitira kuchengetedza upenyu. Kuti zvive nechokwadi chokuti munhu wose anyatsonzwa nyevero, mapurisa angatumwa nezvinhu zvinozivisa kana kunzi aende pamba nemba. Chinangwa chokuita zvose izvi hachisi chokutyisidzira vanhu asi ndechokuvabatsira kuti vazvidzivirire. Vanhu vakangwara vanogamuchira yambiro yacho vachifara, uye vaya vanoita chimwe chinhu vanofara nokuti vaita saizvozvo.
Izvozvo zvakafananawo neyambiro yemashoko aMwari pamusoro pe“dutu” reAmagedhoni riri kuuya. (Zvirevo 10:25) Jehovha akadonongodza nezvehondo yake muShoko rake rakanyorwa. Chinangwa chake hachisi chokutyisidzira vanhu, asi ndechokuvanyevera zvakakwana uye kuvaita kuti vapfidze uyewo kuti vaedze chaizvo kumushumira. (Zefaniya 2:2, 3; 2 Petro 3:9) Vaya vanoteerera nyevero iyi vachaponeswa. Nokudaro, hatifaniri kutya hondo yaMwari iri kuuya. Pane kudaro, tinogona kuva netariro yeramangwana tiine chivimbo chokuti “munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”—Joeri 2:32.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinofanira kuzivikanwa kuti zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvakanyorwa mumutauro wokufananidzira, kana kuti ‘wokuratidza.’ (Zvakazarurwa 1:1) Nokudaro, hatingaomereri pakutaura kuti zvinhu zvinotaurwa muuprofita uhwu zvichashandiswa chaizvo.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kana dutu rine simba richiuya, zviremera zvomunzvimbo yacho zvinoyambira kuitira kuchengetedza upenyu
[Mufananidzo uri papeji 31]
Mashoko aMwari okuyambira nezveAmagedhoni ndeokuzivisa vanhu kuti vapone