Kurega Kunwa Doro Zvisina Mwero
“Baba vangu vakanga vakapindwa muropa nedoro, uye ndakavatevedzera. Ndiine makore 12, ndakanga ndatotanga kunwa doro. Pandakazoroora, ndakanga ndava kudhakwa zuva roga roga. Ndaiva nechisimba; kazhinji kacho mapurisa ndiwo aitozonunura mhuri yangu. Utano hwangu hwakaramba huchiipa. Doro rakaita kuti mudumbu mangu mubude ropa kwazvo, zvokuti ndakapona nepaburi retsono. Ndakabva ndava necirrhosis uye neropa shoma. Ndakapinda mumapoka aya anobatsira vanhu kupedza zvinetso zvavo nechinangwa chokuti ndirege doro, asi zvakaramba. Ndainzwa sokunge ndakanga ndabatwa mumusungo uye ndisingakwanisi kurega.”—VÍCTOR,a ARGENTINA.
NYAYA dzakadai dzinogara dzichitaurwa nevanhu vakapindwa muropa nedoro. Kungofanana naVíctor, vanonzwa sokunge vanenge vabatwa mumusungo wavasingagoni kubuda mauri. Zvinetso zvinokonzerwa nokunwa doro zvisina mwero zvinogona kukundwa here kana kuti kudziviswa? Kana zvichikwanisika, zvingakundwa sei?
Kuziva Kuti Une Chinetso
Kutanga, zvinokosha kuti munhu anonwa doro nevaya vane ushamwari hwepedyo naye vazive chinetso chacho. Kupindwa muropa nedoro kangori kachinetso kaduku pachinetso chacho chose. Kunovapo nokufamba kwenguva kuchibvira pamanwiro aimbova nemwero. Zvinoshamisa kuti tsaona zhinji, chisimba, uye zvinetso zvomunzanga zvinokonzerwa nedoro hazvitangwi nevanhu vakapindwa muropa nedoro. Ona zvinotaura sangano reWorld Health Organization (WHO), rinoti: “Nzira yakanakisisa yokuderedza nayo zvinetso zvakawanda munzanga zvinokonzerwa nokunwa doro ndeyokunyanya kufunga nezvevaya vanonwa doro zvine mwero panzvimbo pevaya vanonwa zvokudarikidza mwero.” (Ndisu tatsveyamisa mabhii.) Unonwa zvokudarikidza mwero unorayirwa nezviremera zvoutano here? Unonwa mumamiriro ezvinhu anenge achida kuti unge wakangwarira here uye uchifanira kuita chimwe chinhu nokukurumidza? Manwiro ako ari kukonzera zvinetso mumhuri yako here kana kuti kubasa? Kubvuma kuti manwiro ako angangova nengozi wobva wanwa doro shoma chokwadi ndiyo “nzira yakanakisisa” yokuti usazova nezvinetso. Kana munhu akangopindwa muropa nedoro, zvakaoma chaizvo kuti achinje.
Vazhinji vanonwa doro zvisina mwero vanowanzoramba kuti ndizvo zvavanoita. “Ndinonwa sezvinongoita vamwe vose” kana kuti “Ndinogona kurega pose pandinenge ndichidira,” vanodaro. “Kunyange zvazvo ndakapotsa ndaurayiwa nedoro, handina kumbofunga kuti ndaiva ndapindwa muropa naro, saka handina kumbotora matanho okurirega,” anodaro Konstantin, wokuRussia. “Ndakaedza kakawanda kuti ndirirege,” anoyeuka kudaro Marek, wokuPoland, “asi ndakanga ndisinganyatsobvumi kuti ndaiva ndapindwa muropa nedoro. Ndairerutsa zvinetso zvinokonzerwa nedoro.”
Munhu anogona sei kubatsirwa kuti azive chinetso chake uye kuti abve agadzirisa dambudziko rake? Chokutanga, anofanira kubvuma kuti matambudziko ake ari kukonzerwa nokunwa doro zvisina mwero uye kuti kurega kuchaita kuti ave noupenyu hwakanaka. Sezvakataurwa muLa Revue du Praticien—Médecine Générale, anofanira kuchinja mafungiro ake kubva pane okuti “ndinonwa nokuti mukadzi wangu akandisiya uye nokuti basa rangu rakapera,” ova nookuti “mukadzi wangu akandisiya uye basa rangu rakapera nokuti ndinonwa.”
Kana uchida kubatsira munhu akapindwa muropa nedoro kuti ave nemafungiro aya, ungada kutevera mazano anotevera: Nyatsoteerera, bvunza mibvunzo yakajeka kuitira kuti munhu wacho ataure mafungiro ake nemanzwiro ake akasununguka, ratidza kuti une tsitsi, izvozvo zvinomubatsira kuti anzwe kuti ari kunzwisiswa, mukurudzire kunyange akafambira mberi zvishoma, usamutonga kana kuratidza mafungiro angaita kuti atadze kutaura akasununguka uye atsvake rubatsiro. Kuita kuti anyore mashoko akavakirwa pamibvunzo miviri inoti Chii chichaitika kana ndikaramba ndichinwa? uye Chii chichaitika kana ndikarega? kungabatsirawo.
Kutsvaka Rubatsiro
Kana mumwe munhu akatanga kunwa doro zvisina mwero, hazvirevi kuti haabatsiri kana kuti hapasisina tariro yokuti anogona kuchinja. Vamwe vanotokwanisa kurega voga vasina kubatsirwa. Zvisinei, vanhu vakapindwa muropa nedoro vangada kubatsirwa nenyanzvi kuti varege.b Kune vamwe vanhu zvinoshanda kana vakarapwa vari kumba, asi kana zviratidzo zvokurega zvakakomba, zvingava zvakakodzera kuti varapwe vari muchipatara. Kana zviratidzo zvokutanga zvokurega zvangodarika—zvingaitika mukati memazuva maviri kusvika kumashanu—munhu wacho angapiwa mishonga yokuderedza kuda doro uye kuti arambe achida kurega.
Zvisinei, zvirongwa zvokubvisa doro mumuviri hazvipi vimbiso yokuti zvichabudirira. Kurapa kunongoitirwa kuti zvinhu zvinake kwenguva pfupi chete, hakusi mushonga. Alain, wokuFrance, akabviswa doro mumuviri wake kakawanda. Anoti, “Pandaingobuda muchipatara, ndaitanga kunwa zvakare nokuti ndaishamwaridzana nevanhu vainwa. Chaizvoizvo, ndakanga ndisina aindikurudzira kurega.”
Kukurira Manzwiro Okuti Hauna Kunwa
Chokwadi, vakawanda vanokundikana nokuti kana vasinganwi vanozvinzwa kuti havana kunwa, zvakadai sezvazvinoita kana warasikirwa neshamwari yepedyo. “Ndaigara ndichifunga zvokungonwa,” anodaro Vasiliy, wokuRussia. “Zuva rangu raiva risina chinangwa kana ndisina kunwa.” Kumunhu akapindwa muropa nedoro, zvimwe zvinhu zvose zvinouya pechipiri, zvose hazvikoshi pane kugutsa havi yake yokunwa doro. “Chinangwa changu chikuru muupenyu chaiva chokunwa uye chokuwana mari yokunwa,” anoyeuka kudaro Jerzy, wokuPoland. Zviri pachena kuti zvinokosha kumunhu uya akapindwa muropa nedoro kuti atsvake chinangwa chitsva muupenyu kana achida kuramba asinganwi.
Rimwe bhuku rakabudiswa neWHO rinopa mazano vaya vari kuedza kuchinja manwiro avo, rinotaura kukosha kwokuita mabasa ane chinangwa kuti munhu arege kukundikana ombonwa. Imwe pfungwa inopiwa somuenzaniso ndeyokuita zvinhu zvine chokuita nechitendero.
Kuita zvakawanda mune zvokunamata kunobatsira munhu kusununguka pakudzorwa nedoro. Somuenzaniso, pashure po- kunge agara mujeri kechitatu nokuda kwezvaaiita kana anwa, Alain akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Kudzidza Bhaibhe- ri kwakandipa chinangwa muupenyu uye kwakaita kuti ndikwanise kurega doro. Vavariro yangu yakanga isiri yokungorega doro bedzi asi yokufadza Jehovha.”
Kubudirira Paunombokundikana Wonwa
Vanopa mazano pakunwa doro zvisina mwero vanotaura kuti zvinokosha kutsigira nokukurudzira akapindwa muropa nedoro anenge achiedza kurirega. Vakawanda vakarasikirwa neshamwari nemhuri pamusana pemamiriro avo ezvinhu anozvidzisa. Kuva voga kunogona kuita kuti vazvidye mwoyo uye kunyange kuti vazviuraye. Bhuku rataurwa pamusoro apa rinopa mazano anotevera okubatsira mumwe munhu ane dambudziko rokunwa: “Edza kusatsoropodza munhu wauri kubatsira kunyange ukagumburwa uye kuvhiringidzwa nounhu hwake. Yeuka kuti kuchinja maitiro hakumbofi kwakava nyore. Pachava nemavhiki akanaka nemavhiki akaipa. Kukurudzira kwako, kutsigira kwako kunwa zvine mwero kana kurega kunwa, uye pfungwa dzokutanga zvimwe zvinhu zvitsva ndizvo zvinodiwa.
Hilario, uyo akanwa doro kwemakore 30 anoti, “ndakabatsirwa norudo nehanya zveshamwari dzangu dzomuungano yandaipinda nayo yeZvapupu zvaJehovha. Ndaimbokundikana kakawanda ndonwa, asi vainditsigira nguva dzose kuti vandikurudzire uye kundipa zano romuBhaibheri rakakodzera nguva.”
Kana uri kutamburira kurega doro, yeuka kuti ungangotangazve kunwa uye kuti unofanira kuona izvozvo senzira ichaita kuti ugume warega. Usakanda mapfumo pasi! Ongorora chinenge chaita kuti utangezve kunwa, uye shandisa ruzivo irworwo kuti usakundikane zvakare. Ziva mamiriro ezvinhu chaiwo anenge aita kuti ude kunwa. Zvingave here zvichikonzerwa nokufinhikana, kuora mwoyo, kusurukirwa, kukakavadzana, kuzvidya mwoyo, kana kuti kuva pazviitiko kana kuti munzvimbo dzinonwira vamwe? Kana zviri izvo zvidzivise! “Ndakasvika pakunzwisisa uye kuziva pfungwa dzinoita kuti munhu azonwa,” anodaro Jerzy, akatora makore maviri kuti azorega zvachose. “Iye zvino ndava kudzivisa mamiriro ezvinhu angamutsa chido chokunwa. Handiendi kunzvimbo dzinonwira vanhu doro. Handidyi chinhu chipi nechipi chine doro, uye ndinotorega kuzora mafuta kana kushandisa mishonga yakagadzirwa nedoro. Handitarisi mifananidzo kana mashoko api neapi anoshambadza doro.” Vakawanda vakaona kuti kunyengetera kuna Mwari nokuda kwe“simba rinopfuura renguva dzose” kwave kuchikosha kuti vakunde chido chokunwa doro.—2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:6, 7.
Kusununguka!
Kunyange zvazvo ringave riri dambudziko rakaoma, zvinoita kubuda muusungwa hwokupindwa muropa nedoro. Vanhu vose vataurwa munyaya ino vakagona kurirega. Vava noutano hwakanaka uye vari kuona kubatsira kwazvinoita mhuri yavo nebasa ravo. Alain anoti, “Iye zvino handisisiri mumusungo wokunwa.” Konstantin anoti: “Kusvika pakuziva Jehovha kwakabatsira mhuri yangu. Iye zvino ndava nechinangwa muupenyu. Mufaro wangu haubvi padoro.” Víctor anoti: “Ndinonzwa somunhu akasununguka. Ndava kuremekedzeka zvakare uye ndava nounhu hwangu hwakanaka.”
Munhu anogona kuchinja kunyange zvazvo angava ari pangozi yokupinda mutsaona pamusana pokunwa doro zvisina mwero, ari kutambura nezvinetso zvokunwa doro zvisina mwero, kana kuti akapindwa muropa nedoro. Kana kunwa kwako kuchikanganisa utano hwako, usazeza kuchinja panodiwa. Zvinogona kukubatsira uye kubatsira vaya vanokuda.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Kune nzvimbo dzakawanda dzinorapa, zvipatara, uye mapurogiramu anogona kubatsira munhu kurega doro. Zvapupu zvaJehovha hazvina marapiro azvinoti aya ndiwo akanaka. Munhu anofanira kungwarira kuti asabatanidzwe muzvinhu zvinopesana nemitemo yeMagwaro. Zvisinei, kana munhu aona zvose zvinobatanidzwa anofanira kuzvisarudzira marapirwo aanoda.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kubvuma chinetso chacho ndiro danho rokutanga
[Mufananidzo uri papeji 11]
Vakawanda vanoda kubatsirwa nenyanzvi kuti varege kunwa
[Mufananidzo uri papeji 12]
Munyengetero unogona kubatsira
[Mufananidzo uri papeji 12]
Unogona kuwana simba rokurega kunwa doro!