Ungavimba Nemazano eBhaibheri Here?
‘Munhu uyu ari kundiudza chokwadi here?’ Ungazvibvunza mubvunzo iwoyo kana mumwe munhu ari kuedza kukutengesera motokari kana kuti munhu wezvematongerwo enyika ari kuvimbisa zvaachaitira vanhu kana akunda musarudzo. Haudi kutambisa mari yako kana nguva pazvinhu zvisingashandi kana kuteerera mashoko asingazozadziswi.
UNGANGOZVIBVUNZAWO kuti: ‘Pane zvinhu zvinokosha zvandingadzidza muBhaibheri here? Kana ndikaverenga uye kudzidza bhuku iroro, zvechokwadi ndinenge ndisina kutambisa nguva yangu uye simba rangu here?’ Tinobatsirwa kuwana mhinduro dzacho nendima iri muBhaibheri inoti: “Uchenjeri hunooneka kunaka kana kuipa kwahwo nezvinozoguma zvaitika.” (Mateu 11:19, Phillips) Kutaura chokwadi, zvinozoguma zvaitika kana vanhu vashandisa mamwe mazano kana “uchenjeri,” zvinoratidza kana izvozvo zvaibatsira. Vanhu vakawana nguva yokudzidza Bhaibheri vakataura pachavo mashoko anotevera. Zvavakataura zvichakubatsira kuona kana uchifanira kuverenga uye kudzidza bhuku iroro rakasiyana nemamwe ose.
Mibvunzo Yokufa uye Zvinozoitika
Karen anogara kuUnited States akafirwa naamai vake. Kubva achiri muduku, aitenda kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga kana vafa. Izvozvo hazvina kunyanya kumunyaradza. Zvakamunetsa kuti: ‘Amai zvavava kudenga, vava munhu akaita sei? Ndichavawana sei kana ndasvika ikoko, ndokunge ndasvikako? Kana ndikafa, ndingazoguma ndava kune imwe nzvimbo here?’
Karen akatanga kunyatsodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akadzidza kuti vanhu vakafa havasi kudenga asi vakaita sevanhu vari kutsi kwehope. “Havana kana chavanoziva,” inodaro Muparidzi 9:5. Zvisinei, amai vake achavaona zvakare here?
Mashoko akajeka ari muBhaibheri anotevera akamunyaradza nokumupa tariro: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raKristu] vobuda.” (Johani 5:28, 29) Karen akadzidza kuti kuburikidza noMwanakomana wake, Mwari uyo akaita kuti Bhaibheri rinyorwe achamutsa vanhu vakafa pasi pano. Karen akati, “Zvinodzidziswa neBhaibheri nezverufu uye kumutswa kwevakafa zvine musoro chaizvo.”
Manamatiro Echokwadi Ndeapi?
Mumwe musikana wokuRomania anonzi Angela aiva nemakore 14 paakanamatirwa nomumwe mufundisi wechechi yePentecostal kuti awane mudzimu mutsvene uye akatanga kutaura nendimi. Zvisinei, vabereki vake vakaona sokuti zvinodzidziswa kuPentecostal hazvipindirani nezviri muBhaibheri. Mhuri yavo yakarega kuenda kuchechi kwacho uye yakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.
Pakutanga, Angela akaora mwoyo asi pasina nguva akaona kusiyana kwezvaiitwa kuchechi kwaaimboenda nezvinodzidziswa neBhaibheri. Somuenzaniso akaverenga Johani 17:3 inoti, “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” Angela akaziva kuti vanowana nyasha dzaMwari vanofanira kutanga vamuziva. “Ndaizowana sei mudzimu waMwari kuti nditaure nendimi ini ndisingatombozivi nezvake?” akabvunza kudaro. Anoenderera mberi achiti, “Ndinotenda kuti Jehovha akandibatsira kuwana kunamata kwechokwadi kuburikidza neShoko rake rakafemerwa.”
Mazano Anochinja Vanhu
Murume anogara kuIndia anonzi Gabriel anoti, “Ndaisatana kushatirwa. Pandaidenhwa ndaizhamba, kukanda kanda zvinhu, kana kutorova vanhu. Kudzidza Bhaibheri kwakandibatsira kuti ndizvidzore. Kunyange kana zvinhu zvakaminama, ndinoramba ndakazvibata.”
Gabriel akaverenga magwaro akadai saZvirevo 16:32 inoti, “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba, uye anodzora hasha dzake ari nani pane anokunda guta.” Mumwe murume akakunda kukurirwa nehasha anonzi Dhiraj, anoti, “Rugwaro rumwe chete urwu rwakandibatsira kuona kuti kukurirwa nehasha kunoratidza kuva mbwende, asi kudzidzora kunoratidza kuva munhu akasimba.”
Philip aiva muchikwata chenhubu kuSouth Africa. Kurwa, kuba, uye kutaura kusina kunaka ndihwo hwaiva upenyu hwake. Akagara mujeri achipika. Pasinei naizvozvo, Philip akada zvikuru kuziva nezvaMwari. Atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akava nechido chokushumira Mwari uye akasarudza kuchenesa upenyu hwake. Akarega maitiro ose akaipa uye akagura ushamwari nevaaimbopara navo mhosva. Ichokwadi chipi cheBhaibheri chakaita kuti achinje kudaro?
Zvapupu zvaJehovha zvakamuratidza mashoko ari pana Johani 6:44, anoti: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” Philip anoti, “Jehovha akaona chimwe chinhu chakanaka mandiri uye akaita kuti ndiende kune vanhu vake, vanodanana zvinoshamisa.” Philip akanzwisisawo nyaya dzomuBhaibheri dzinotaura nezvengoni dzaJehovha kuvatadzi vanopfidza. Iye anoti, “Nyaya idzi dzakandibatsira kuona kuti Jehovha anonzwisisa pakubata nevanhu vanopfidza kana vaita zvivi.”—2 Samueri 12:1-14; Pisarema 51.
Mumwe murume muduku wokuAustralia anonzi Wade airaradza uye aishandisa zvinodhaka, aibheja, uye aiita unzenza. Zvisinei, izvozvo hazvina kumupa mufaro. Rimwe zuva akataura neZvapupu zvaJehovha uye akabvuma kudzidza Bhaibheri asingabhadhari. Wade akadzidzei?
“Ndakasvikwa pamwoyo nezvaiitwa naJesu kune vamwe,” anodaro Wade. “Aiva nomutsa, ainzwira tsitsi, uye aida vanhu vose, kusanganisira vana. Pandairamba ndichidzidza, ndaibva ndanyanya kuda kumutevedzera. Bhaibheri rakandidzidzisa kuti ndive murume chaiye uye kuchinja unhu hwangu kuti huve hwakanaka.” Ko zvakaipa zvose zvaakanga amboita? Wade anoenderera mberi achiti: “Uye ndakadzidza kuti kana ndikapfidza ndochinja maitiro angu, Mwari anondiregerera. Chokwadi ndaitokwanisa kuzorarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Pakupedzisira, ndakanga ndava neramangwana rakajeka!” (Mateu 5:5) Wade akachenesa upenyu hwake uye iye zvino ari kunamata Jehovha nehana yakachena.
Zvawaverenga izvi zvakataurwa nevanhu vaida kugadzirisa upenyu hwavo. Vakanyatsoongorora Bhaibheri kuti vaone kana zvarinodzidzisa zvaikwanisa kuvabatsira mumatambudziko avo uye kupindura mibvunzo yavo. Zvakanaka zvakaguma zvaitika zvakavagutsa kuti vanogona kuvimba nemazano ari muBhaibheri. Saka newewo unogona kuzviita.
Mashoko akanyorwa kare kare anoti: “Munhu anowana uchenjeri ndiye anofara, nomunhu anowana ungwaru, nokuti kuva nahwo sepfuma kuri nani kupfuura kuva nesirivha sepfuma, uye kuva nahwo sezvibereko kuri nani kupfuura ndarama. Hunokosha kupfuura matombo ekorari, uye zvimwe zvose zvinokufadza hazvigoni kuenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzinofadza, uye migwagwa yahwo yose ndeyorugare. Ihwo muti woupenyu kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba vachanzi vanofara.”—Zvirevo 3:13-18.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
KUBATSIRWA KWAKAITWA MUSUNGWA NEBHAIBHERI
Mumwe murume anonzi Bill aiva akaroora achinakidzwa zvake nemba yake. Asi asati apedza gore aroora akaenda kujeri nemhosva yaakanga apara makore akanga adarika.
Agadzikana, Bill akasarudza kushandisa zvine pundutso nguva yakareba yaaizogara mujeri. “Ndaigara pamubhedha wangu ndichiverenga uye ndichidzidza Bhaibheri,” anodaro. Akashandisawo zvaakanga achidzidza. “Ndaiva nomutsa uye ndainzwisisana nevamwe vandaiva navo mujeri, uye vakaona kuti ndakanga ndisingadi kuita zvinhu zvakaipa zvavaiita. Vainditaura vachiti: ‘Bill anoda kushandisa nguva yake zvakasiyana nevamwe, kuti azive Mwari neBhaibheri. Haadi zvokunetsana nevanhu.’
“Nemhaka yomukurumbira wangu wakanaka, vamwe vasungwa havana kuda kundipinza munyaya dzavo dzokurwisana uye mune mimwe misikanzwa. Magadhijeri akasvikawo pakuona kuti ndakanga ndisingaanetsi. Akatoguma ava kundipa mabasa okuti nguva zhinji ndishande ndiri kure nevamwe vasungwa. Kuita zvinotaurwa neBhaibheri kwakandichengetedza zvikuru.”
Bill aipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha yaiitirwa mujeri imomo uye aishingaira kuudza vamwe nezvezvinhu zvaaidzidza. Achiri kupika akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Achifunga zvakanga zvaitika anoti: “Ndakanga ndatambisa makore anenge 50 oupenyu hwangu, saka ndakanga ndava kuda kurarama upenyu huri nani. Ndinonyatsoziva kuti kuita zvinodzidziswa neBhaibheri ndiko chete kunoita kuti musungwa ave noupenyu huri nani. Uye kudzidza neZvapupu zvaJehovha ndiko kunoita kuti munhu azive Bhaibheri zvakarurama. Sangano ravo ndiro chete rinodzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri. Hazvina kumbooma.”
Iye zvino Bill akabuda mujeri uye ari kushumira achishingaira mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha kuUnited States. Iye nomudzimai wake vari kuenderera mberi vachidzidza Shoko raMwari uye vachiita zvarinotaura. Vane chokwadi nezvinotaurwa pana Isaya 48:17, 18 zvokuti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.”
[Mufananidzo uri papeji 16]
Karen, U.S.A.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Angela, Romania
[Mufananidzo uri papeji 17]
Dhiraj, India
[Mufananidzo uri papeji 17]
Gabriel, India
[Mufananidzo uri papeji 17]
Philip nemhuri yake, South Africa
[Mufananidzo uri papeji 17]
Wade, Australia