RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October pp. 12-13
  • Madhimoni Ndivanaani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madhimoni Ndivanaani?
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Ngirozi Dzakatadza”
  • “Ari Kutsausa Nyika Yose Inogarwa”
  • Zvidzivirire Pamadhimoni
  • Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Simba raJesu Pamadhimoni
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinonzi Ngirozi Uye Dzinoita Basa Rei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 October pp. 12-13

Zvinotaura Bhaibheri

Madhimoni Ndivanaani?

ZVIPOKO, zvitokwani, zvidhoma, mashave, madhimoni, midzimu inonzi nevanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana iripo uye vanoiona seinobatsira, inokuvadza kana kuti zvose. Vamwe vanoti midzimu inongova nyaya yokutenda mashura kana kuti yokufungidzira. Bhaibheri rinotii?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Musiki pachake Mudzimu uye kuti zvisikwa zvake zvokutanga zvaiva midzimu kana kuti ngirozi. (Johani 4:24; VaHebheru 1:13, 14) Uyezve, Bhaibheri rinotaura nezvemidzimu yakaipa, dzimwe nguva richiiti madhimoni. (1 VaKorinde 10:20, 21; Jakobho 2:19) Asi haridzidzisi kuti Mwari ndiye akasika madhimoni. Saka madhimoni aya ndivanaani uye akavapo sei?

“Ngirozi Dzakatadza”

Mwari paakasika zvisikwa zvemudzimu, akazvipa rusununguko rwokusarudza zvokuita, zvakanaka kana zvakaipa. Chisingafadzi ndechokuti pashure pekunge vanhu vasikwa, ngirozi dzisina kutaurwa kuti dzakawanda sei dzakasarudza kuita zvakaipa nokupandukira Mwari.

Chisikwa chokutanga chomudzimu chakaipa chaizvo icho chakapanduka chakava Satani. Jesu Kristu akati: “Haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Chii chakaita kuti Satani apandukire Mwari? Akatanga kuchiva kunamatwa kunofanira kuitwa Musiki chete, uye akaita maererano nechido ichocho nokuzviita mwari iye pachake. Izvi zvakaita kuti azviite “Satani,” shoko rinoreva “mudzivisi.” Pashure pemazana emakore, Mafashamo emuzuva raNoa asati aitika, dzimwe ngirozi dzakabatana naSatani dzikasiya nzvimbo yadzo mudenga kuti dzive nemiviri yakaita seyevanhu kuti dzigare panyika. (Genesisi 6:1-4; Jakobho 1:13-15) Pakaitika Mafashamo, “ngirozi dzakatadza” dzaiva nemiviri yakaita seyevanhu dzakadzokera kudenga. (2 Petro 2:4; Genesisi 7:17-24) Nekufamba kwenguva, dzakazonzi madhimoni.—Dheuteronomio 32:17; Mako 1:34.

Ngirozi idzi dzisina kuteerera, dzakazozviwana dzava mumamiriro ezvinhu akanga akasiyana chaizvo neadzaimbova dzisati dzapanduka. Judha 6 inoti: “Ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera, [Mwari] akadzichengeta dzakasungwa nezvisungo zvisingagumi murima gobvu nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.” Ichokwadi kuti Mwari haana kubvumira madhimoni acho kuti avezve neropafadzo dzawo kudenga asi akaaisa “kumakomba erima guru,” okufananidzira, asisavhenekerwi pane zvokunamata.

“Ari Kutsausa Nyika Yose Inogarwa”

Kunyange zvazvo akadziviswa kuvazve nemiviri yakaita seyevanhu, madhimoni ane zvaanoita uye achine simba risingaiti paupenyu hwevanhu uye pamafungiro avo. Kutaura zvazviri, Satani nemapoka emadhimoni ake “ari kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9; 16:14) Sei? Ari kunyanya kushandisa “dzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Dzidziso idzi dzenhema, kakawanda dzine chokuita nechitendero, dzapofumadza pfungwa dzemamiriyoni evanhu kuti vasaziva chokwadi chine chokuita naMwari. (2 VaKorinde 4:4) Funga nezvemienzaniso inotevera.

● Dzidziso yokuti vakafa vachiri vapenyu. Achishandisa madzangaradzimu, manzwi, uye maitiro emanomano, madhimoni anonyengedza vanhu kuti vadavire kuti vapenyu vanokwanisa kutaura nevakafa. Uyezve, kunyengera uku kunoitwa nemanomano kunoita kuti vanhu vabvume nhema dzokuti mweya haufi kana munhu achinge afa. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, 6) Nokuti vanenge ‘vaburukira kurunyararo,’ havakwanisi kana kurumbidza Mwari.—Pisarema 115:17.a

● Kusava netsika. 1 Johani 5:19 inoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” Satani nemadhimoni ake vanoshandisa simba ravo kuti vasimudzire pfungwa isina kunaka yokuti vanhu vanofanira kufadza zvido zvakaipa zvemiviri yavo. Izvi vanozviita vachishandisa mapepanhau, maTV, maredhiyo, mabhuku, nedzimwewo nzira. (VaEfeso 2:1-3) Ndokusaka unzenza hwemarudzi ose, kusanganisira kuita zvepabonde nenzira inonyadzisa, zvisingazivani mazuva ano. Zvinhu zvakadai zvinotonzi hazvina kuipa asi zviya zvinotaurwa neBhaibheri zvinoonekwa sezvechinyakare uye sezvinoitwa nevanhu vakapusa.

● Kukurudzira kuita zvemidzimu. Muapostora Pauro akasangana nemumwe mushandikadzi akanga ane “dhimoni rokushopera,” uye “aiwanisa vanatenzi vake pfuma zhinji nokufembera.” (Mabasa 16:16) Achiziva kuti dhimoni ndiro raiita kuti mushandikadzi iyeye ave nesimba iroro, Pauro akaramba kumuteerera. Uyezve, akanga asingadi kutsamwisa Mwari, uyo anosemeswa nekuita zvemidzimu kunosanganisira kuongorora nyeredzi kuti uzive ramangwana uye kubvunza masvikiro.—Dheuteronomio 18:10-12.

Zvidzivirire Pamadhimoni

Ungazvidzivirira sei pamidzimu yakaipa? Bhaibheri rinopindura kuti: “Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.” (Jakobho 4:7) Tinoteerera murayiro iwoyo patinorarama maererano nedzidziso dziri muBhaibheri, bhuku rimwe chete dzvene rinonyatsofumura Satani, madhimoni, uye “manomano” avo. (VaEfeso 6:11; 2 VaKorinde 2:11) Bhaibheri rinotiudzawo kuti midzimu yakaipa, pamwe chete nevanhu vose vanoshora Mwari havazorambi varipo nokusingaperi. (VaRoma 16:20) Zvirevo 2:21 inoti, “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi.”

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mashoko echokwadi ane chokuita nemamiriro ezvinhu evakafa uye tariro yerumuko inotaurwa nezvayo muBhaibheri, tapota ona chitsauko 6 ne7 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Mwari ndiye akasika madhimoni here?—2 Petro 2:4.

● Unogona kutaura nevakafa here?—Muparidzi 9:5, 6.

● Ungazvidzivirira sei pamadhimoni?—Jakobho 4:7.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Madhimoni anoedza kutsausa vanhu nenzira dzakawanda

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe