Vechiduku Vanobvunza Kuti
Nyaya Yokukurukura Nevanhu Vakawanda paIndaneti Yakamira Sei?—Chikamu 2
Ronga zviri pasi apa uchitanga nechinonyanya kukosha kwauri.
․․․․․ zvakavanzika zvangu
․․․․․ nguva yangu
․․․․․ mukurumbira wangu
․․․․․ shamwari dzangu
NDECHIPI chawaisa pokutanga, chaunofunga kuti chinonyanya kukosha kwauri? Kana uri pasocial network, zvinhu izvi zviri zvina zvinogona kukanganisika.
Unofanira kuva pasocial network here? Kana uchigara nevabereki vako, ivo ndivo vanofanira kusarudza.a (Zvirevo 6:20) Kungofanana nezvimwe zvinoitwa paIndaneti, social network ine zvayakanakira uye zvayakaipira. Kana vabereki vako vasingadi kuti uve pasocial network, teerera zvavari kutaura kwete kuita nharo.——VaEfeso 6:1.
Asiwo kana vabereki vako vachikubvumira kuva pasocial network, zvii zvaungaita kuti udzivise njodzi? Nyaya iri mumagazini ino papeji 16 inokurukura zvinhu zviviri zvinofanira kufungwa nezvazvo. Chimwe chacho inguva yako uye zvakavanzika zvako. Munyaya ino tichakurukura nezvemukurumbira wako uye shamwari dzako.
MUKURUMBIRA WAKO
Kuti mukurumbira wako usashatiswa haufaniri kuita zvinhu zvingaita kuti vamwe vanhu vafunge zvakaipa nezvako. Somuenzaniso, ngatitii watenga motokari yako itsva isati yamboshanda uye isina kana kumarwa kana kubofoka. Haungadi here kuti irambe yakanaka kudaro? Waizonzwa sei kana ukaita tsaona motokari yako yobva yaparara nemhaka yokuti wanga usiri kutyaira zvakanaka?
Kana uri pasocial network ndizvowo zvinogona kuitika kumukurumbira wako. Mumwe musikana anonzi Cara akati: “Zvinhu zvaunoisa paIndaneti zvaungafunga kuti chinhu chidiki zvakadai semashoko kana pikicha, zvinogona kushatisa mukurumbira wako.” Somuenzaniso, imbofunga kuti mukurumbira wako ungashatiswa sei ne . . .
● Mapikicha Ako. Muapostora Petro akanyora kuti: “Nguva dzose vamwe ngavakuonei muchizvibata zvakanaka.” (1 Petro 2:12, Contemporary English Version) Kana wakamboona mapikicha papeji resocial network zvii zvawakacherechedza?
“Pane imwe nguva munhu wandairemekedza ndakamuona papikicha achiratidzika seakadhakwa.”—Ana, 19.
“Ndinoziva nezvevamwe vasikana vane mapikicha avanotorwa vasina kupfeka zvakanaka. Paunozovaona chiso nechiso unoshamisika kuti ndiye here munhu uya.”—Cara, 19.
Unofungei nezvemunhu ane pikicha iri pasocial network (1) anenge asina kupfeka zvakanaka (2) anoita seakadhakwa?
1 ․․․․․
2 ․․․․․
● Zvaunonyora. “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu,” inodaro VaEfeso 4:29. Vamwe vakaona kuti pakutaurirana uchishandisa social network zviri nyore kushandisa mashoko akashata, kuita makuhwa, kana kuti kutaura nyaya dzinonyadzisira.
“Vanhu vanonzwa vakasununguka kutaura zvavanoda pasocial network. Mashoko akaipa haaiti kutaura asi kuita zvokuanyora hazvina basa. Ungasava hako uri kutaura mashoko okutuka, asi mashoko ako anogona kuratidza kutamba nerudo, kutaura zvinorovesa hana kana mashoko anonyadzisa.”—Danielle, 19.
Unofunga kuti nemhaka yei vanhu vakawanda vachiona zviri nyore kuita zvavanoda pakombiyuta?
․․․․․
Asi mapikicha nemashoko aunonyora ane basa here? Hongu! “Ndonyaya iyoyo kuchikoro,” anodaro mumwe musikana ane makore 19 anonzi Jane. “Takakurukura zvinoitwa nemunhu anenge achida kukupinza basa kuti anotarisa zviri papeji rako resocial network kuti aone kuti uri munhu akaita sei.”
Mubhuku rinonzi Facebook for Parents, Dr. B. J. Fogg anoti ndizvo zvaanoita kana achida kupinza munhu basa. Anoti: “Pakuongorora munhu akakodzera basa ndinotoona kuti ndaita izvi. Kana ndikakwanisa kuwana peji inotaura zvakaita munhu wandiri kuda kupinza basa, ndobva ndaona zvinhu zvisina musoro ipapo, ndinobva ndatoona kuti haasi munhu wokupinza basa. Ndinodaro nemhaka yokuti ndinoda kushanda nevanhu kwavo.”
Kana uri muKristu pane zvimwe zvakawanda zvinokosha zvokutofunga nezvazvo. Zvimwe zvacho ndezvokuti, zvandinonyora kana mapikicha andinoisa zvinoita kuti vandinonamata navo kana vamwewo vanhu vafungei nezvangu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Hatimbopi chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka.”—2 VaKorinde 6:3; 1 Petro 3:16.
Zvaungaita
Kana vabereki vako vachikubvumidza kuti uve pasocial network, tarisa mapikicha ari papeji rako wozvibvunza kuti: ‘Mapikicha aya anoratidza kuti ndiri munhu akaita sei? Ndizvo here zvandinoda kuti vandizive kuti ndozvandiri? Ndinoshaya pokupinda here kana vabereki vangu, vakuru veungano yechiKristu kana kuti wandinoshandira akaona mapikicha aya?’ Kana mhinduro yako pamubvunzo wokupedzisira uyu iri hungu, gadzirisa zvinhu. Ndizvo zvakaitwa nemumwe ane makore 21 anonzi Kate. Anoti: “Mumwe mukuru muungano yechiKristu akaona peji rangu resocial network achibva ataura neni nezvepikicha yangu yaivapo, uye ndakamutenda chaizvo. Ndakaziva kuti aida kuti mukurumbira wangu usashatiswa.”
Uyewo, imboongorora mashoko awakatumira neawakatumirwa ari papeji rako. Usafarira “kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa.” (VaEfeso 5:3, 4) “Dzimwe nguva vamwe vanotumira mashoko akashata kana kutaura nechibhende,” anodaro Jane ane makore 19. “Kunyange zvazvo usiri iwe wazvitaura zvichangoita kuti ushorwe nokuti zvawanikwa papeji rako.”
Kana iri nyaya yokuisa mapikicha nekunyora mashoko, unofunga kuti zvii zvaungaita kuti usashatisa mukurumbira wako?
․․․․․
SHAMWARI DZAKO
Kana uine motokari itsva isati yambofamba, waizongokwidza munhu wose wose here? Kana vabereki vako vachikubvumidza kuva pasocial network, uchafanira kuita chisarudzo chokuti ndivanaani vauchashamwaridzana navo. Vanhu vakaita sei vauchasarudza kushamwaridzana navo?
“Vamwe vanhu vanofunga kuti kuita shamwari gumi nefararira ndiko kugona. Vanogona kushamwaridzana nevamwe vanhu vavasingazivi.”—Nayisha, 16.
“Kana uri pasocial network unokwanisa kubatana nevanhu vawakapedzisira kuona kare. Asi dzimwe nguva zvingori nani kusiyana nevanhu ivavo.”—Ellen, 25.
Zvaungaita
Zvimwe zvokuita: Ongorora uye gadzirisa. Ongorora kuti shamwari dzako ndivanaani uye kana pane paunoona kuti panoda kugadziriswa gadzirisa. Zvibvunze kuti:
1. ‘Munhu uyu akambonyatsomira sei kana asiri paIndaneti?’
2. ‘Munhu uyu anoisa mapikicha nemashoko akaita sei paIndaneti?’
3. ‘Munhu uyu anoita kuti ndive munhu kwaye here?’
“Mwedzi nomwedzi ndinowanzoongorora kuti vanhu vandiri kushamwaridzana navo vanhu vakaita sei. Kana pane mumwe munhu wandinonzwa ndisina kusununguka naye kana kuti wandisinganyatsoziva ndinobva ndamubvisa pakuva shamwari yangu.”—Ivana, 17.
Zvimwe zvokuita: Ziva kuti vanhu vorudzii vaunoshamwaridzana navo. Ziva zvaunoda nezvausingadi pakusarudza shamwari semaitiro awaizongoita dai waizoonana nemunhu iyeye chiso nechiso. (1 VaKorinde 15:33) Somuenzaniso, mumwe musikana anonzi Leanne anoti: “Mutemo wangu ndeuyu: Kana ndisingakuzivi handikusarudzi kuva shamwari yangu. Kana ndikaona chimwe chinhu papeji rako reIndaneti chinoita kuti ndisafara nezvako, ndinobva ndakubvisa pachikwata cheshamwari dzangu uye handimbokusarudzi zvekare.” Ndizvo zvakaitwawo nevamwe.
“Handingoshamwaridzani nemunhu wose-wose. Zvine ngozi.”—Erin, 21.
“Shamwari dzangu dzekare dzokuchikoro dzinondikumbira kushamwaridzana nadzo. Pandaiva kuchikoro ndakanga ndisingadi kushamwaridzana nevanhu ivavo, saka handioni chikonzero chokuda kushamwaridzana navo iye zvino.”—Alex, 21.
Pazasi apa nyora kuti mitemo ipi yaunoisa pakusarudza vokushamwaridzana navo.
․․․․․
Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa panzvimbo yokubudisira mashoko inonzi www.watchtower.org/ype
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! haikurudziri kana kushora chero nzvimbo dzokukurukurirana paIndaneti. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti kushandisa kwavanoita Indaneti hakupesani nezvinotaurwa neBhaibheri.—1 Timoti 1:5, 19.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kana ukanzi sarudza mukurumbira wakanaka nepfuma zhinji, sarudza mukurumbira wakanaka.”—Zvirevo 22:1, Today’s English Version
[Bhokisi riri papeji 22]
WADII KUBVUNZA VABEREKI VAKO?
Dzokorora nevabereki vako nyaya idzi mbiri dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dziri muMukai! ino. Kurukurai kuti mashandisiro aunoita Indaneti akamira sei panyaya ye(1) zvakavanzika zvako, (2) nguva yako, (3) mukurumbira wako, uye (4) shamwari dzako.
[Bhokisi riri papeji 23]
MASHOKO KUVABEREKI
Vana venyu vanogona kunge vachiziva zvakawanda nezveIndaneti kukupfuurai. Asi havakwanisi kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa sezvamunoita. (Zvirevo 1:4; 2:1-6) Ndizvo chaizvo zvakataurwa neimwe nyanzvi inonzi Parry Aftab inobatsira vanhu kuti vangwarire pavanoshandisa Indaneti, paakati: “Vechiduku vanoziva zvakawanda nezvezvigadzirwa zvemazuva ano. Vabereki vanoziva zvakawanda nezveupenyu.”
Mumakore achangopfuura, vazhinji vakatanga kuva pasocial network. Mwana wenyu ari kuyaruka munhu ava kunzwisisa here zvokuti anokwanisa kuishandisa? Ndimi mune basa rokusarudza. Sezvakangoita kutyaira motokari, kuva neakaundi mubhangi, kana kuti kutenga nechikwereti, social network ine zvayakaipira. Ndezvipi zvimwe zvacho?
ZVAKAVANZIKA ZVAKO. Vechiduku vakawanda havazivi zvakaipira kuisa mashoko akawandisa paIndaneti. Kuisa mashoko anoratidza kwavanogara, chikoro chavanopinda, kana kuti nguva yavanenge vari pamba neyavanenge vasiri pamba zvinogona kupinza mhuri yenyu pangozi.
Zvamunogona kuita. Vana venyu pavaiva vaduku, maivadzidzisa kuti vatange vatarisa mativi ose vasati vadarika mugwagwa. Iye zvino vakura, vadzidzisei kuti vangwarire pamashandisiro avanoita Indaneti. Verengai imwe nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” iri muMukai! ino inotaura pamusoro pezvakavanzika zvemunhu. Onaiwo Awake! yaOctober 2008, mapeji 3-9. Zvadaro mokurukura nyaya yacho nemwana wenyu ari kuyaruka. Edzai chaizvo kuroverera maari “uchenjeri hunobatsira nemano okufunga” kuti angwarire pakushandisa Indaneti.—Zvirevo 3:21.
NGUVA. Social network inogona kukupinda muropa. Rick ane makore 23 anoti: “Pashure pemazuva mashoma ndatanga kuva pasocial network, ndaipedza maawa akawanda ndichingotarira mifananidzo nemashoko zvaivapo.”
Zvamunogona kuita. Verengai mokurukura pamwe chete nevana venyu nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?” yaiva muMukai! yaApril-June 2011. Cherechedzai bhokisi rakanzi “Ndaiva Ndakapindwa Muropa neIndaneti,” riri papeji 28. Batsirai mwana wenyu ari kuyaruka kuti ave ne“tsika dzine mwero” uye azvidzore panguva yaanopedza ari paIndaneti. (1 Timoti 3:2) Muudzei kuti munhu anogona kurarama achikurukura nevamwe asingashandisi Indaneti!
MUKURUMIBIRA WAKO. “Mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here,” chinodaro chimwe chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 20:11, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Ndizvo chaizvo zvinoitika paIndaneti! Uyezve, sezvo social network iri nzvimbo inoshandiswa nemunhu wese, zvinoiswa nevana ipapo zvinogona kukanganisa mukurumbira wavo newemhuri yavo.
Zvamunogona kuita. Vari kuyaruka vanofanira kuziva kuti zvavanoisa paIndaneti zvinoratidza kuti vanhu vorudzii. Vanofanirawo kunzwisisa kuti zvavanoisa paIndaneti zvichagara zviripo. Dr. Gwenn Schurgin O’Keeffe akanyora mubhuku rinonzi CyberSafe kuti: “Vechiduku vangatadza kunzwisisa kuti zvavanoisa paIndaneti zvichagara zviripo asi zvinokosha kuti vazvizive. Imwe nzira yekuudza vechiduku zvavanofanira kuita pavanenge vachishandisa Indaneti ndeyekuvayeuchidza kuti zvavasingakwanisi kuudza vanhu vasiri paIndaneti havafaniri kuzvibudisa kana pava paIndaneti.”
KUSHAMWARIDZANA. Tanya ane makore 23 anoti: “Vazhinji vari pazera rokuyaruka vanoda kuzivikanwa, saka vanongoda kushamwaridzana nevanhu vose vavasingazivi kana kuti nevasina tsika dzakanaka.”
Zvamunogona kuita. Batsirai mwana wenyu kuti azive kuti angashamwaridzana nevanhu vakaita sei. Somuenzaniso, Alicia ane makore 22 haati nhingi nanhingi zvavari shamwari dzeshamwari yangu saka ndotoshamwaridzana navo. Anoti, “Kunyange kana uchitamba neshamwari dzangu, asi kana ndisati ndambokuona uye ndisingakuzivi handishamwaridzani newe.”
Tim naJulia vakavhura akaundi pasocial network, izvo zvinogona kuvabatsira kuona kuti ndivanaani vanoshamwaridzana nemwanasikana wavo uye kuti zvii zvaanoisa paIndaneti. Julia anoti: “Takamuudza kuti atisarudzewo pachikwata cheshamwari dzake. Vanhu vaanoshamwaridzana navo paIndaneti zvakangofanana nokuvakoka kuti vatandare nesu pamba pedu. Tinoda kuziva kuti vanhu vakaita sei.”
[Mufananidzo uri papeji 21]
Mukurumbira wako unogona kushatiswa kana ukaisa mashoko kana mapikicha zvisina unhu paIndaneti, sezvinongoitika kana ukatadza kutyaira motokari zvakanaka
[Mufananidzo uri papeji 22]
Ungakwidza munhu wose wose motokari nokuti ari kuda kutakurwa here? Saka ungabvumirei kushamwaridzana nemunhu wose wose anoti anoda kuva shamwari yako paIndaneti?