RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July pp. 7-9
  • Kubudirira Kuri Kuita Dzimwe Mhuri Dzokurera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubudirira Kuri Kuita Dzimwe Mhuri Dzokurera
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoita Kuti Upenyu Hwedu Huve Nechinangwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kudyidzana Kwamungaita Nevamwe Kana Muri Mumhuri Yokurera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Makore Ane Zana Okukura Uye Ndichakasimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Matambudziko Anowanikwa Mumhuri Dzokurera
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July pp. 7-9

Kubudirira Kuri Kuita Dzimwe Mhuri Dzokurera

TAVA KUPINDIRANA

Elise ane makore 20 mwanasikana waPhilip uye mwana anoshanda nesimba pakuita mabasa epamba. Philip akazoroorazve mumwe mukadzi anonzi Louise. Saka mubvunzo ndewokuti mainini ava nemwanasikana uyu zvichapindirana here?

Mainini: Mazuva okutanga zvaimbonetsa. Ndiri munhu anonakidzwa nekuswera ndiri pamba uye ndaida kuti zvinyatsooneka kuti ndini amai vemba.

Mwanasikana: Mainini pavakasvika vakatanga kuchinja zvinhu mumba vachirasa zvimwe. Mumwe musi ndakatsvairawo mumba asi ndokubva ndarongedza zvinhu pasipo, sezvo ndakanga ndisingachazivi kuti ichi chinogara pai. Izvi zvakagumbura mainini zvokuti takanga tava kukandana makobvu nematete, uye vhiki rose rakapera ndisingataudzani navo.

Mainini: Rimwe zuva ndakaudza Elise kuti, “Handizivi kuti tichasvitsana kupi asi zvokuramba tichinetsana seizvi ini handichazvigoni.” Akazouya kwandiri gare gare manheru emusi iwoyo achikumbira ruregerero. Ndakamumbundira, tose tikachema.

Mwanasikana: Mainini havana kubvisa mapikicha angu aiva pamadziro, uyewo baba vakasiya mhando yemagirobhu andakanga ndaisa muimba yokutandarira. Zvinhu izvi zvinoita sezvisina basa, asi kuzvisiya kwavakaita kwakandibatsira kuti ndione kuti ndichiri kukosha pamba pedu. Ndinofara nezvinoitwa namainini pakutarisira hanzvadzi yangu painenge yambotishanyira. Patova nemakore maviri, uye ndava kutanga kuona mainini vangu semunhu anokosha mumhuri medu.

Mainini: Iye zvino ndava kuona kuti naElise tava kupindirana uye tava shamwari neshamwari.

“KUBATANA NDIKO KUNONYANYA KUKOSHA”

Anton naMarelize pavakaroorana makore matanhatu akapfuura, mumwe nomumwe akanga aine vana vatatu.

Anton: Semhuri tinomboshanyira nzvimbo dzinoyevedza uye tinopedza nguva tiine mwana mumwe nomumwe. Zvakatitorera makore kuti tinyatsonzwa kuti tava mhuri, asi nyaya dzakawanda dzemhuri yedu dzagadzirisika.

Marelize: Takaona zvakanaka kuti tishandise mashoko okuti “vana vedu” panzvimbo pokuti “vana vako” kana kuti “vana vangu.” Ndinoyeuka rimwe zuva ndichitsamwa chaizvo pandakaona sokuti murume wangu akanga aranga mwanakomana wangu zvisina kunaka achibva agarisa mwanasikana wake nechemberi mumotokari. Ndakazodzidza kuti chinonyanya kukosha kubatana kwete kugara kumberi mumotokari. Chokwadi chiripo ndechokuti hatikwanisi kuitira vose zvakafanana asi tinoedza kuvabata zvakanaka.

Ndinodzivisa kutaura zvinhu zvaitinakidza mumhuri yataimbova kare, sezvo zvichizoita kuti vamwe vaone sokuti zviri kuitwa mumhuri itsva iyi hazvisi kunakidza. Saka ndinoratidza kuti ndinofara nezvatiri.

“KUTANGA NOKURUMBIDZA KWAKAKOSHA”

Francis naCecelia vava nemakore mana varoorana. Cecelia akauya nevana vatatu uye Francis nemwana mumwe chete.

Francis: Ndinoedza kuva munhu anotaurika naye uye ndinodzivisa kukurumidza kugumbuka. Kakawanda tinodya tiri pamwe chete uye tinoshandisa nguva iyi kuti tikurukure semhuri. Ndinokurudzirawo mhuri yangu kuti iitewo mabasa epamba sezvo izvi zvichibatsira mhuri yose.

Cecelia: Ndinopedza nguva yakawanda ndiine mwana mumwe nomumwe ndichinzwa zvavanofunga uye zviri kuvanetsa. Patinokurukura semhuri, tinoedza kutanga nokuvarumbidza pane zvakanaka zvavanenge vaita uye tozotaura zvingada kugadziriswa. Uyewo kana ndiri ini ndakanganisa, ndinobuda pachena ndobva ndakumbira ruregerero.

KURERWA NEVABEREKI VOKURERA

Yuki, ane makore 20, akapedzisira kuonana nababa vake achine makore mashanu. Amai vake vakazoroorwa nemumwe murume anonzi Tomonori, asi vakazofa Yuki paakanga ava nemakore gumi. Makore mashanu akazotevera, baba vake vokurera vakazoroorazve mumwe mukadzi anonzi Mihoko, saka Yuki akanga ava nevabereki vaviri vokurera.

Yuki: Baba vangu vokurera pavakasarudza kuroorazve, ndaiti, “Mumwezve mubereki wokurera, ini handichadi. Zvachinja muupenyu hwangu zvakwana.” Ndakatadza kuzvigamuchira kuti mainini vava kugara nesu uye ndaisada zvokutaura navo.

Mihoko: Murume wangu haana kundimanikidza kuti ndide mwana wake wokurera, asi ini pachangu ndakaedza kuti ndive neushamwari naYuki. Takatsigira purogiramu yaakanga agara achiita yaisanganisira zvinhu zvokunamata, kutandara uye kubika zvokudya zvaaifarira tobva tazova nenguva yokukurukura tapedza kudya. Kubvira zvandataura naye nezverufu rwaamai vake iye zvino ndava kumunzwisisa.

Pandaiva nepamuviri, tainetseka kuti Yuki achanzwa sei uye taida kuti anzwe kuti haana kutorerwa nzvimbo yake mumhuri. Taiita kuti Yuki ape mwana zvokudya, amugezese nokumuchinja manapukeni, uye tinomurumbidza nekutibatsira kwaanoita vamwe vachinzwa. Kamwana kedu kanonzi Itsuki kanowirirana naYuki. Asati ava kukwanisa kuti “mhamha” kana kuti “baba” anga ava kutokwanisa kuti niinii, izvo zvinoreva kuti mukoma.

Yuki: Semwana wokurerwa, zviri muropa kuti unzwe wasurukirwa uye kuzviona sekuti haukosheswi. Ungaedza kuzvitsanangurira vamwe asi havambozvinzwisisi. Asi chinondifadza ndechokuti vaKristu vandinonamata navo vanonditsigira. Iye zvino ndava kunyatsovimba namainini vangu, kutyira zvinhu kwandaiita kwakapera. Vanondipa mazano, uye ndakasununguka kunyatsotaura navo zviri pasi pemwoyo wangu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

Iva nemwoyo murefu! Mhuri dzokurera dzinogona kufara uye kubudirira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe