Zvii Zvawaizogadzirisa?
Chii chinonyanya kukurwadza pazvinhu zvinoitika panyika?
NZARA
UROMBO
ZVIRWERE
KUPARWA KWEMHOSVA
KUSARURAMISIRA
HONDO
KUSVIBISWA KWENYIKA
KUFUNGIRA VAMWE ZVAKAIPA
Chii chaunonyanya kuda kuona chichiitika pazvinhu izvi?
RUNYARARO PAKATI PENYIKA DZAKASIYANA-SIYANA
KURAPWA KWAKANAKA UYE KUSINGADHURI
KUSAVA NERUSARURO
ZVOKUDYA ZVAKAWANDA UYE MVURA YOKUNWA YAKAKWANA
NZVIMBO DZISINGATYISI KUGARA
NZVIMBO DZAKACHENA
KURURAMISIRWA KWEVANHU VOSE
Unofunga kuti zvinhu izvozvo zvaunotarisira zvichaitika here? Vamwe vanofunga kuti izvi zvinogona kuitika kana pakava nehurumende yakanaka. Vatongi venyika vanogona kugadzirisa zvinhu panyika here? Zviri kuitika zvinoratidzei?