RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 41
  • Nyoka Yendarira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyoka Yendarira
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Gwenzi Raipfuta Moto
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • ‘Uchachera Mhangura Mumakomo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Gwenzi riri kubvira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 41
VaIsraeri varumwa nenyoka, uye vakatarisa nyoka iri mudenga yemhangura yaiswa naMozisi

NHAU 41

Nyoka Yendarira

KO IYO inoratidzika senyoka chaiyo yakamonera danda here? Kwete. Nyoka yacho yakaitwa nendarira. Jehovha akaudza Mosesi kuiturika padanda kuti vanhu vagoitarira ndokuramba vari vapenyu. Asi dzimwe dziri pasi inyoka chaidzo. Dzaruma vanhu ndokuvarwarisa. Ko unoziva kuti nei here?

Nemhaka yokuti vaIsraeri vapopotera Mwari naMosesi. Vanonyunyuta kuti: ‘Makatibudisireiko muEgipita kuti tifire murenje rino? Hamuna zvokudya kana mvura. Tafinhwa nokudya iyi mana.

Asi mana izvokudya zvakanaka. Jehovha akaipa kwavari nenenji. Nenenjiwo akavapa mvura. Asi vanhu havazi kuonga matarisirirwe avaitwa naMwari. Saka Jehovha anotuma idzi nyoka dzinouturu kuzoranga vaIsraeri. Nyoka dzinovaruma, uye vazhinji vavo vanofa.

Pakupedzisira vanhu vanosvika Mosesi ndokuti: ‘Tatadza, nokuti tapopotera Jehovha nemi. Zvino nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise idzi nyoka.’

Mozisi nenyoka yemhangura

Mosesi anonyengeterera vanhu. Jehovha anoudza Mosesi kuita iyi nyoka yendarira. Anomuudza kuti iturikwe padanda, uye kuti ani nani anorumwa anofanira kuitarira. Mosesi anoita chaizvo zvataurwa naMwari. Zvino vanhu vairumwa vaitarira nyoka yendariro ndokunayazve.

Pane chifundo chokufunda makuri. Isu tose, nenzira yakati kuti, takafanana navaIsraeri ivavo vairumwa nenyokadzo. Tiri mumugariro wokufa. Tarisa kwose, uchaona kuti vanhu vanokwegura, vanorwara, vanofa. Imhaka yokuti munhu nomukadzi vokutanga, Adhama naEvha, vakatsauka kuna Jehovha, uye isu tose tiri vana vavo. Asi Jehovha akaita mutoo wokuti tigorarama nokusingaperi.

Jehovha akatuma Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kupasi. Jesu akaturikwa padanda, nokuti vanhu vazhinji vaifunga kuti akaipa. Asi Jehovha akapa Jesu kutiponesa. Kana tikamutarira, tikamutevera, ipapo tingawana upenyu husingaperi. Asi tichadzidza zvimwe pamsoro paikoku gare gare.

Numeri 21:4-9; Johane 3:14, 15.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe