Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
“MUNHU ARI OSE anodana pazita raJehovha achaponeswa.” (VaRoma 10:13) Naaya mashoko muapostora Pauro akasimbisa kuti kwakakosha sei kwatiri kuziva zita raMwari. Kutaura kwake kunotidzorera shure kumubvunzo wedu wapakuvamba, wokuti: Neiko Jesu akaisa ‘kutsveneswa,’ kana kuti ‘kuereswa,’ kwezita raMwari pakuvamba poMunyengetero wake woMuenzaniso, pamberi pezvimwe zvinhu zvizhinji zvinokosha zvikuru? Kunzwisisa izvozvi, tinoda kunzwisisa zviri nani zvikuru revo dzamashoko maviri makuru.
Kutanga, ko shoko rokuti ‘kutsvenesa,’ kana kuti ‘kuereswa,’ rinorevei zvomenemene? Chaizvoizvo rinoreva, kuti: “kuita kuti rive dzvene.” Asika zita raMwari harisati richitova dzvene here? Chokwadi rakadaro. Patinotsvenesa zita raMwari, hatizati tichiriita kuti rive dzvene kupfuura zvariri. Panzvimbo pezvi tinoriziva sedzvene, rakatsaurwa, tinoriremekedza zvikurusa. Patinonyengeterera zita raMwari kuva rinotsveneswa, tiri kukarira nguva apo chisiko chose chichariremekedza sedzvene.
Chechipiri, chaizvoizvo chii chinorehwa neshoko rokuti “zita”? Taona kuti Mwari ane zita, Jehovha, uye kuti zita rake rinowanika kane zviuru muBhaibheri. Takurukurawo, ukoshi hwokudzorera zita irero kunzvimbo yaro yakarurama murugwaro rweBhaibheri. Kana zitaro risimo, mashoko owezvamapisarema angagona sei kuzadzika: “Avo vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi zvamazvirokwazvo hamuzosiyi avo vanokutsvakai, Haiwa Jehovha.”—Pisarema 9:10.
Asika ‘kuziva zita raMwari’ kunobatanidza bedzi bedzi kuziva kwoungwaru kuti zita raMwari riri muchiHebheru ndiYHWH here, kana kuti muchiShona, Jehovha? Nyangwe, kunoreva zvinopfuura izvozvo. Apo Mosesi akanga ari muGomo reSinai, “Jehovha akaburuka ari mugore iye amene ndokumirapo na[Mosesi] ipapo achizivisa zita raJehovha.” Ko uku kuziviswa kwezita raJehovha kwakabatanidzei? Kurondedzerwa kwamavara ake: “Jehovha, Jehovha, Mwari une ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye ane tsitsi dzorudo huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:5, 6) Zvakare, chinguvana pamberi pokufa kwake, Mosesi akati kuna vaIsraeri: “Ini ndichazivisa zita raJehovha.” Chii chakatevera? Kududzwa kwamamwe amavara Ake akaisvonaka, uye tevere kuhwirudzurwa kweizvo Mwari akanga aita kuna Israeri nokuda kwezita Rake. (Dheuteronomio 32:3-43) Nokudaro, kuziva zita raMwari kunoreva kuziva chinomirirwa nezita irero ndokunamata Mwari ari muridzi waro.
Jehovha zvaakabatanidza zita rake namavara ake, madonzo nezviito, tinogona kuona chikonzero nei Bhaibheri richiti zita raMwari idzvene. (Revhitiko 22:32) Iro rakaisvonaka, iguru, rinotyisa uye rakakurumbira zvikurusa. (Pisarema 8:1; 99:3; 148:13) Hungu, zita raMwari rinopfuura chiratidzirowo zvacho. Rinomumirira somunhu. Rakanga risati richingovawo zvaro zita rechinguvana raizoshandiswa kwenguva yakati kuti dzokonokei rotsiviwa nechiratidzo chakadai sokuti “Ishe.” Jehovha iye amene akati kuna Mosesi: “‘Jehovha . . . ’ Iri ndiro zita rangu kusvikira kunguva isingazivikanwi, uye ichi ndicho chirangaridzo changu kusvikira kuchizvarwa nechizvarwa.”—Eksodho 3:15.
Achiedza sezvaangagona, munhu haazati achizotongobvisa zita raMwari papasi. “‘Kubvira pakubuda kwezuva kunyange kusvikira kukuvira kwaro zita rangu richava guru pakati pamarudzi, uye munzvimbo iri yose zvinonhuhwira zvechibairo zvichaitwa, chipiriso chichaitirwa zita rangu, kunyange chipo chakachena; nokuti zita rangu richava guru pakati pamarudzi,’ Jehovha wamauto akataura kudaro.”—Maraki 1:11; Eksodho 9:16; Ezekieri 36:23.
Nokudaro, kutsveneswa kwezita raMwari kunoisvokosha zvikuru kwazvo kupinda chimwe chirevo chipi nechipi. Madonzo ose aMwari akabatanidzwa nezita rake. Zvinetso zvavanhu zvakavamba apo Satani akatanga kuzvidza zita raJehovha kupfurikidza nokuidza Iye, chokwadika, murevi wenhema uye asina kukodzera kubata ushe rudzi rwavanhu. (Genesi 3:1-6; Johane 8:44) Apo bedzi zita raMwari rinorevererwa zvakafanira vanhu vachafarikanya sununguko izere kubva pamiuyo yengwavaira yokureva nhema kwaSatani. Ndokusaka maKristu achinyengetera zvikuru kwazvo nokuda kwokutsveneswa kwezita raMwari. Asika pane zvinhu zvaanogona kuitawo, kuritsvenesa.
Tingagona Sei Kutsvenesa Zita raMwari?
Imwe nzira ndeyokutaura kuna vamwe pamsoro paJehovha nokuratidzira Umambo hwake hunodzorwa naKristu Jesu setariro bedzi yavanhu. (Zvakazarurwa 12:10) Vazhinji vari kuita izvi, mukuzadzika kwazvino uno kwamashoko aya echiporofita chaIsaya: “Muzuva irero zvamazvirokwazvo muchati: ‘Ongai Jehovha, imi vanhu! Danai pazita rake. Zivisai pakati pamarudzi kubata kwake. Dudzai kuti zita rake rinoiswa pamsoro. Imbirai nziyo Jehovha, nokuti wakaita nomutoo unopfuurisa. Ikoku kunoziviswa mupasi rose.’”—Isaya 12:4, 5.
Imwe nzira ndeyokuteerera mitemo yake nemirairo. Jehovha akaudza rudzi rwaIsraeri, kuti: “Imi munofanira kuchengeta mirairo yangu nokuiita. Ndini Jehovha. Uye imi hamuzati muchifanira kuzvidza zita rangu dzvene, uye ini ndinofanira kutsveneswa pakati pavanakomana vaIsraeri. Ndini Jehovha anokutsvenesai.—Revhitiko 22:31, 32.
Ko kuchengeta kwavaIsraeri mutemo waJehovha kwakatsvenesa sei zita rake? Mutemo wakapiwa kuna vaIsraeri nokuda kwechikonzero chezita rake. (Eksodho 20:2-17) Nokuda kwechikonzero ichecho, apo ivo vaichengeta Mutemo, vairatidzira rukudzo rwakafanira noruremekedzo nokuda kwezita irero. Kupfuurirazve, zita raJehovha rakanga riri pavaIsraeri sorudzi. (Dheuteronomio 28:10; 2 Makoronike 7:14) Apo ivo vakaita nomutoo wakafanira, ikoku kwaivigira rumbidzo kwaari, somwana anoita zvinhu nomutoo wakafanira anovigira rukudzo kuna baba vake.
Namamwe mashoko, apo vaIsraeri vakakundikana kuchengeta Mutemo waMwari, vaizvidza zita rake. Nokuda kwechikonzero ichocho, zvivi zvakadai sokupira zvibairo kuzvidhori, kupika pakureva nhema, kudzvinyirira varombo nokuita ufeve zvinorondedzerwa muBhaibheri so‘kuzvidza zita raMwari.’—Revhitiko 18:21; 19:12; Jeremia 34:16; Ezekieri 43:7.
Nenzira yakafanana, maKristu ave achipiwa mirairo muzita raMwari. (Johane 8:28) Uye ivowo, vakabatana no‘rudzi rwezita raJehovha.’ (Mabasa 15:14) Nokuda kweichi chikonzero, muKristu anonyengetera zvapachokwadi kuti, “Zita renyu ngaritsveneswe” anotsvenesa zita iroro muupenyu hwake amene kupfurikidza nokuteerera mirairo yose yaMwari. (1 Johane 5:3) Ikoku kwaizobatanidzawo kuteerera mirairo yakapiwa noMwanakomana waMwari, Jesu, uyo aigarokudza Baba vake.—Johane 13:31, 34; Mateo 24:14; 28:19, 20.
Usiku pamberi pokuuraiwa kwake, Jesu akasimbisa kukosha kwezita raMwari kuna maKristu. Pashure pokutaura kuna Baba vake, kuti: “Ini ndazivisa zita renyu kwavari uye ndicharizivisa,” iye anopfuurira kutsanangura kuti, “nokuda kwokuti rudo rwamakandida narwo rwugova mavari neni muhumwe navo.” (Johane 17:26) Kudzidza kwamaKristu zita raMwari kwakabatanidza kusvika kwao amene pakuziva rudo rwaMwari. Jesu akanga akuita kuti kuvabvirire kuva anorovedzana naMwari saBaba vavo anorudo.—Johane 17:3.
Matapurire Akunokuita
Pamusangano womuzana rokutanga ramakore wavaapostora vechiKristu navarume vakuru muJerusarema, mudzidzi Jakobho akati: “Simioni akasanorondedzera kwazvo kuti Mwari kwenguva yokutanga akatendeudzira sei ngwariro yake kumarudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” Ko iwe ungagona kuzivikanwa pamwe chete naavo Mwari anotora kuti vave “vanhu vezita rake” kana uchikundikana kushandisa kana kuti kuva nezita iroro here?—Mabasa 15:14.
Kunyange zvazvo vazhinji vachizengurira kushandisa zita raJehovha, uye vashanduri vazhinji veBhaibheri vachirisiya mushanduro dzavo, mamirioni avanhu kupote nyika nomufaro vakagamuchira ropafadzo yokuva nezita raMwari, yokurishandisa kwete bedzi mukunamata asiwo mukutaura kwezuva riri rose, neyokurizivisa kuna vamwe. Kudai mumwe munhu aizotaura kwauri pamsoro paMwari weBhaibheri uye aishandisa zita rokuti Jehovha, waizomubatanidza neboka ripi rorudzidziso? Kunongova bedzi neboka rimwe munyika rinoshandisa zita raMwari nguva dzose mukunamata kwaro, sezvakaita vanamati vake vomunguva dzekare. Ivo Zvapupu zvaJehovha.
Zita riri muBhaibheri rokuti Zvapupu zvaJehovha rinozivisa maKristu aya kuva ‘rudzi rwezita raMwari.’ Vanodada kuva nezita iroro, nokuti iro ndiro riya iro Jehovha Mwari iye amene akapa vanamati vechokwadi. Pana Isaya 43:10, tinorava, kuti: “‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘kunyange mubatiri wangu wandakasarudza.’” Mwari akanga achikurukura ani pano? Rangarira dzimwe dzendima duku dzinotangiredzi.
Mundima duku 5 kusvikira ku 7 dzeganhuro imwe cheteyo, Isaya anoti: “Usatya hako, nokuti ndinewe. Ini ndichaunza mbeu yako kubva kumabvazuva, uye ini ndichakuunganidza pamwe chete kubva kumavira zuva. Ini ndichati kuchamhembe, ‘rega!’ uye kumaodzanyemba, ‘usadzivisa. Unzai vanakomana vangu vari kure, navanasikana vangu vanobva kumugumegume wapasi, munhu ari ose anodanwa nezita rangu uye wandakasikira kukudzwa kwangu ndimene, wandakaumba, hungu, wandakaita.’” Muzuva redu, ndima duku idzodzo dzinoreva nezvavanhu vaMwari amene vaakaunganidza kubva kumarudzi ose kuzomurumbidza nokuzova zvapupu zvake. Nokudaro zita raMwari harizati richingomuzivisa bedzi asiwo rinobetsera kuzivisa vabatiri vake vechokwadi vari pasi pano nhasi.
Zvikomborero Zvinobva Mukuziva Zita raMwari
Jehovha anotaviridzira avo vanoda zita rake. Wezvamapisarema akati: “Nokuti pandiri akaisa chidakadaka chake, ini ndichamugoveravo kupukunyuka. Ndichamutavidzira nokuti iye akasvika pakuziva zita rangu.” (Pisarema 91:14) Iye anovayeukawo: “Panguva iyeyo avo vanotya Jehovha vakataurirana, nomumwe nomumwe neshamwari yake, uye Jehovha akapfuurira kungwaririra nokuteerera. Uye bhuku reyeuko rakavamba kunyorwa pamberi pake nokuda kwaavo vanotya Jehovha uye nokuda kwaavo vanofunga pamsoro pezita rake.”—Maraki 3:16.
Nokudaro, betsero dzinobva mukuziva nokuda zita raMwari hadzina kuganhurirwa kuupenyu huno bedzi. Kuvanhu vanoteerera Jehovha akapikira upenyu husingaperi mumufarwa paParadhiso yapasi. Dhavhidhi akafuridzirwa kunyora, kuti: “Vaiti vezvakashata ivo vamene vachagurwa, asi vanotarira kuna Jehovha ndivo vachava varidzi vapasi. Asi vanyoro ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo zvamazvirokwazvo vachawana mufaro wavo mukuru mukuwanda kworugare.”—Pisarema 37:9, 11.
Ko ikoku kuchabvira sei? Jesu akapa mhinduro. Mumunyengetero woMuenzaniso mumwe chetewo umo iye akatidzidzisa kunyengetera kuti, “zita renyu ngaritsveneswe,” iye akawedzera, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, napasi panowo.” (Mateo 6:9, 10) Hungu, Umambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu huchatsvenesa zita raMwari uyewo kuvigira migariro yakanaka kupasi rino. Huchabvisa uipi ndokubvisa hondo, utsotsi, nzara, chirwere, norufu.—Pisarema 46:8, 9; Isaya 11:9; 25:6; 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Iwe unogona kufarikanya upenyu husingaperi muUmambo ihwohwo. Seiko? Kupfurikidza nokusvika pakuziva Mwari. “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo kukuzivai, Mwari wechokwadi bedzi, uye uyo imi makatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvichava zvinofara kukubetsera kupinza kuziva ikoko kunopa upenyu.—Mabasa 8:29-31.
Kunokarirwa kuti mashoko ari mubhurocha rino akupwisa kuti Musiki ane zita rake chairo rinokosha zvikuru kwaari. Rinofanira kuva rinokoshawo zvikuru kwauri. Ziva kukosha kwokuziva nokushandisa zita irero, zvikurukuru mukunamata.
Uye iva anorunda kutaura sokutaura kwakaita muporofita Mika noushingi mazana mazhinji amakore akapfuura, kuti: “Kana ari marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, kana tirisu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.”—Mika 4:5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]
‘Kuziva zita raMwari’ kunoreva zvinopfuurawo hazvo kuziva nomusoro idi rokuti zita rake ndiJehovha
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
Zita raJehovha ‘rakakwirira, iguru, rinotyisa uye rakakwirira zvikuru.’ Madonzo ose aMwari akabatanidzwa nezita rake
[Bhokisi riri papeji 29]
Munyaya iri muAnglican Theological Review (October 1959), Dr. Walter Lowrie akasimbisa kudikanwa kwokuziva zita raMwari. Iye akanyora, kuti: “Muukama hwohunhu kunoisvokosha zvikuru kuziva zita rakafanira, zita rake amene, romunhu watinoda, watiri kutaura kwaari, kana kuti kunyange watinotaura pamsoro pake. Kwakadaro chaizvoizvo muukama hwomunhu naMwari. Munhu asingazivi Mwari nezita haazati achimuziva zvomenemene somunhu, haana kutaura kwokurovedzana naye (kuri uko kunorehwa nomunyengetero), uye haangagoni kumuda, kana achingomuziva bedzi sesimba.”]