RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 5 pp. 38-46
  • Chivheneko Nokuda Kwe“mhedziso Yetsika Yezvinhu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chivheneko Nokuda Kwe“mhedziso Yetsika Yezvinhu”
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugadzirira Marambi Avo
  • Miuyo Youpenzi Hwomudzimu
  • Vasikana Vakachenjera Namapenzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mufananidzo Wemhandara Gumi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kurinda Mukati Me“mhedziso Yetsika Yezvinhu”
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • ‘Ucharamba Wakarinda’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 5 pp. 38-46

Ganhuro 5

Chivheneko Nokuda Kwe“mhedziso Yetsika Yezvinhu”

PAMSORO pe“mhedziso yetsika yezvinhu,” “Muchinda woRugare” akataura pana Mateo 24:38 kuti kwaizova na“varume vachiroora navakadzi vachiroodzwa.” Asi mukati menhambo imwe cheteyo, mudenga munovamba roorano hurusa kune dzose. Iyo iroorano yakataurwa nezvayo mumuenzanisiro waJesu wavabati vamarambi gumi, vasikana gumi.—Mateo 24:3; 25:1-12.

2 Chinoitika cheroorano iyi chiri muMiddle East. Chinoitika pausiku, kusvikira pakati pousiku. Muchato womwenga nechikomba chawo unotanga kuitwa uye unoteverwa nokufamba kwokuenda kuimba yamabiko. Nzira haina kuvhenekerwa namarambi omumugwagwa. Chivheneko chinogoverwa naavo vanogoverana mukufamba kwechinoitika vakabata marambi, uye vaoni vanogona kuona kufamba kwomuchato kuchipfuura, vachishuvira vachangobva kuchata mufarwa.

3 Mukuwirirana nechimiro chendangariro chavo chechikadzi, vasikana vanofarira muchato. Naizvozvo, munzira yokufamba nayo, vasikana gumi vanomirira kutozosvikira kufamba kwomuchato kwasvika nzvimbo yavo. Vanoshuva kuvhenekera chinoitikacho, uye nokuda kweichi chikonzero ivo vose vanouya vakabata marambi avo anobvira, asi vashanu vavo bedzi vane mugove wetsaona wamafuta omwenje. Ava vashanu ndivo vasikana vakachenjera. Kuzadzika kwouyu mufananidzo kunofanira kutifadza nhasi, nokuti mukuwirirana naJesu Kristu, kunosimbisirazve kuti tiri mumhedziso yetsika ino yekare.—Mateo 25:13.

4 Tinogona kuva vanofara kana tiri vakachenjera navanocherekedza kuzadzika kweiyi roorano inopfuura roorano dzose namativi ayo ose ari pamwe chete nayo! Ndivanaani nhasi vanowana mutsa wokupinzwa mumabiko? Ndivapi navapi vedu here? Ngationei!

5 Muenzanisiro wakapiwa naJesu wavasikana gumi une chokuita no“Umambo hwamatenga,” hurumende yenyika nokuda kwechikomborero chavanhu vose. Naizvozvo Jesu Kristu akapfuurira, kuti: “Umambo hwamatenga huchava hwakafanana navasikana gumi vakatora marambi avo ndokubuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vaiva mapenzi, uye vashanu vaiva vakachenjera. Nokuti mapenzi akatora marambi awo asi haana kutora mafuta, asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo namarambi avo. Apo chikomba chakanga chichinonoka, ivo vose vakakotsira ndokuvata.”—Mateo 25:1-5.

6 Ko zvino vasikana vaya gumi vakaenzanisira vanaani? Vakaenzanisira mitezo inokarirwa yomwenga weChikomba chomudzimu, Jesu Kristu. Mukusapanikira nokuda kweichi chikonzero mwenga haasati achidudzwa mumuenzanisiro waJesu; chikomba chinooneka bedzi. Nokudaro, hapana kuvhiringidzika pamsoro petsananguro, sokunge kuti vasikana vaifananidzirawo rimwe boka.

7 Kubatanidzwa kwemitezo inokarirwa yeboka romwenga nechikomba chayo chokudenga muroorano hakuna kuitika, sezvakanga zvakarirwa, pakupera kwe“nguva dzakagadzwa dzavamarudzi” muna 1914. (Ruka 21:24) Nomutoo uno mufungo, kwairi kwakaratidzika sokunge kuti Chikomba chakanga chanonozetsa kusvika kwacho, kunyange zvazvo kuvapo kwacho muUmambo hwokudenga kwakaitika muna 1914. Makore iwawo orusuruvaro eHondo yeNyika I akabvumikisa kuva akafanana nousiku hwakasviba kuti ndo-o mune chinoitika cheboka ravasikana.

8 Mukutaura kwokufananidzira, vasikana vakakotsira ndokuvata. Kuparidzirwa kwapamhene kwamashoko akanaka okutonga kunouya kwaKristu kwechiuru chamakore nokuda kwechikomborero chavanhu vose kwakaguma chose chose. Kubvira mugore rokupedzisira reHondo yeNyika I, nguva inotambudza yorutongeso yakatanga nokuda kwavasikana vaya vokufananidzira. Ikoku kwakanga kuri nemhaka yokuti Mambo anotonga Jesu Kristu akanga asvika kutembere yomudzimu. Pakusvika kwake ipapo, iye akatanga kuita zviito zvapamutemo zvorutongeso nokuda kwokuchenura avo vakagadzwa kuitira Jehovha Mwari basa rapatembere. (Maraki 3:1-3) Iyi yakanga iri nguva yokuoneka kwake apo, seChikomba chokudenga, iye akanga ofanira kugamuchira kuna iye amene mudenga mitezo inotenderwa yeboka romwenga iyo yakanga yatofa panguva iyeyo.

9 Muna 1919, pashure pokubudiswa kwemitezo yakatanhamara misere yeWatch Tower Bible and Tract Society mukupfigirwa mutorongo kusina kururama, yakanga iri nguva yakafanira yokuti boka ravasikana vachiri vapenyu pasi pano vave vanomutswa mukuvata kwavo kwokusaita mubato. Basa rechivheneko chenyika yose rakanga riri mberi. Yakanga iri nguva yavo, namarambi anobvira, yokuchingamidza Chikomba, chakanga chasvika kutembere yomudzimu. Ikoku kwakanga kuri kwakadaro kuti vanhu vamarudzi ose vagodirana ku“imba yaJehovha” iyo yakanga yasimudzirwa pamusoro pamakomo, sokunge zvakadaro.—Isaya 2:1-4.

Kugadzirira Marambi Avo

10 Vakachenjera veboka ravasikana vakanga vauya nomugove wapanguva inokosha wamafuta omwenje mumidziyo yavo. Ivo havana kunonoka mukuzadzazve marambi avo. Mafuta anoyerera echivheneko akafananidzira Shoko rinovhenekera raJehovha nomudzimu mutsvene wake. Naizvozvo, mafuta akatorwa mumidziyo yavasikana vakachenjera akafananidzirei? Chitsama chakachengetwa chomudzimu waJehovha chinovhenekera Shoko rake rakanyorwa uye uyo vakazodzwa vavadzidzi vakaberekwa nomudzimu veChikomba vakanga vanawo mavari ivo vamene apo basa rapashure pehondo rechivheneko chenyika yose pamsoro po“umambo hwamatenga” rakanga ratemerwa kutanga.

11 Midziyo inofananidzira vasikana vakachenjera vokufananidzira ivo vamene savaridzi vamafuta okufananidzira echivheneko. Ikoku hakusati kuchireva kuti boka ravasikana rakatanga panguva iyeyo kuzodzwa nomudzimu waJehovha. Aiwa, vasikana havazvizodzi ivo vamene nomudzimu wake. Iye anokuita!—Isaya 61:1, 2; Ruka 4:16-21.

12 Mukutsigirwa kwokuva kwavo vanogoverwa kubasa guru rechivheneko chenyika yose pamsoro po“umambo hwamatenga,” vasikana vakachenjera vakawana mutsa mukuzadzika kwaJoere 2:28, 29 pavari. Iyi ndiyo nzira muapostora Petro akanokora nayo mashoko ndima idzodzo: “‘Uye mumazuva okupedzisira,’ Mwari anodaro, ‘Ini ndichadurura wakati kuti womudzimu wangu pamsoro porudzi rwuri rwose rwenyama, uye vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita uye varume vaduku venyu vachaona zviono navarume vakuru venyu vacharota maroto.’” (Mabasa 2:17) Naizvozvo kubvira muna 1919 zvichienda mberi vaya vakachenjera veboka ravasikana vokufananidzira vaizotora zvivheneko zvavo, marambi avo okufananidzira—ivo vamene. Ivo vakaita ikoko kuti vape chivheneko kuna avo vose vakanga vachiri murima romudzimu. Nokuda kworudzi rwoupenyu hwavanorarama mupesvedzero yeShoko raMwari nomudzimu, ivo vanova “zvivheneko munyika.” (VaFiripi 2:15) Nenzira iyeyo vakatevera mumakwara eChikomba sezvachakagadzirira kuendesa mitezo yose yeboka romwenga kuna icho chimene muUmambo hwokudenga pashure porufu rwayo pasi pano.—Mateo 5:14-16.

Miuyo Youpenzi Hwomudzimu

13 Zvakadiniko, zvino, namapenzi aya eboka ravasikana? Jesu anopfuurira kuti: “Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe amafuta enyu, nokuti marambi edu odokudzima.’ Vakachenjera vakapindura naaya mashoko, ‘Zvimwe pangava naasina kuringanira isu nemi. Panzvimbo pakwo, endai henyu kuna avo vanoatengesa ndokuzvitengera imi mumene.’”—Mateo 25:8, 9.

14 Vaya vakaramba kupa vari mapenzi vakanga vasina udyire, vakanga vakachenjera bedzi. Vakanga vachiomerera kukuita kwavo donzo ravo rapakuvamba, rokushuvira zvakaisvonaka kujekesera mhoteredzo dzine rima nokuda kweChikomba. Vakanga vasingatongosungirwi kubvumirana pane zvisina kufanira, kutapudza uwandu hwavo vamene hwomudzimu mutsvene waJehovha nokuda kwokubetsera avo vakanga vari mapenzi omudzimu. Mapenzi akadarowo akanga asina kuzvigadzirira iwo amene kupinda nokukurumidza muropafadzo yebasa rakavazarukira muna 1919.

15 Nhambo yorugare zvayakatanga, vamwe vaavo vaikambira kuva vasonganiri vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa vakavamba kuratidzira upenzi hwomudzimu. Pashure porufu rwapurezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, Charles Taze Russell, havana kupinda zvizere mumudziyo wevandudziko pamwe chete nomudzimu unooneka waJehovha Mwari mukutungamirira kwapurezidhendi wavo mutsva, J. F. Rutherford. Mwoyo yavo yakanga isingawirirani zvomenemene nenzira yakanga ichiitwa nayo zvinhu. Vakaratidzira kushaika kwokunzwisiswa kwenzira yakanga ichibata nayo Jehovha navanhu vake. Nenzira iyeyo, avo vakanga vakafanana navasikana vakachenjera havati vaigona kupinza mudzimu chaiwo webatira pamwe yapachokwadi muna aya mapenzi akanga achiramba achizviparadzanisira kure amene.

16 Upenzi hwomudzimu nenzira iyeyo hwakaitwa kuti hubude pamhene. Seiko? Kupfurikidza nokukundikana kuva namafuta okufananidzira panguva inokosha apo pakanga pane kudikanwa kwokukurumidzira kwechivhenekero chomudzimu vandudziko itsva zvadzakafambira mberi, kuratidzira kuti Chikomba chakanga chavepo. Naizvozvo yakanga iri nguva yokuti munhu abude kundochigamuchira akabata rambi rake rakajeka kuti ngwe-e, kutaura kwokufananidzira. Asika panzvimbo pakwo, avo vakafanana navasikana mapenzi, vanamarambi akanga odzima, vakaparadzana navakachenjera.

17 Haiwa, kurashikirwa kwakadini kusingadzorerwi kunoitika apo munhu anokambira kuva anoverengerwa pakati peboka ravasikana anopotsa ropafadzo isingadzokororwi nebanza rokuchingamidza Chikomba, Jesu Kristu! Mapenzi ari pakati pavasikana vomuzuva razvino uno anotambura kurasikirwa kwakadaro, sezviri kuratidzirwa namashoko anopfuurira omuenzaniso waJesu, anoti: “Apo ivo vakanga vachienda kundotenga, chikomba chakasvika, uye vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda nacho mumabiko eroorano; uye mukova wakapfigwa.”—Mateo 25:10.

18 Haiwa ndichinoitika chinosuruvarisa sei chinotambura vasikana mapenzi vomuzuva razvino uno! Munhambo ino yakasviba kuti ndo-o yenhau yose yomunhu, vanokundikana kupinda mubasa rokuvhenekera avo vagere murima romudzimu nomumumvuri worufu pa“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose”! (Zvakazarurwa 16:14) Vasina mafuta mumarambi avo okufananidzira okujekesera nzira yavo, vakaenda uye vaitofanira kufamba nomurima rapakati pousiku. Nokuda kweichi chikonzero havasati varipo nenguva kuti vatevere mumakwara eChikomba mukufamba kwomufaro vachipinda napamukova uye ndokupinda mumabiko eroorano akavhenekerwa kuti ngwe-e. Vakarashikirwa nokuzivikanwa kwavo savateveri vacho vakagadzirira kuva vanoroorwa nacho muUmambo hwokudenga. Havasati vachiwanwa vaka“gadzirira” panguva yakagadzwa. Haiwa vanogovera muenzaniso wakadini wenyevero!

19 Iri idi rinorwadza rinosanoratidzirwa murutivi rwokupedzisira rwomuenzanisiro wakapiwa naJesu Kristu, Chikomba, zvikurukuru nokuda kwedu tinorarama mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” Naizvozvo zvino ngatipfuurireizve kuronda nhau yacho! Chivheneko chinoparira mufaro chakatimirira nokuda kwokuita kudaro, sezvatichaona muganhuro rinotevera.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1. Nokuda kweiyi “mhedziso yetsika yezvinhu,” irooranoi yakatanhamara yakadeya kuziviswa no“Muchinda woRugare,” uye mumufananidzoi?

2. (a) Ko roorano iyi yomufananidziro inoitika panhamboi yezuva? (b) Chii chinotevera muchato, uye chivheneko chinogoverwa sei?

3, 4. (a) Ndivanaani vanozvifadza ivo vamene mukufamba kunotevera, uye negadziriroi? (b) Kuzadzika kwouyu mufananidzo kunowedzera chibvumikiso cheidii? (c) Tinogona kuva vanofara kana tikaitei?

5. Chii chakaita mutsaukano pakati paavo vanoumba vasikana gumi, uye chii chakaitika mukati mokunonoka kwechikomba?

6. (a) Ko vasikana gumi vakafananidzirei? (b) Neiko mwenga asingadudzwi mumufananidzo?

7. Ko Chikomba chakaratidzika kuva chakanga chanonozetsa kusvika kwacho mukati menhamboi nokuda kwomwenga, uye nei?

8. (a) Kwakanga kwakadaro sei kuti, mukutaura kwokufananidzira, vasikana vakakotsira ndokuvata? (b) Ko Chikomba chakanga chasvika kutembere nokuda kwedonzoi, uye nei ikoku kwakatapura boka romwenga?

9. Ndirini pakwakava nguva yokuti boka ravasikana rive rinomutswa mukusaita basa, uye nei?

10. Ko mafuta akatorwa mumidziyo yavasikana vakachenjera anofananidzirei?

11. Chii chaiva midziyo yokufananidzira umo makanga mune mafuta?

12. (a) Chiporofitai chaJoere chakanga chofanira kuva chinozadzika pavasikana vakachenjera? (b) Ko nguva yakasvika rini yokuti ivo vaite kuti chivheneko chipenye kupfurikidza namarambi avo?

13. Ko vasikana vakachenjera vakadavidza sei kumukumbiro wavasikana mapenzi?

14. Ko vasikana vakaramba kupa mafuta avo vakanga vakachenjera sei panokuva noudyire?

15. (a) Apo nhambo yorugare yakatanga, ndivanaani pakati peboka ravasikana vakavamba kuratidzira kombamiro dzoupenzi hwomudzimu? (b) Neiko vasikana vakachenjera vakanga vasingakwanisi kubetsera vasikana mapenzi mumudzimu?

16. Ko upenzi hwomudzimu hwakaitwa kuti hubude pamhene sei kuna vasikana mapenzi?

17. Ko avo vanofananidzirwa navasikana mapenzi vanotambura kurasikirwai kusingadzorerwi, sezvinoratidzirwa pana Mateo 25:10?

18. (a) Ko vasikana vari mapenzi vomuzana rino ramakore vanokundikana kubatanidzwa muropafadzoi? (b) Neiko mapenzi achibvumikisa kuva anyanyononoka nokuda kwokutora rutivi mukufamba kweroorano uye nokuda kwokupinda mumabiko?

19. Ndichinoitikai chakatimirira nokuda kwokuronda iyi nhau kusvikira kumhedziso yayo?

[Mufananidzo uri papeji 45]

Avo vakafanana navasikana mapenzi havasati vachizopinda mumabiko omuchato

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe