Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?
“Kana munhu akafa, achazoraramazve here?” akabvunza kudaro munhu Jobho kare kare. (Jobho 14:14, King James Version) Zvimwe uwewo, wakashamisika pamsoro paikoku. Waizonzwa sei kudai waiziva kuti kubatanidzwazve navadikani vako kwakanga kuchibvira pasi pano chaipo mumigariro yakanakisisa?
Hekani, Bhaibheri rinopikira, kuti: “Vakafa venyu vachararama. . . . Vachamuka.” Uye Bhaibheri rinotiwo: “Vakarurama ivo vamene vachagara nhaka yapasi, uye ivo vachagara nokusingaperi pariri.”—Isaya 26:19; Pisarema 37:29.
Kuva nechivimbo chaichoicho muzvipikirwa zvakadaro, tinodikanirwa kupindura mimwe mibvunzo yehwaro: Neiko vanhu vachifa? Vakafa vari kupi? Uye tinogona sei kuva nechokwadi chokuti vanogona kuraramazve?
Rufu, Nechinoitika Patinofa
Bhaibheri rinokujekesa kuti Mwari mukuvamba haana kurongedzera kuti vanhu vafe. Iye akasika vanhu vaviri vokutanga Adhama naEvha, akavaisa muparadhiso yapasi yainzi Edheni, ndokuvarairidza kuva navana nokufutunura musha wavo weParadhiso mupasi rose. Ivo vaizofa kudai bedzi vaizosateerera miraidzo yake.—Genesi 1:28; 2:15-17.
Vachishaiwa kuonga tsitsi dzaMwari, Adhama naEvha vakasateerera uye vakaitwa kuti varipire chirango chakarongwa. “Iwe u[cha]dzokera kuvhu,” Mwari akaudza Adhama kudaro, “nokuti iwe wakatorwa mariri. Nokuti iwe uri guruva uye uchadzokera kuguruva.” (Genesi 3:19) Pamberi pokusikwa kwake Adhama haana kuvapo; iye akanga ari guruva. Uye nokuda kwokusateerera kwake, kana kuti chivi, Adhama akatongerwa kudzokera kuguruva, kumugariro wokusavapo.
Nokudaro rufu ndiko kusavapo kwoupenyu. Bhaibheri rinoratidzira musiano: “Mibairo inoripirwa nechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari ndihwo upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:23) Richiratidzira kuti rufu ndiwo mugariro wokusaziva chose chose, Bhaibheri rinoti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti ivo vachafa; asi kana vari vakafa, havana chinhu chavanotongoziva.” (Muparidzi 9:5) Apo munhu anofa, Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Mudzimu wake unobuda, iye anodzokera pasi pake; muzuva irero mifungo yake inoparara.”—Pisarema 146:3, 4.
Zvisinei, sezvo Adhama naEvha bedzi vasakateerera murairo iwowo muEdheni, neiko isu tose tichifa? Imhaka yokuti isu tose takazoberekwa pashure pokusateerera kwaAdhama, naizvozvo isu tose takagara nhaka chivi norufu kwaari. Sokutsanangura kunoita Bhaibheri: “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose.”—VaRoma 5:12; Jobho 14:4.
Asika mumwe munhu angabvunza, kuti: ‘Ko vanhu havana mweya usingafi unopona rufu here?’ Vazhinji vakadzidzisa ikoku, kunyange kutaura kuti rufu ndiwo mukova wokuenda kuno humwe upenyu. Asika mufungo iwowo hausati uchibva muBhaibheri. Kupfuurezvo, Shoko raMwari rinodzidzisa kuti iwe uri mweya, kuti mweya wako ndiwe chaizvoizvo, nomuviri wako wose namavara ako ose endangariro. (Genesi 2:7; Jeremia 2:34; Zvirevo 2:10) Uyewo, Bhaibheri rinoti: “Mweya unoita chivi—iwo umene uchafa.” (Ezekieri 18:4) Hapana nzvimbo apo Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu ano mweya usingafi unopona parufu rwomuviri.
Kuraramazve Kunogona Kuita Vanhu
Pashure pokunge chivi norufu zvapinda munyika, Mwari akazivisa kuti rakanga riri donzo rake rokuti vakafa vave vanodzorerwa kuupenyu kupfurikidza norumuko. Nokudaro Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Abrahama . . . akarangarira kuti Mwari akanga achikwanisa kumutsa [mwanakomana wake Isaka] kunyange kuna vakafa.” (VaHebheru 11:17-19) Chivimbo chaAbrahama chakanga chisina kuiswa panzvimbo isino kufanira, nokuti Bhaibheri rinoti nezvoWamasimba ose: “Iye ndiMwari, asati ari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti vose vanorarama kwaari.”—Ruka 20:37, 38.
Hungu, Mwari Wamasimba ose haasati achingova bedzi nesimba asiwo chishuvo chokumutsa vanhu vaanosarudza. Jesu Kristu iye amene akati: “Musashamiswa naikoku, nokuti awa inouya umo avo vose vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda.”—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Isati iri nguva refu pashure pokutaura ikoku, Jesu akasangana namariro achibuda muguta ravaIsraeri reNaini. Jaya rakafa rakanga richingova mwana bedzi wechirikadzi. Pakuona kusuruvara kwayo kukurusa, Jesu akasundwa netsitsi. Naizvozvo, achitaura kuchitunha, iye akaraira, kuti: “Jaya, ndinoti kwauri, Muka!” Uye murume akagara, uye Jesu akamupa kuna mai vake.—Ruka 7:11-17.
Somuchinoitika chechirikadzi iyeyo, pakavawo nokubatwa kukuru nomufaro apo Jesu akashanyira musha waJairosi, mukuru mukuru anotungamirira wesinagoge rechiJudha. Mwanasikana wake wezera ramakore 12 akanga afa. Asi apo Jesu akasvika pamusha waJairosi, iye akaenda kumwana afa ndokuti: “Musikana, Muka!” Uye iye akadaro!—Ruka 8:40-56.
Gare gare, shamwari yaJesu Razaro akafa. Apo Jesu akasvika pamusha wake, Razaro akanga afa kwamazuva mana. Kunyange zvazvo yakanga yarwadziwa zvikuru, hanzvadzi yake Maria yakaratidzira tariro, ichiti: “Ndinoziva kuti achamuka murumuko pazuva rokupedzisira.” Asi Jesu akaenda kuhwiro, akaraira kuti dombo ribviswe, ndokudanidzira, achiti: “Razaro, buda!” Uye iye akadaro!—Johane 11:11-44.
Zvino funga pamsoro paikoku: Chii chakanga chiri mugariro waRazaro mukati mamazuva mana iwawo aakanga akafa? Razaro haana kutaura chinhu chipi nechipi pamsoro pokuva mudenga romufaro kana kuti muhero yechitambudzo, uko zvamazvirokwazvo aizodai akaita kudai akanga ariko. Nyangwe, Razaro akanga asingazivi chose chose murufu uye aizodai akaramba akadaro kutozosvikira pa“rumuko pazuva rokupedzisira” kudai Jesu akanga asina kumudzorera kuupenyu panguva iyeyo.
Ichowadi kuti manenji aya aJesu aingova bedzi ebetsero yechinguvana, sezvo avo iye akamutsa vakafazve. Zvisinei, iye akapa chibvumikiso makore ane 1 900 akapfuura chokuti, kupfurikidza nesimba raMwari, vakafa vanogona zvomenemene kuraramazve! Naizvozvo kupfurikidza namanenji ake Jesu akaratidzira pamwero muduku zvichaitika pasi pano mukudzora kwoUmambo hwaMwari.
Apo Mudikani Anofa
Apo muvengi rufu anorovanya, kusuruvara kwako kunogona kuva kukuru, kunyange zvazvo ungakarira murumuko. Abrahama akava nokutenda kwokuti mudzimai wake aizoraramazve, asi tinorava kuti “Abrahama akapinda kundochema Sara nokumuririra.” (Genesi 23:2) Asika zvakadiniko naJesu? Apo Razaro akafa, iye “akafa neshungu mumudzimu ndokuva anotambudzika,” uye chinguvana pashure paikoku iye “akasvima misodzi.” (Johane 11:33, 35) Naizvozvo, apo mumwe munhu waunoda anofa, hakusati kuchiratidza kuneta kuchema.
Apo mwana anofa, zvikurukuru kunoomera amai. Nokudaro Bhaibheri rinobvuma shungu dzomwoyo idzo amai vanogona kunzwa. (2 Madzimambo 4:27) Chokwadika, kunoomerawo baba vanofirwa.” Haiwa kudai ini ndingadai ndakafa hangu, ini ndimene, panzvimbo pako,” akachema kudaro Mambo Dhavhidhi apo mwanakomana wake Absaromi akafa.—2 Samueri 18:33.
Asika, nemhaka yokuti une chivimbo murumuko, kusuruvara kwako hakusati kuchizova kusingaterami. Sokureva kunoita Bhaibheri, hausati uchizo“suruvara sezvinoita vamwewo vasina tariro.” (1 VaTesaronika 4:13) Kupfuurezvo, uchaswedera pedyo naMwari mumunyengetero, uye Bhaibheri rinopikira kuti “iye amene achakutsigira.”—Pisarema 55:22.
Kutoti kwakaratidzirwa neimwe nzira, kunokorwa mashoko kwose kweBhaibheri kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures.