Misi
Tsanangudzo: Misi ndiyo nguva inenge yakaitika zvimwe zviitiko. Bhaibheri rinotaura nezvemisi maererano nenguva inenge yakararama vamwe vanhu, nguva yaitonga mamwe madzimambo, kana kuti pakaitika chimwe chinhu chakakurumbira. Ndiro rine kuverengwa kwenguva kwakazara kutangira panguva yakasikwa Adhamu. Kuverengwa kwenguva kuri muBhaibheri kwaifanoratidzawo zvakajeka nguva yaizoitika zviitiko zvinokosha mukuzadzisa chinangwa chaMwari. Karenda yaGregory, yave kushandiswa zvikuru munyika, yakazotanga kushandiswa muna 1582. Mamwe mabhuku haawirirani pamisi inotaurwa kuti ndiyo yakaitika zvimwe zviitiko zvekare. Zvisinei, mimwe misi inokosha haina vanopokana nayo, yakadai segore ra539 B.C.E. pakaparadzwa Bhabhironi, uye zvichizoita kuti titi vaJudha vakadzokera vachibva kuutapwa muna 537 B.C.E. (Ezra 1:1-3) Tinogona kutaura misi yakaitika zvimwe zviitiko zvomuBhaibheri tichishandisa makarenda emazuva ano, tichitanga kuverenga nguva kubva pamisi inokosha isina anopokana nayo inobva muBhaibheri.
Masayendisiti ane uchapupu here hunoratidza kuti vanhu vave vachirarama panyika kwemamiriyoni emakore, kwete kwezviuru zvemakore sezviri muBhaibheri?
Masayendisiti anoita zvokufungidzira paanotsvaka misi yakaitika zvimwe zvinhu uye izvozvo zvinogona kubatsira asi kakawanda kacho zvinoita kuti vapokane. Saka vanoramba vachichinja-chinja misi yacho.
Imwe nyaya yakabuda mumagazini inonzi New Scientist yomusi waMarch 18, 1982, inoti: “‘Zvinondishamisa chaizvo kuti ndini ndakataura izvozvo gore rapfuura.’ Ndizvo zvakataurwa naRichard Leakey pamberi pevanhu vanoremekedzwa veRoyal Institution manheru emusi weChishanu. Akanga auya kuzotaura kuti uchenjeri hunozivikanwa nevakawanda, hwaakanga achangobva kutsigira paterevhizheni yeBBC, pachirongwa chinonzi The Making of Mankind, ‘hunenge hwakanga husina kururama muzvinhu zvinoverengeka zvinokosha.’ Kunyanyanyanya iye zvino ava kuona kuti tateguru wokutanga muduku kwazvo zvokuti haasviki makore mamiriyoni 15 kana kuti 20 aakambotsigira paterevhizheni.”—Peji 695.
Nguva nenguva, pane nzira itsva dzinowanikwa dzokutsvaka misi yakaitika zvimwe zvinhu. Dzinonyatsobudisa chokwadi here? Nezveimwe nzira inonzi thermoluminescence, The New Encyclopædia Britannica (1976, Macropædia, Vol. 5, peji 509) inoti: “Nzira inonzi thermoluminescence yokutsvaka misi hainyatsobudiriri asi ndeyokufungidzira.” Uyewo, magazini inonzi Science (August 28, 1981, peji 1003) inotaura kuti marangwanda ainzi ane makore 70 000 neimwe nzira yakasiyana yokutsvaka misi, asi iyi yethermoluminescence yakati marangwanda acho ane makore 8 300 kana kuti 9 000.
Imwe magazini inonzi Popular Science (November 1979, peji 81) inoti mumwe musayendisiti anonzi Robert Gentry “anodavira kuti zvinovhiringidza kutsvaka misi nenzira iyi, kwete nemakore mashoma chete asi neakawanda zvikuru.” Nyaya yacho inotaura kuti kubva pane zvaakawana “munhu haana kutanga kurarama panyika makore mamiriyoni 3,6 akapfuura, asi angangove akatanga kurarama kwezviuru zvemakore zvishomanana chete zvakapfuura.”
Zvisinei, zvinofanira kuzivikanwa kuti masayendisiti anodavira kuti nyika pachayo yava nemakore akawanda zvikuru kupfuura makore akararama vanhu. Bhaibheri haripokani nepfungwa iyi.
Mazera evanhu vakararama Mafashamo asati aitika, sezviri muBhaibheri, aibva pakuverenga makore kwakafanana here nekwatinoita mazuva ano?
Kudai zvainzi “makore” acho aive akaenzana nemwedzi, zvaizoreva kuti Inoki akava baba aine makore manomwe, uye Kenani aingova nemakore mashanu paakava nemwanakomana. (Gen. 5:9, 12) Zviri pachena kuti hazviitiki.
Kunyatsodonongodzwa kwemisi yepakaitika Mafashamo kunoratidza kureba kwaiva kwakaita mwedzi uye makore aishandiswa panguva iyoyo. Tikaenzanisa Genesisi 7:11, 24 naGe 8:3, 4 zvinoratidza kuti mwedzi mishanu (kubvira musi wa17 wemwedzi wechipiri kusvika musi wa17 wemwedzi wechinomwe) yaive yakaenzana nemazuva 150, kana kuti mwedzi mishanu yemazuva 30. Panonyatsotaurwa zvakananga ‘nezvemwedzi wegumi’ uye nezveimwe nguva yaiva mberi gore raitevera racho risati rasvika. (Gen. 8:5, 6, 8, 10, 12-14) Zviri pachena kuti, gore ravo raiumbwa nemwedzi 12 ine mazuva 30. Kare kare ikako ndipo pakagadziridzwa karenda raishandiswa nokuongorora mafambiro anoita mwedzi kuti rienderane nenguva inotorwa nepasi richitenderera zuva sezvinoratidzwa nemitambo yokuunganidza yemwaka nemwaka yaiitwa pamisi chaiyo yainge yakarongwa. Izvi zvakaita kuti mitambo iyi ikwanise kuitwa pamwaka yacho chaiyo.—Revh. 23:39.
Yeuka kuti Mwari akasika vanhu kuti vararame nokusingaperi. Chivi chakaitwa naAdhamu ndicho chinoita kuti tife. (Gen. 2:17; 3:17-19; VaR. 5:12) Vaya vakararama Mafashamo asati aitika vaiva pedyo nokukwana kupfuura zvatiri iye zvino, saka vairarama kwenguva yakareba. Asi vose vakafa vasina kusvitsa makore ane chiuru.
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiti Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914?
Pane uchapupu huviri hunoratidza kuti ndiro gore racho: (1) Kuverenga nguva iri muBhaibheri uye (2) zvinhu zvakaitika kubvira muna 1914 zvichizadzisa uprofita. Pano apa tichakurukura kuverengwa kwenguva iri muBhaibheri. Kana uchida kuona nezvokuzadzika kwouprofita, ona musoro mukuru unoti “Mazuva Okupedzisira.”
Verenga Dhanieri 4:1-17. Dha 4 Ndima 20-37 dzinoratidza kuti uprofita uhwu hwakazadzika pana Nebhukadhinezari. Asiwo hwakatozadzisa chimwezve chinhu chikuru. Tinozviziva sei? Dha 4 Ndima 3 ne17 dzinoratidza kuti zvakarotswa Mambo Nebhukadhinezari naMwari zvine chokuita noUmambo hwaMwari nevimbiso yake yokuhupa “waanoda . . . munhu akaderera kwazvo pakati pevanhu.” Bhaibheri rose rinoratidza kuti chinangwa chaJehovha ndechokuti Mwanakomana wake, Jesu Kristu, atonge achimiririra Mwari kuvanhu. (Pis. 2:1-8; Dhan. 7:13, 14; 1 VaK. 15:23-25; Zvak. 11:15; 12:10) Zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu zvinoratidza kuti chokwadi aiva “munhu akaderera kwazvo pakati pevanhu.” (VaF. 2:7, 8; Mat. 11:28-30) Saka zvakarotwa izvi zvouprofita zvinoratidza nguva iyo Jehovha aizopa umambo kuMwanakomana wake kuti atonge vanhu.
Panguva iyi chii chaifanira kumboitika? Kutonga kwevanhu, kunomiririrwa nomuti nechigutsa chawo, kwaizova ne“mwoyo wemhuka.” (Dhan. 4:16) Munhoroondo yavo, vanhu vaizotongwa nehurumende dzinenge dzichiratidza unhu hwemhuka dzesango. Munguva ino, gondo rinowanzoshandiswa kumiririra United States; shumba, Britain; dhiragoni, China. Bhaibheri rinoshandisawo mhuka dzesango kuratidza unhu hwehurumende dzenyika uye urongwa hwenyika yose hwokutonga kwevanhu vachitungamirirwa naSatani. (Dhan. 7:2-8, 17, 23; 8:20-22; Zvak. 13:1, 2) Sezvakataurwa naJesu muuprofita hwake nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino, Jerusarema ‘raizotsikwa-tsikwa nemamwe marudzi, kusvikira nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi’ dzakwana. (Ruka 21:24) “Jerusarema” raimiririra Umambo hwaMwari nokuti madzimambo aro ainzi aigara “pachigaro choumambo chaJehovha.” (1 Mak. 28:4, 5; Mat. 5:34, 35) Saka hurumende dzemamwe marudzi, dzinomiririrwa nemhuka dzesango, ‘dzaizotsika-tsika’ kodzero yoUmambo hwaMwari yokutonga vanhu uye dzaizotonga dzichitungamirirwa naSatani.—Enzanisa naRuka 4:5, 6.
KUVERENGA “NGUVA NOMWE”
“Nguva nomwe” = 7 X 360 = makore 2 520
MuBhaibheri “nguva” kana kuti gore = 12 X mazuva 30 = 360. (Zvak. 11:2, 3; 12:6, 14)
Pakuzadzika kwe“nguva nomwe” zuva rimwe nerimwe rakaenzana negore. (Ezek. 4:6; Num. 14:34)
Kutanga kwaOctober wegore ra607 B.C.E., kusvika pana December 31, 607 B.C.E. = mwedzi 3
January 1, 606 B.C.E., kusvika pana December 31, 1 B.C.E. = makore 606
January 1, 1 C.E., kusvika pana December 31, 1913 = makore 1 913
January 1, 1914, kusvika pakutanga kwaOctober, 1914 = mwedzi 9
Makore ose: 2 520
Hurumende idzodzo dzaizobvumirwa kutonga kwenguva yakareba sei Jehovha asati apa Umambo kuna Jesu Kristu? Dhanieri 4:16 inoti, “nguva nomwe” (“makore manomwe,” Bhaibheri Rinoera). Bhaibheri rinoratidza kuti pakuverenga nguva youprofita, zuva rinoverengwa segore. (Ezek. 4:6; Num. 14:34) Saka pane “mazuva” mangani? Zvakazarurwa 11:2, 3 inonyatsotaura kuti mwedzi 42 (makore matatu nehafu) youprofita uhwu inoverengwa semazuva 1 260. Makore manomwe anoreva kuti nguva iyoyo yaizopetwa kaviri, kana kuti yaizova mazuva 2 520. Kana tikashandisa mutemo uya wokuti “zuva rinoreva gore” zvinoita kuti pave nemakore 2 520.
“Nguva nomwe” dzakatanga kuverengwa rini? Pashure pokunge Zedhekiya, mambo wokupedzisira muUmambo hwaMwari hwokufananidzira abviswa pachigaro muJerusarema nevaBhabhironi. (Ezek. 21:25-27) Pakupedzisira, pakutanga kwaOctober wegore ra607 B.C.E. umambo hwevaJudha hwakatsakatika. Panguva iyoyo, gavhuna wechiJudha ainzi Gedhariya uyo akanga asiya apiwa simba nevaBhabhironi, akanga aurayiwa uye vaJudha vakanga vasara vakanga vatizira kuIjipiti. (Jeremiya, chitsauko 40-43) Tikaverenga zvakarurama nguva inotaurwa muBhaibheri zvinoratidza kuti izvi zvakaitika makore 70 gore ra537 B.C.E. risati rasvika, riri iro rakazodzokera vaJudha kuJerusarema vachibva kuutapwa; zvakaitika pakutanga-tanga kwemwedzi waOctober mugore ra607 B.C.E. (Jer. 29:10; Dhan. 9:2; kana uchida mamwe mashoko ona bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come,” peji 186-189.)
Saka nguva iyi inoverengwa sei kuti tizosvika pana 1914? Kana tikaverenga makore 2 520 kubvira pakutanga kwaOctober wegore ra607 B.C.E. zvinotisvitsa pakutanga kwaOctober wegore ra1914 C.E., sezviri kuratidzwa pachati.
Chii chakaitika panguva iyi? Jehovha akapa Mwanakomana wake Jesu Kristu, akanga akudzwa mudenga, simba rokuti atonge vanhu.—Dhan. 7:13, 14.
Kana zvakadaro nei panyika pachakaipa kwazvo zvakadai? Kristu agadzwa pachigaro choumambo, Satani nemadhimoni ake vakadzingwa kudenga uye vakakandirwa pasi. (Zvak. 12:12) Kristu ava Mambo haana kubva angokurumidza kuparadza vanhu vose vanoramba kubvuma uchangamire hwaJehovha naiye Mesiya pachake. Asi sokufanotaura kwaakanga aita, basa rokuparidza raifanira kuitwa munyika yose. (Mat. 24:14) Izvi zvakaita kuti vanhu vemarudzi ose vakamurwe; vaya vanenge varatidza kuti vakarurama vachiwana upenyu husingaperi, uye vakaipa vachiparadzwa zvachose. (Mat. 25:31-46) Panguva ino, zvinhu zvakaoma zvakafanotaurwa ‘nezvemazuva okupedzisira’ zvicharamba zvichiitika. Sezvinoratidzwa pasi pomusoro unoti “Mazuva Okupedzisira,” zvinhu izvozvo zvave zvichioneka zvakajeka kubvira muna 1914. Zvinhu zvose zvakafanotaurwa naJesu zvichaitika, kusanganisira “kutambudzika kukuru” pachaguma nyika ino yakaipa.—Mat. 24:21, 22.
Mugumo wenyika ino yakaipa uchauya rini?
Jesu akapindura kuti: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” Zvisinei, akatiwo: “Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.”—Mat. 24:36, 34.
Uyewo pashure pokunge ataura zvinhu zvaizoitika pashure pokugadzwa kwoUmambo huchitungamirirwa naJesu Kristu muna 1914, pana Zvakazarurwa 12:12 panotizve: “Farai, imi matenga nemi munogara maari! Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”