RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lr chits. 6 pp. 37-41
  • Mudzidzisi Mukuru Aiitira Vamwe Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mudzidzisi Mukuru Aiitira Vamwe Zvakanaka
  • Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mashoko Akafanana
  • Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Anopa Chidzidzo paPaseka Yake Yekupedzisira
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Munhu Mukurusa Anoita Basa Rinoda Kuzvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
lr chits. 6 pp. 37-41

CHITSAUKO 6

Mudzidzisi Mukuru Aiitira Vamwe Zvakanaka

UNOFARA here kana mumwe akakuitira chimwe chinhu chakanaka?— Ndizvozvo, vamwe vanhu vanofara kana mumwe munhu akavaitirawo chimwe chinhu chakanaka. Ndizvo zvatinoita tose. Mudzidzisi Mukuru aizviziva izvozvo, uye aigara achiitira vanhu zvinhu. Akati: ‘Ndakauya kwete kuzoshandirwa, asi kuzoshanda.’—Mateu 20:28.

Jesu ari kuona vadzidzi vake vaviri vachiitisana nharo

Vateveri vaJesu vaiitirana nharo dzei?

Naizvozvo kana tichida kuita soMudzidzisi Mukuru, tinofanira kuitei?— Tinofanira kushandira vamwe. Tinofanira kuvaitira zvinhu zvakanaka. Ichokwadi kuti vanhu vakawanda havaiti izvi. Kutaura chokwadi, vanhu vazhinji vanoda kuti vamwe vavashandire nguva dzose. Pane imwe nguva kunyange vateveri vaJesu vakanzwa nenzira iyi. Mumwe nomumwe akanga achida kuva mukuru kana kuva anokosha kupfuura vamwe vose.

Rimwe zuva Jesu akanga achifamba nevadzidzi vake, avo vakanga vari vateveri vake. Pashure pokunge vapinda muguta reKapenaume, pedyo neGungwa reGarireya, vose vakapinda mumba. Ipapo Jesu akavabvunza kuti: “Manga muchiitirana nharo pamusoro pei mumugwagwa?” Vakaramba vakanyarara nokuti vari mumugwagwa vakanga vaitirana nharo pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru.—Mako 9:33, 34.

Jesu aiziva kuti zvakanga zvisina kunaka kuti pave nomumwe wevadzidzi vake anofunga kuti aiva mukuru pane vamwe vose. Naizvozvo, sezvatakadzidza muchitsauko chokutanga chebhuku rino, akamisa mwana muduku pakati pavo ndokuvaudza kuti vanofanira kuzvininipisa somuduku iyeye. Kunyange zvakadaro havana kudzidza. Naizvozvo chinguva chiduku asati afa, Jesu akavadzidzisa chidzidzo chavaisazofa vakakanganwa. Akaitei?—

Apo vose vakanga vachidya pamwe chete, Jesu akasimuka patafura ndokubvisa nguo dzake dzokunze. Akatora tauro ndokurimonera muchiuno chake. Akabva atora dhishi rokugezera ndokuisa mvura. Vateveri vake vanofanira kunge vakashamiswa kuti aida kuzoitei. Sezvavakaramba vakatarira, Jesu akatenderera achienda kune mumwe nomumwe wavo, akapfugama achivageza tsoka dzavo. Akabva apukuta tsoka dzavo netauro. Pafunge! Ko dai wakanga uripo? Waizodai wakanzwa sei?—

Jesu ari kugeza tsoka dzevadzidzi vake

Chidzidzoi icho Jesu akanga achidzidzisa vateveri vake?

Vateveri vake havana kunzwa sokuti zvakanga zvakanaka kuti Mudzidzisi Mukuru avashandire nenzira iyi. Zvakavanyadzisa. Petro akanga achida kutoramba kuti Jesu amuitire basa rakaderera iri. Asi Jesu akataura kuti zvaikosha kwaari kuti ariite.

Nhasi hatiwanzogezana tsoka. Asi izvi zvaiitwa Jesu paaiva pasi pano. Unoziva here kuti nei?— Munyika yaigara Jesu nevateveri vake, vanhu vaipfeka hwashu mutsoka. Naizvozvo pavaifamba mumigwagwa ine huruva, tsoka dzavo dzaizara huruva. Waiva mutsa kugeza huruva patsoka dzomunhu aiuya mumba kuzoshanya.

Asi panguva ino hapana chero mumwe pavadzidzi vaJesu akanga ati aida kugeza tsoka dzevamwe. Naizvozvo Jesu akazviita iye pachake. Nokuita izvi, Jesu akadzidzisa vateveri vake chidzidzo chinokosha. Vaifanira kudzidza chidzidzo ichi. Uye chidzidzo icho isu nhasi tinofanira kudzidza.

Unoziva kuti chidzidzo chacho ndechei here?— Pashure pokunge Jesu apfeka nguo dzake dzokunze zvakare uye agarazve panzvimbo yake patafura, akatsanangura kuti: “Munoziva here zvandakuitirai? Munonditi ‘Mudzidzisi,’ uye, ‘Ishe,’ munotaura nemazvo, nokuti ndizvo zvandiri. Naizvozvo, kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kugezana tsoka.”—Johani 13:2-14.

Mwana ari kuunza poto kuvakadzi vaviri vari kugadzira chikafu

Chii chaungaita kuti ubatsire vamwe?

Pano Mudzidzisi Mukuru akaratidza kuti aida kuti vateveri vake vashandirane. Akanga asingadi kuti vangozvifunga chete. Akanga asingadi kuti vafunge kuti vaikosha zvikuru kwazvo zvokuti vamwe vaifanira kuvashandira nguva dzose. Aida kuti vave nechido chokuitira vamwe zvakanaka.

Ichocho chakanga chisiri chidzidzo chakanaka here?— Uchaita soMudzidzisi Mukuru here woitira vamwe vanhu zvakanaka?— Tose tinogona kuitira vamwe zvinhu. Izvi zvichavafadza. Asi chikuru pazvose, zvichafadza Jesu naBaba vake.

Vana vari kubatsira amai kuchenesa mumba

Hazvina kuoma kuitira vamwe vanhu zvinhu zvakanaka. Kana ukatarisa, uchaona zvinhu zvakawanda zvaunogona kuitira vamwe. Funga iye zvino: Pane chaunogona kuita here kuti ubatsire amai vako? Unoziva kuti vanokuitira zvinhu zvakawanda nevamwe vose vemhuri yenyu. Unogona kuvabatsira here?— Unodii kuvabvunza?

Zvimwe unogona kugadzira patafura mhuri yose isati yadya. Kana kuti zvimwe unogona kubvisa ndiro patafura pashure pokunge mhuri yose yapedza kudya. Vamwe vana vanoenda kunorasa marara zuva nezuva. Chipi nechipi chaungaita, uchange uchiitira vamwe, sezvakangoita Jesu.

Mukoma vari kubatsira munin’ina kuwaridza mubhedha wake

Une hanzvadzi nevanin’ina vaunogona kuitira zvimwe zvinhu zvakanaka here? Yeuka, Jesu, Mudzidzisi Mukuru, akaitira zvinhu zvakanaka kunyange vateveri vake. Nokuitira vanin’ina vako nehanzvadzi dzako zvinhu zvakanaka unenge uchitevedzera Jesu. Chii chaungavaitira?— Zvimwe ungavabatsira kudzidza kurongedza zvokutambisa zvavo kana vapedza kutamba. Kana kuti zvimwe ungavabatsira kupfeka. Kana kuti zvimwe ungavabatsira kuwaridza pavanorara. Pane zvimwe zvaunofunga zvaungavaitira here?— Vachakuda nemhaka yokuvaitira zvinhu izvi, sezvakaitawo vateveri vaJesu avo vakamuda.

Uyewo unogona kuitira vamwe vanhu zvakanaka kuchikoro. Vangave vaunodzidza navo kana kuti mudzidzisi wako. Kana mumwe munhu akadonhedza mabhuku ake, waizova mutsa kuti umubatsire kuanhonga. Kana uchida unogona kutaura kuti unoda kudzima bhodhi kana kuti kuitira mudzidzisi wako chimwe chinhu. Kunyange kubatira mumwe munhu musuo kuti usavharika ibasa romutsa.

Mukomana ari kubatsira mudzidzisi wake kudzima bhodhi; musikana aunzira mukadzi ari muwiricheya gorosari

Dzimwe nguva, tichaona kuti vanhu havatitendi nezvatinenge tavaitira. Unofunga izvi zvinofanira kutitadzisa kuita zvakanaka here?— Aiwa! Vanhu vazhinji havana kutenda Jesu nokuda kwemabasa ake akanaka. Asi izvozvo hazvina kumutadzisa kuramba achiita zvakanaka.

Naizvozvo ngatisamborega kuitira vamwe vanhu zvakanaka. Ngatiyeuke Mudzidzisi Mukuru, Jesu, uye nguva dzose toedza kutevera muenzaniso wake.

Nokuda kwemamwe magwaro pamusoro pokubatsira vamwe vanhu, verenga Zvirevo 3:27, 28; VaRoma 15:1, 2; naVaGaratiya 6:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe