RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 16
  • Vashumiri Veungano Vanobatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vashumiri Veungano Vanobatsira Sei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Vashumiri Veungano Vanoita Basa Rinokosha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kuchengeta Tsinhirano Pakati Pavakuru Navabatiri Vanoshumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Vabatiri Vanoshumira Vanoita Basa Rinokosha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Vakuru—Rovedzai Vamwe Kutakura Mitoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 16

CHIDZIDZO 16

Vashumiri Veungano Vanobatsira Sei?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Myanmar

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kudzidzisa pamusangano

[Mufananidzo uri papeji 19]

Boka reushumiri

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kushanda paImba yeUmambo

Bhaibheri rinotaura nezvemapoka maviri evarume vanoita mabasa muungano. Rinotaura “nezvevatariri nevashumiri veungano.” (VaFiripi 1:1) Kazhinji ungano imwe neimwe inenge iine hama dzakati kuti dzinoshumira sevakuru nevashumiri veungano. Vashumiri veungano vanoita mabasa api muungano?

Vanobatsira dare revakuru. Vashumiri veungano varume vakasimba pakunamata, vakavimbika, uye vanoita basa ravo nemazvo. Vamwe vacho vanenge vari vechidiki asi vamwe vanenge vati kurei. Vanoita mabasa anokosha anofanira kugara achiitwa muungano nepaImba yeUmambo. Izvi zvinoita kuti vakuru vakwanise kuisa pfungwa dzavo pakudzidzisa ungano uye pakuifudza.

Vanoita mabasa anobatsira ungano. Vamwe vashumiri veungano vanoshanda sevarindiri vachitambira vanhu vese vanouya pamisangano. Vamwe vanoona nezvegudzanzwi, kupa vanhu mabhuku, akaunzi dzeungano, uye kupa vanhu vemuungano ndima kana kuti nharaunda dzavanofanira kushanda pakuparidza. Vanobatsirawo pakuchengetedza Imba yeUmambo yakanaka. Vakuru vanogona kuvakumbirawo kuti vabatsire vakwegura vari muungano. Pasinei nekuti ibasa ripi ravapiwa, vashumiri veungano vanoda kuita mabasa iwayo uye izvi zvinoita kuti vese vari muungano vavaremekedze.—1 Timoti 3:13.

Vanoratidza muenzaniso wakanaka kune vamwe vaKristu. Vashumiri veungano vanosarudzwa kuti vaite basa ravo nekuti vanenge vaine unhu hwakanaka hunotarisirwa kuvaKristu. Pavanodzidzisa muungano vanosimbisa kutenda kwedu. Pavanotungamirira muushumiri, vanoita kuti tidewo kuita ushumiri. Vanoshandira pamwe nevakuru, uye izvozvo zvinoita kuti ungano ive nemufaro uye ibatane. (VaEfeso 4:16) Nekufamba kwenguva vanozogona kushandawo sevakuru muungano.

  • Vashumiri veungano vanhu vakaita sei?

  • Vashumiri veungano vanobatsira sei kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano?

DZIDZA ZVIMWE

Pese paunoenda kuImba yeUmambo, wana nguva yekuzivana nemumwe wevakuru kana vashumiri veungano kusvikira wava kuvaziva vese nemhuri dzavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe