RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 33 p. 82-p. 83 ndim. 2
  • Rute naNaomi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rute naNaomi
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Rute naNaome
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRute
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 33 p. 82-p. 83 ndim. 2
Naomi ari kuudza Rute kuti adzokere kumba

CHIDZIDZO 33

Rute naNaomi

Pakaitika nzara munyika yeIsraeri, mumwe mukadzi wechiIsraeri ainzi Naomi akatama ndokunogara kuMoabhi pamwe chete nemurume wake nevanakomana vavo vaviri. Kwapera nguva yakati, murume waNaomi akafa. Vanakomana vake vakaroora vakadzi vechiMoabhi vainzi Rute naOpa. Chinorwadza ndechekuti vanakomana vaNaomi vakazofawo.

Naomi paakanzwa kuti nzara yakanga yapera kuIsraeri, akasarudza kudzokera kumusha. Rute naOpa vakaendawo naye, asi pavakanga vari munzira, Naomi akavaudza kuti: ‘Maiva vakadzi vakanaka kuvanakomana vangu uye varoora vakanaka kwandiri. Ndinoda kuti mese muzoroorwa zvakare. Dzokerai kumba kuMoabhi.’ Vakadzi vacho vakati: ‘Tinokudai! Hatidi kukusiyai.’ Naomi akaramba achivaudza kuti vaende. Pakupedzisira, Opa akadzokera, asi Rute haana. Naomi akamuudza kuti: ‘Opa ari kudzokera kuvanhu vake navanamwari vake. Dzokerawo naye, uende kumba kwaamai vako.’ Asi Rute akati: ‘Handisi kuzokusiyai. Vanhu venyu vachavawo vanhu vangu, uye Mwari wenyu achavawo Mwari wangu.’ Unofunga kuti Naomi akanzwa sei Rute paakataura izvozvo?

Rute naNaomi vakasvika muIsraeri panguva yaitanga kukohwewa bhari. Rimwe zuva, Rute akaenda kunonhonga zvaisaririra pakukohwa mumunda memumwe murume ainzi Bhoazi, uyo aiva mwanakomana waRakabhi. Bhoazi akanzwa kuti Rute muMoabhi ainge aratidza kuvimbika nekugara naNaomi. Saka akaudza vashandi vake kuti vasakohwe vachipedza zvese mumunda kuitira kuti Rute awane zvekuunganidza.

Rute ari kunhonga bhari mumunda maBhoazi

Ava manheru, Naomi akabvunza Rute kuti: ‘Washanda mumunda maani nhasi?’ Rute akati: ‘Mumunda memurume anonzi Bhoazi.’ Naomi akati: ‘Bhoazi ndemumwe wehama dzemurume wangu. Ramba uchishanda mumunda make pamwe chete nevamwe vakadzi vechidiki. Unenge wakachengeteka ikoko.’

Naomi aina Bhoazi, Rute naObhedhi

Rute akaramba achishanda mumunda maBhoazi kusvikira nguva yekukohwa yapera. Bhoazi akaona kuti Rute aishanda nesimba uye aiva mukadzi aiita zvakanaka chaizvo. Mumazuva iwayo, zvainzi kana murume akafa asina vana vakomana, hama yake yaigona kuroora mudzimai wacho. Saka Bhoazi akaroora Rute. Vakava nemwanakomana ainzi Obhedhi, uyo akazova sekuru vaMambo Dhavhidhi. Shamwari dzaNaomi dzakafara chaizvo. Dzakati: ‘Pakutanga, Jehovha akakupa Rute, uyo ave achikuitira zvakanaka chaizvo, apa iye zvino wava nemuzukuru. Jehovha ngaakudzwe.’

“Kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”—Zvirevo 18:24

Mibvunzo: Rute akaratidza sei kuti aida Naomi? Jehovha akachengeta sei Rute naNaomi?

Rute 1:1–4:22; Mateu 1:5

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe