RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 84 p. 196-p. 197 ndim. 4
  • Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anogona Kutidzivirira
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Jesu Anonyaradza Dutu Mugungwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mutongi Ane Simba Pamamiriro Ekunze
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chikepe Chinovhunika Pachiwi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 84 p. 196-p. 197 ndim. 4
Jesu ari kufamba pamusoro pemvura uye anoudza Petro kuti auye kwaari

CHIDZIDZO 84

Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura

Jesu airapa vanorwara, aimutsa vakafa uyewo aitokwanisa kudzora mhepo nemvura inonaya. Paakapedza kunyengetera ari mugomo, Jesu akatarisa kuGungwa reGarireya iro raiva muzasi megomo, akabva aona kuine dutu. Vaapostora vake vakanga vari muchikepe uye vaiomerwa nekuchifambisa sezvo vaienda kwaibva nemhepo. Jesu akaburuka mugomo ndokubva atanga kufamba nepamusoro pemvura achienda kwaiva nechikepe chavo. Vaapostora vacho pavakaona munhu achifamba pamusoro pemvura, vakatanga kutya. Asi Jesu akavaudza kuti: ‘Ndini. Musatya henyu.’

Jesu ari kufamba pamusoro pemvura uye anoudza Petro kuti auye kwaari

Petro akati: ‘Ishe, kana murimi taurai kuti ndiuye ikoko.’ Jesu akaudza Petro kuti: ‘Uya.’ Saka Petro akabuda muchikepe ndokufamba pamusoro pemvura achienda kwaiva naJesu, dutu richirova zvakasimba kudaro. Asi paakanga ava kusvika pedyo naye, Petro akatarisa dutu ndokutanga kutya. Akabva atanga kunyura. Petro akashevedzera kuti: ‘Ishe, ndiponesei!’ Jesu akamubata ruoko akati: ‘Nei watanga kutya? Kutenda kwako kuri kupi?’

Jesu naPetro vakakwira muchikepe uye dutu racho rakabva rangopera. Chimbofungidzira kuti vaapostora vakanzwa sei? Vakati: “Chokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.”

Apa hapasiripo pega pakachinjwa mamiriro ekunze naJesu. Rimwe zuva, Jesu nevaapostora vake pavakanga vari muchikepe vachienda kune rimwe divi regungwa, Jesu akanorara nechekumashure muchikepe. Paakanga akarara, kwakauya mhepo yakasimba. Mafungu akarova chikepe uye chikepe chakanga chava kuzara mvura. Vaapostora vakamutsa Jesu vachishevedzera kuti: ‘Mudzidzisi, tava kufa! Tibatsireiwo!’ Jesu akamuka ndokubva ati kugungwa: “Nyarara!” Mhepo negungwa zvakabva zvangodzikama. Jesu akabvunza vaapostora vake kuti: ‘Kutenda kwenyu kuri kupi?’ Vakatanga kutaurirana vachiti: “Kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera.” Vaapostora vakadzidza kuti hapana chavaimbofanira kutya kana vachinyatsovimba naJesu.

“Ndingadai ndiri kupi kudai ndisina kutenda kuti ndaizoona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu?”—Pisarema 27:13

Mibvunzo: Nei Petro akatanga kunyura? Vaapostora vakadzidzei kubva kuna Jesu?

Mateu 8:23-27; 14:23-34; Mako 4:35-41; 6:45-52; Ruka 8:22-25; Johani 6:16-21

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe