RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 6
  • Usatye Munhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usatye Munhu
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akazviita Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
  • Tevedzera Jesu
  • Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Unoparidza Usingatyi Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 6

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

Jesu achiudza Zakeyo kuti aburuke mumuti, vanhu vakatarisa vachishamiswa nazvo.

Ruka 19:​1-7

CHIDZIDZO 6

Usatye Munhu

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari.”—1 VaT. 2:2.

Jesu Akazviita Sei?

Jesu achiudza Zakeyo kuti aburuke mumuti, vanhu vakatarisa vachishamiswa nazvo.

VHIDHIYO: Jesu Anoparidzira Zakeyo

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Ruka 19:​1-7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Chii chaigona kuita kuti vanhu vazeze kutaura naZakeyo?

  2. Chii chakaita kuti Jesu amuparidzire pasinei naizvozvo?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Tinofanira kuzvishingisa kuti tiparidzire mashoko eUmambo tisingasarure vanhu.

Tevedzera Jesu

3. Vimba naJehovha. Mweya waMwari wakapa Jesu simba rekuparidza, uye unogona kukupawo iwe simba iroro. (Mat. 10:​19, 20; Ruka 4:18) Kumbira Jehovha kuti akushingise kuparidzira vanhu vaungaona sevanotyisa.—Mab. 4:29.

4. Usafungira munhu usati wataura naye. Tinogona kutya kutaura nemunhu pamusana pezvaakaita, chinzvimbo chaainacho, mari yake, kana kuti zvaanotenda. Asi yeuka kuti:

  1. Jehovha naJesu vanogona kuziva zviri mumwoyo memunhu; asi isu hatizvikwanisi.

  2. Hapana munhu anonzi haakwanisi kunzwirwa tsitsi naJehovha.

5. Usatye munhu, asi ngwarira matauriro aunoita. (Mat. 10:16) Usaitisana nharo nemunhu. Misa nyaya yacho zvakanakanaka kana ukaona kuti haasi kuteerera kana kuti ari kukuitira hasha.—Zvir. 17:14.

ONAWO

Mab. 4:31; VaEf. 6:​19, 20; 2 Tim. 1:7

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe