RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 2/1 pp. 15-20
  • Iwe Uchava Chapupu chaMwari Wechokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iwe Uchava Chapupu chaMwari Wechokwadi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Denho Kuvamwe Vamwari
  • “Muchavaziva Nezvibereko Zvavo”
  • Ndivanaani Vari Kupupurira Jehovha?
  • Kupupurira Pamusoro poUmambo
  • Kutevedzera Rudo rwaMwari
  • Chitambudzo Chinowedzera Uchapupu
  • Kuunganidzwa kweZvapupu zvaMwari Wechokwadi
  • Mhaka Yedare Yenyika Yose Iyo Inokubatanidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Namata Mwari Upi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Ichokwadi Here Kuti Machechi Ose Anogamuchirwa naMwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 2/1 pp. 15-20

Iwe Uchava Chapupu chaMwari Wechokwadi Here?

“‘Imi muri zvapupu zvangu, ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye ini ndini Mwari.’”—ISAYA 43:12, NW.

1. Tinofanirireiko kukudza Mwari wechokwadi?

CHINGUVANA Jesu asati afa, iye ‘akatarira kudenga’ kuti anyengetere. Iye akataura Uyo akanga achinyengetera kwaari sa“Mwari mumwe bedzi wechokwadi.” (Johane 17:1, 3, NW) Nenzira ine mufungo, kunogona kungova bedzi naMwari mumwe mupenyu nowachokwadi, Changamire wenyika, Musiki. Sezvo tine ngava yokuvapo kwedu kuna Mwari wechokwadi, tinofanira kumupa rukudzo rwaanofanirwa narwo. Zvakazarurwa 4:11 inokutaura, ichiti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”

2. (a) Chii chiri chine mufungo kudavira pamusoro paMwari wechokwadi? (b) Iye anokurukura sei naavo vanoda kumunamata?

2 Kwaizova kune mufungo kukarira kuti Mwari wechokwadi haasati aizoshivirira nokusingaperi migariro yakashata iyo yakashatisa zvisiko zvake zvapasi. Uye kwaizovawo kune mufungo kudavira kuti iye aizochengeta vanamati vake vachiziviswa pamusoro peicho achaita uye icho iye anoda kuti vaite asati aita marutongeso ake. (Amosi 3:7) Iye anokurukura sei navatsvaki vezvokwadi? Iye anoshandisa vanhu vanodisa savatauriri vake. “‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndiko kutaura kwaJehovha . . . ‘Hakuno mumwe mwari wakaumbwa pamberi pangu, uye pashure pangu pakapfuurira kusava nomumwe. Ini—ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuno muponesi.’” (Isaya 43:10, 11, NW) Asi munhu anogona sei kuziva avo Mwari wechokwadi anoshandisa sezvapupu zvake? Ivo, uye shoko ravo, vakasiana sei navanamati vavamwe vamwari?

Denho Kuvamwe Vamwari

3. Idenhoi iyo Jehovha anopa kuvamwe vamwari vose?

3 Jehovha akafuridzira Isaya kunyora iyi denho kuvamwe vamwari vose: “Ndianiko pakati pavo [vamwari vamarudzi navanhu] ungatiudza izvozvi, ungatiratidza [uporofita hwechokwadi]? Ungatiratidza zvinhu [zvichaitika munguva yemberi]? Ngavauye [savamwari] nezvapupu zvavo, varuramiswe [savamwari]; ngavanzwe [vanhu vamarudzi], vati: ‘Izvokwadi.’” (Isaya 43:9) Nokudaro Jehovha anodenha vamwari vose avo vanhu vanonamata kubvumikisa kuti ivo vamwari. Zvapupu zvavo zvinofanira kubudisa ufakazi hwokuti vamwari vavo vakavimbika uye vakafanirwa nokunamatwa.

4. Tinoziva sei kuti vamwari vamarudzi akare vakanga vasina maturo?

4 Asi chii icho vamwari ivavo navanamati vavo vakabudisa? Ko ivo vakatitungamirira here kurugare rwechokwadi, budiriro, utano, uye upenyu? Nhau inopupurira kuti vamwari vazhinji vamarudzi akare vakabvumikisa kuva vasingakoshi navasina simba. Ivo havana kugona kunyange kupukunyuka sezvinhu zvenamatwo, sezvo ivo vasipo nhasi. Vamwari vazhinji veEgipita yakare, Asiria, Bhabhironi, Medo-Persia, Girisi, Roma, uye mamwe marudzi vakabvumikisa kuva venhema. Ivo vanongovapo bedzi mumabhuku enhau kana kuti mumamiyiziyemu umo mifananidzo yavo inongova zvayo zvinhu zvefariro.

5. Chii chatingabvunza pamusoro pavamwari vomunguva dzazvino uno?

5 Bva, vamwari vazvino uno navanamati vavo vambori nani here kupfuura vakare vavo? Rudzidziso rweHindu rwoga rune mamirioni avamwari. VaBuddha, vaKaturike, vaConfucia, vaJudha, maPurotesitendi, maShinto, maTaoist, uye mamwe mazhinji ane vamwari vavo vamene. MuAfrica, Asia, uye kune imwe nzvimbo, masimba omusikirwo, mhuka, uye zvinhu zvinonamatwa savamwari. Urudzi nokudisa zvenyika, uye kunyange munhu amene, zvazova vamwari, mukuti vanhu vazhinji vanozvipa kuzvipira kwavo kukuru. Inzira ipi yenamato inomirira zvomenemene uyo anozivisa kuti: “Ndini Jehovha, hakuno mumwe; kunze kwangu hakuno mumwe Mwari”?—Isaya 45:5.

“Muchavaziva Nezvibereko Zvavo”

6. Tinogona sei kusianisa namato yechokwadi nenamato yenhema?

6 Jesu akavanzarika murairo wakavimbika wokuziva nawo chiri chechokwadi kana kuti chenhema pamusoro porudzidziso. Iye akati: “Muchavaziva nezvibereko zvavo. . . . Muti mumwe nomumwe unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. . . . Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto.” (Mateo 7:16-19) Nokudaro, kuti tizive Mwari wechokwadi kubva pavenhema, uye vanamati vechokwadi kubva pane venhema, tinofanira kunzvera zvavanobereka. Ko zvibereko zvavo “zvakanaka” here, kana kuti “zvakaipa” here?

7. Chii icho nhau yezana rino ramakore inotiudza pamusoro pamarudzidziso enyika ino?

7 Somuenzaniso, ndorupi rwamarudzidziso enyika rwakatanga rugare rwechokwadi pakati pavatsigiri varwo mupasi rose? Zvirokwazvo, mitezo yorudzidziso rwechokwadi, hama dzomudzimu, haisati ichifanira kuva ichiurayana. Asi vanhu vane mamirioni zana vakaurawa muhondo dzezana rino ramakore rechi 20, uye hondo dzose idzodzo dzakatsigirwa namarudzidziso enyika ino. Somuuyo, vanhu vorudzidziso vakauraya vamwe vanhu vorudzidziso. Yakawanda yenguva yacho, ivo vakauraya vanhu vorudzidziso rwavo vamene. VaKaturike vakauraya VaKaturike, maPurotesitendi akauraya maPurotesitendi, maMuslim akauraya maMuslim, uye avo vamamwe marudzidziso vakatevera nzira imwe cheteyo.

8. Vacherechedzi vanotsinhira sei pamusoro pekundikano yorudzidziso munguva yedu?

8 Muchikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chine musoro unoti: “Masimba Masimba Akaitwa Muzita raMwari” Mike Royko, sokunge ari kutaura kuna Mwari, akataura nezvamarudzidziso enyika ino, kuti: “Iwo ari kuratidzira kuzvipira kwawo kwamuri kupfurikidza nokuurayana mumazana. Ndinofunga kuti iwo anorangarira kuti kana rumwe rutivi rukagona kuparadzanya rumwe, kuchabvumikisa kuti nzira yawo yokukunamatai yakarurama.” Iye akataura kuti nepo papa achizviratidzira amene somunhu ane rugare, “vateveri vake vakazivikanwa kuva vakadeura magaroni ane mamirioni mashomanene eropa apo vanoshatirwa.” Uyewo, apo aichimbova purezidhendi weUnited States Carter akataura kuti “nyika yapenga,” iye akati: “Kupwiswa kukuru kworudzidziso, uko kunofanira kusunga vanhu murudo, kunoratidzika kazhinji kazhinji kuva rutivi rwoupengo nokuponda.”

9. Neiko tisingafaniri kutevera “vamwari vasina maturo”?

9 Chibereko chisina maturo chakadaro imhesano yeicho chinofanira kuberekwa naavo vanonamata Mwari wechokwadi. (VaGaratia 5:19-23) Nokudaro, avo vanotsigira marudzidziso anorwa hondo nouzivi rutivi rwenamato yenhema sezvakanga zvakaita vaEgipita, vaAsiria, vaBhabhironi vekare, uye vamwe vakatarira ku“vamwari venhando vasingatauri.” (Habhakuki 2:18) Uye seizvo shoko rouporofita raMwari wechokwadi rakazadzikwa panamato yenhema yakare, naizvozvo richadaro munguva yedu: “Zvifananidzo zvichapera chose.” (Isaya 2:18) Yakavimbika ndiyo nyevero yake: “Musazvitendeudzira mumene kuvamwari vasina maturo.”—Revhitiko 19:4, NW.

Ndivanaani Vari Kupupurira Jehovha?

10. Ko vatsigiri vamarudzidziso enyika ino zvapupu zvaMwari wechokwadi here?

10 Chapupu chaMwari wechokwadi chinofanira kuva munhu anopupura pamusoro Pake. Ko vatsigiri vamarudzidziso enyika ino vanopa uchapupu hwakadaro here? Kazhinji sei apo vanhu vamarudzidziso iwaya vanotaura kwauri pamusoro penamato yavo? Ndirini pavakashanyira musha wako kuti vapupure pamusoro pamwari wavo? Denho iyo Mwari wechokwadi akabudisa kuvenhema kuti vabudise zvapupu haiteererwi. Vanhu vamarudzidziso enyika ino havapi uchapupu hwakadaro. Ivo havagoni kukuudza uyo ari Mwari wechokwadi kana kuti ari madonzo ake. Vakuru vavo vorudzidziso vakakundikana kuvadzidzisa zvokwadi. “Mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”—Mateo 15:14.

11. Ndivanaani bedzi vari kupa uchapupu kuzita raMwari wechokwadi?

11 Ndivanaani vanodisa kupa nguva, pfuma yokunyama, kunyange upenyu hwavo, kuti vapupurire Mwari wechokwadi? Ndivanaani vanoudza vanhu kuti Mwari wechokwadi anozivisa kuti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu”? (Isaya 42:8) Ndivanaani vanodzidzisa vanhu kuti, “imi, mune zita rinonzi Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro pamusoro papasi rose”? (Pisarema 83:18, NW) Munguva yake, Jesu aigona kutaura kuna Mwari wechokwadi, kuti: “Ndakaratidza zita renyu.” (Johane 17:6) Munguva yedu, Zvapupu zvaJehovha bedzi zvinogona kutaura izvozvo. Rakakodzera sei zita razvo—Zvapupu zvaJehovha!

Kupupurira Pamusoro poUmambo

12. Idzidzisoi inokosha iyo zvapupu zvechokwadi zvinofanira kuva zvichiudza vamwe?

12 Mukuwedzera kukuzivisa zita raMwari wechokwadi, chii, zvikurukuru, icho zvapupu zvake zvaizova zvichitaura pamusoro pamadonzo ake? Jesu akagadza muenzaniso kupfurikidza nokudzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari wechokwadi, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateo 6:10, NW) Umambo hwaMwari hwokudenga ndihwo hurumende iyo pakupedzisira ichatonga pasi rose. (Dhanieri 2:44) Hwakanga huri musoro wokudzidzisa kwaJesu. (Mateo 4:23) Nemhaka yokuti Umambo ndihwo mhinduro bedzi yenhamo dzavanhu, iye akakurudzira, kuti: “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.”—Mateo 6:33, NW.

13. (a) Chii chinoratidza maidi pamusoro pokuparidzira kweZvapupu zvaJehovha pamusoro poUmambo hwaMwari? (b) Kuparidzira Umambo hufakazi sei hwokuti Jehovha ndiye Mwari bedzi wouporofita hwechokwadi?

13 Ndivanaani nhasi vanopupurira Umambo hwaMwari? Purofesa C. S. Braden, mudzidzi anoshingaira wamarudzidziso enyika, akati: “Zvapupu zvaJehovha zvakafukidza chaizvoizvo pasi nokupupurira kwazvo. . . . Kungataurwa zvirokwazvo kuti hakuna boka rimwe rorudzidziso munyika rakaratidzira shingairo huru norutsungiriro mukuedza kuparadzira mashoko akanaka oUmambo kupfuura Zvapupu zvaJehovha.” Asi iye akanyora izvozvo anodokusvika makore 40 apfuura! Nhasi uchapupu hukuru zvikuru hwoUmambo huri kuitwa, nokuti zvino kune Zvapupu zvakawanda nakanopfuura kagumi zvino! Mamirioni matatu nehafu azvo, mudzinopfuura ungano 54 900 mupasi rose, ari kupupurira Umambo, uye zviverengero zvazvo zviri kukura nokukurumidza. Ichi chibereko chakaisvonaka hufakazi hwokuti Jehovha ndiMwari wouporofita hwechokwadi. Iye ndiye akafuridzira Mwanakomana wake, Jesu, kudeya kutaura pamusoro penguva yedu, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW; Johane 8:28.

Kutevedzera Rudo rwaMwari

14. Ivarai iro zvapupu zvechokwadi zvaMwari zvinofanira kutevedzera, uye kunorevei kana vasati?

14 Zvapupu zvechokwadi zvaMwari zvinofanira kutevedzera vara rake gurusa—rudo. “Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Zvamazvirokwazvo, “vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo usingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane; tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akauraya munun’una wake.”—1 Johane 3:10-12.

15. Neiko tichigona kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzira rudo rwechokwadi?

15 Zvapupu zvaJehovha zvoga zvine rudzi irworwo rworudo. Izvo hazviteri kuvamwari vehondo, vourudzi, uye voudzinza. Izvo hazvitsigiri hondo dzipi nedzipi dzenyika ino naizvozvo hazvitongopindi mumugariro umo zvingatsigira kuurawa kwehama dzazvo dzomudzimu dziri mumamwe mativi enyika. Izvo, sezvakataura Jesu, “hazvisati zviri rutivi rwenyika” uye ‘zvakaisa pasi munondo.’—Johane 17:14, NW; Mateo 26:52.

16. Vamwe vanobetsera sei kuziva zvapupu zvechokwadi zvaMwari?

16 Fundo yaiva nomusoro unoti “Zvakawanda Pamusoro Pokururamisa Masimba Masimba” yakati: “Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvakachengeta chimiro chazvo cho‘kusatora rutivi kwechiKristu’ kusina masimba masimba . . . Chimiro chazvo chinopfuurira chokurwisana nebasa rehondo rechimiro chipi nechipi, rehondo kana kuti rehurumende, uye kuramba kwazvo kukudza zviratidziro zvokuzivikanwa kworudzi zvakaguma nenhambo dzechitambudzo, kuiswa mutorongo, uye chiito chenyongori munyika dzakawanda . . . Zvapupu, zvisinei, hazvina kutongopindura namasimba masimba.” Pepanhau reBrazil O Tempo rakati nezvazvo: “Kunyange zvazvo kune marudzidziso akawanda anoorora neparadziro yawo mumativi ose apasi, hakuna rumwe ruri pamusoro papasi nhasi runoratidzira rudo rumwe cheterwo.” Rudo irworwu rwechokwadi, Jesu akazivisa kudaro, runozivisa Zvapupu zvechokwadi zvaMwari. “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.”—Johane 13:35, NW.

Chitambudzo Chinowedzera Uchapupu

17, 18. Muenzanisoi wemisi ichangobva kupfuura iyi unoratidza kuti chitambudzo chinogona sei kuwedzera kuuchapupu hwoUmambo?

17 Chitambudzo chinogona kunyange kuguma nouchapupu hwakafara zvikuru hwoUmambo. Somuenzaniso, muIndia munongova nezvapupu zvaJehovha 8 000 bedzi. Bva, misi ichangobva kupfuura iyi zita raJehovha namadonzo zvakapiwa ziviso huru munyika iyoyo kupfurikidza neizvo vana 11 Zvapupu vakaita mukutevedzerwa kwamaKristu omuzana rokutanga ramakore avo vakati kudare: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29) Vana veIndia vakanga vadzingwa muchikoro nokuda kwokusaimba rwiyo rworudzi. Asi Dare Gurusa reIndia rakataura, sezvakashumwa muDeccan Herald of Bangalore, kuti “hapana musengwa munyika ino wokuimba Rwiyo rwoRudzi.” Dare rakataura kuti vana “vakanga varatidza ruremekedzo rwakafanira” uye kuti kusaimba kwavo “hakuna munzira ipi neipi kuguma nokusazviisa pasi.” Dare rakaraira kuti vana vadzorerwe kuchikoro.

18 Pepanhau rimwe chetero rakatiwo: “Ava vana vakaramba kuimba Rwiyo rwoRudzi nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinozvirangarira zvimene kuva maKristu uye zvakazvipira chose chose kuUmambo hwaMwari. . . . Ivo naizvozvo havatori rutivi muupi noupi womubato wezvamatongerwe enyika weHurumende.” Uyewo, The Telegraph yeCalcutta yakashuma, kuti: “Chiito chavana vechikoro chakajekesawo . . . Zvapupu zvaJehovha, izvo zvakanga zvaramba zvakadzikatidzwa zvikuru munyika yedu kusvikira misi ichangobva kupfuura iyi.” Hungu, ‘aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose’ mugumo usati wasvika.—Mateo 24:14.

Kuunganidzwa kweZvapupu zvaMwari Wechokwadi

19. Vanhu vane mwoyo wakatendeseka vanofanira kuitei kana vachida kunamata Mwari wechokwadi?

19 Nhasi, Mwari wechokwadi, Jehovha, ari kuita kuti vanhu vake vapupurire uchangamire hwake namadonzo. Sezvavanozivisa shoko rake nesimba guru nguva dzose, iye anounganidza zviverengero zvinowedzera zvavanhu vane mwoyo wakatendeseka vanobva mumarudzi ose vachipinda musonganirano navanamati vake. (Isaya 2:2-4) Ivo vanorega vamwari vavo venhema ndokutendeukira kukunamatwa kwaMwari wechokwadi, kungofanana naavo vaida kunamata Jehovha vakasunungurwa muutapwa kuBhabhironi rakare, umo kunamatwa kwavamwari venhema kwakanga kwakapararira.—Isaya 43:14.

20, 21. Neiko kuri kwokukurumidzira kusiya vamwari venhema zvino ndokusangova bedzi vayevi?

20 Ko iwe uchava chapupu chaMwari wechokwadi here? Ko iwe uchatsigira kunamata kwechokwadi ndokudzivisa kugoverana mhaka yeropa netsika dzakashata zvenyika ino navamwari vayo venhema here? Shoko raMwari rinokurudzira, kuti: “Budai mariri [namato yenhema yechiBhabhironi], vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4) Hungu, “budai,” ita chiito kusati kwava kunyanyononoka! Rega kuva akafanana nomurume uyo, paakabvunzwa pamusoro pechido chake chorudzidziso namagazini eKaturike, akati: “Ndinofunga kuti ndiri Muyevi waJehovha. Ndinodavira zvakawanda zvikuru izvo Zvapupu zvaJehovha zvinodavira—asi handidi kuva anobatanidzwa.”

21 Zvisinei, munhu ari wose ari pasi pano achakurumidza kubatanidzwa apo Jehovha anouraya vamwari venhema venyika ino navanamati vavo: “Vamwari vasina kuita denga nenyika, ndivo vachapera panyika napasi pedenga rose.” (Jeremia 10:11) Hakusati kuchizova navayevi panguva iyeyo. Kuchangova bedzi naavo vari zvapupu zvaMwari wechokwadi naavo vasiri. (Mateo 24:37-39; 2 Petro 2:5; Zvakazarurwa 7:9-15) Ko iwe uchava chapupu chaMwari wechokwadi here? Unofanira, nokuti “Mwari ndiye Mwari unotirwira; Jehovha Ishe ndiye une nzira dzokubuda murufu.”—Pisarema 68:20.

Mibvunzo Yehwirudzuro

◻ Idenhoi iyo Mwari wechokwadi anopa kuvamwari venhema?

◻ Tinogona kusianisa namato yechokwadi nenamato yenhema nomurairoi wakavimbika?

◻ Chiberekoi chinoratidza vamwari venyika ino kuva vasina maturo savakare?

◻ Chiberekoi chakaisvonaka icho zvapupu zvaMwari wechokwadi zvinofanira kuva zvichibereka, uye ndivanaani vari kuchiratidzira?

◻ Neiko kuri kwokukurumidzira kuita chiito zvino chokurega namato yenhema?

[Mifananidzo iri papeji 16]

Vamwari vasina maturo vamarudzi akare vakaguma kuvapo sezvinhu zvokunamatwa

[Mufananidzo uri papeji 17]

Muzana redu ramakore vanhu vanenge mamirioni ane zana vakaurawa muhondo dzinotsigirwa namarudzidziso enyika ino

[Kwazvakatorwa]

U.S. Army photo

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jesu akataura kuti zvapupu zvechokwadi zvaizozivikanwa norudo rwazvinarwo pakati pazvo zvimene

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe