Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kuzvininipisa paPaseka Yokupedzisira
PETRO naJohane, mumiraidzo yakabva kuna Jesu, vatosvika muJerusarema kuzoita gadziriro dzePaseka. Jesu, sezviri pachena pamwe chete navamwe vaapostora gumi, anosvika gare gare mumasikati. Zuva rava kunyura pajengachenga sezvo Jesu neboka rake vanoburuka muGomo reMiorivhi ndokuyambuka Mupata weKidroni. Ichi ndicho chiono chamasikati chokupedzisira chaJesu cheguta kusvikira pashure porumuko rwake.
Nokukurumidza Jesu neboka rake vanosvika muguta ndokuenda kumusha uko ivo vachachengetera Paseka. Ivo vanokwira manera vachienda mukamuri rapamusoro guru, umo ivo vanowana gadziriro dzose dzaitwa nokuda kwokuchengeta kwavo Paseka vari voga. Jesu akatarira mberi kuiyi nguva, sezvo iye anoti: “Ndakashuva zvikuru kwazvo kudya iyi Paseka nemi ndisati ndatambudzika.”—NW.
Namagamuchidzanwa, mikombe mina yewaini inonwiwa navatori rutivi vePaseka. Pashure pokugamuchira uyo sezviri pachena uri mukombe wechitatu, Jesu anopa kuonga uye anoti: “Torai iwoyu uye upfuudzei kuno mumwe nomumwe pakati penyu mumene; nokuti ndinokuudzai, Kuvambira zvino zvichienda mberi handisati ndichizonwa zvakare zvibereko zvomuzambiringa kutozosvikira umambo hwaMwari hwasvika.”—NW.
Pane imwe nguva mukati mechidyo, Jesu anosimuka, anoisa parutivi nguvo dzake dzokunze, anotora tauro, uye anozadza shambiro nemvura. Kazhinji kazhinji, mugamuchiri aiona kuti tsoka dzomuenzi dzashambidzwa. Asi sezvo paiyi nhambo pasina mugamuchiri aripo, Jesu anotarisira iri basa romunhu oga. Upi noupi wavaapostora aigona kuva akabata banza rokukuita; bva, sezviri pachena nemhaka yokuti gakava richiri pakati pavo, hapana anodavira. Zvino ivo vanokwenudzwa sezvo Jesu anovamba kushambidza tsoka dzavo.
Apo Jesu anosvika kwaari, Petro anoramba, achiti: “Imi zvamazvirokwazvo hamusati muchizotongoshambidza tsoka dzangu.”—NW.
“Kutoti ndikakushambidza, hauna rutivi neni,” Jesu anodaro.—NW.
“Ishe,” Petro anopindura, “kwete tsoka dzangu bedzi, asi maoko angu nomusoro wangu.”—NW.
“Uyo ashamba,” Jesu anopindura, “haadi kuita kuti dzinopfuura tsoka dzake dzishambidzwe, asi achena chose chose. Uye imi vanhu machena, asi kwete mose.” (NW) Iye anotaura ikoku nemhaka yokuti anoziva kuti Judhasi Iskarioti ari kuronga kumushambadza.
Apo Jesu apedza kushambidza tsoka dzavane 12 vose, kubatanidza tsoka dzomushambadzi wake, Judhasi, iye anopfeka nguvo dzake dzokunze uye anogara patafura zvakare. Ipapo iye anobvunza, kuti: “Munoziva zvandaita kwamuri here? Munonditi, ‘Mudzidzisi,’ uye ‘Ishe,’ uye munotaura zvakarurama, nokuti ndakadaro. Naizvozvo, kana imi, kunyange zvazvo ndiri Ishe noMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imiwo munofanirawo kushambidza tsoka dzomumwe nomumwe. Nokuti ndakugadzirai muenzaniso, kuti, sezvandangoita kwamuri, munofanira kuitawo. Zvamazvirokwazvo ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru zvikuru kupfuura tenzi wake, uyewo uyo akatumwa mukuru zvikuru kupfuura uyo akatuma. Kana muchiziva zvinhu izvozvi, munofara kana muchizviita.”—NW.
Chifundo chakaisvonaka zvakadini mubasa rokuzvininipisa! Vaapostora havasati vachifanira kuva vachitsvaka nzvimbo yokutanga, vachifunga kuti vanokosha kwazvo zvokuti vamwe vanofanira kuvabatira nguva dzose. Ivo vanofanira kutevera muenzaniso wakagadzwa naJesu. Iwoyu hausati uri wokushambidzwa kwetsoka kwomuitiro. Aiwa, asi wokudisa kubatira pasina rusaruro, pasinei zvapo nokuti basa racho ringava rakaderera kana kuti risingafadzi sei. Mateo 26:20, 21; Marko 14:17, 18; Ruka 22:14-18; 7:44; Johane 13:1-17.
◆ Chii chiri chechienzi pamusoro pomurangariro waJesu weJerusarema sezvo anopinda kuzochengeta Paseka?
◆ Mukati mePaseka, sezviri pachena mukombei Jesu anoita kuti upfuudzwe kuvaapostora 12 pashure pokutaura chikomborero?
◆ Ibasai romunhu oga raiwanzogoverwa vaenzi apo Jesu akanga ari pasi pano, uye neiko risina kugoverwa mukati mePaseka yakachengetwa naJesu navaapostora?
◆ Chii chakanga chiri donzo raJesu mukuita basa rakaderera rokushambidza tsoka dzavaapostora vake?