Chii Chiri Kuita Munhu Kupasi?
MAZANA MATATU amakore apfuura, munhu aigara pedyo zvikuru nechisiko. Zvikurusa, iye haana kutyisidzirwa nechinjo dzakaitwa nomunhu kumhoteredzo yapasi nenzira yaanoitwa nayo nhasi. Chinjo mumabasa okugadzira zvinhu yakanga isati yavamba. Kwakanga kusina zviteshi zvamagetsi, mafekitari, motokari, kana kuti mamwe manyuko okushatisa kwakapararira. Mufungo wokuparadza kwomunhu pasi rose ungave waiva wakamuomera kufungidzira.
Bva, kunyange shure panguva iyeyo, nyevero pamusoro pokuparadzwa kwapasi yakanga ichiparadzirwa zvakafara. Nyevero iyoyo yakawanwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, uye iro rakadeya kutaura nguva apo Mwari aizopindira muzvinhu zvomunhu kuti “aparadze avo vanoparadza pasi.”—Zvakazarurwa 11:17, 18, NW.
Kunonyaradza sei nokuda kwavose vanoitira hanya pamusoro pokubata zvisakafanira kwomunhu kwazvino uno pasi kuziva kuti Musiki wepasi redu rakaisvonaka acharidzivirira pakuparadzwa! ‘Asika,’ ungashamisika, ‘tasvika chaizvoizvo here mugariro wakakomba wakadaro zvokuti kupindira kwaMwari kunodikanwa?’ Eya, rangarira mamwe amaidi ndokuzvisarudzira umene.
Masango
Masango anonatsa pasi uye anogovera zvokudya nepokugara nokuda kwamamirioni anoverengeka amarudzi akasiana-siana. Sezvo miti inokura ndokugadzira zvokudya, inoita mamwe mabasa anokosha, zvakadai sokupinza carbon dioxide nokubudisa oxygen inokosha. Nomutoo iwoyo, National Geographic inoti, “iyo inopa mushonga mumwe kukudziya kwapasi uko kunotyisidzira upenyu pasi pano sezvatinokuziva.”
Asi munhu ari kuparadza nhaka yake yamasango. Masango eNorth America neEurope ari kufa nokushatiswa. Uye zvido zvamarudzi ane mabasa okugadzira zvinhu zviri kuuraya masango omurutivi rwapasi runopisa. Rimwe pepanhau reAfrica rakatsanangura kuti muna 1989, “mamita ana makubiti mamirioni 66 [emiti yomunzvimbo yapasi inopisa akanga] achikarirwa kutumirwa kudzimwe nyika—48 muzana kuJapan, 40 muzana kuEurope.”
Uyewo, mudzimwe nyika, varimi vanopisa masango kuti vaite munda wokurima. Nokukurumidza ivhu romusango risina kusimba rinoneta, uye varimi vanofanira kupisa rimwe sango. Kunorangarirwa kuti muzana rino ramakore moga, inodokusvika hafu yamasango enyika yakaparara.
Makungwa
Makungwa apasi anoitawo basa rinokosha mukuchenesa mhepo yakapoteredza pasi, uye mibato yomunhu iri kuaparadza. Mwero mikuru yecarbon dioxide inotorwa namakungwa. Uyewo, tumiti twomumvura tunopinza carbon dioxide uye tunobudisa oxygen. Dr. George Small anotsanangura ukoshi hweiri denderedzwa roupenyu: “70 muzana yeoxygen inowedzerwa kumhepo yakapoteredza pasi gore rimwe nerimwe inobva mutupuka twomugungwa.” Bva, mamwe masaendisiti anonyevera kuti tumiti twomumvura tungagona kuderedzwa nenzira yakakomba nemhaka yokuderera kwemhepo inofadza zvikuru iri mumhepo yakapoteredza pasi, uko kunodavirwa kuva kunoparirwa nomunhu.
Uyewo, munhu anorasira marara, mafuta, uye kunyange tsvina ine chepfu mugungwa. Nepo dzimwe nyika dzichibvuma kuganhurira tsvina yadzinobvumira kurasirwa mugungwa, dzimwe dzinoramba. Rumwe rudzi rwokuMadokero runotochengeta maruramiro okurasira tsvina yenyukireya mugungwa. Muongorori wegungwa ane mukurumbira Jacques Cousteau anonyevera, kuti: “Tinofanira kuchengetedza makungwa kana tichida kuponesa rudzi rwomunhu.”
Mvura Yokunwa
Munhu ari kuparadza kunyange mvura yake yokunwa! Munyika dzine urombo, mamirioni avanhu anofa gore rimwe nerimwe nemhaka yemvura yakashatiswa. Mumarudzi akapfuma zvikuru, manyuko emvura ari kushatiswa, pakati pezvimwe zvinhu, nefetiraiza nemishonga inouraya zvipembenene izvo zvinopinda munzizi ndokusininika zvichipinda mumvura yapasi. Muna 1986 kugadzira kwenyika mishonga inouraya zvipembenene kwakanga kuri matani ana mamirioni 2,3, uye mwero wewedzero unoshumwa kuva 12 muzana pagore.
Mamwe manyuko okushatisa zvirasiro zvamakemikoro. “Madhiramu esimbi ane makemikoro,” inotsanangura kudaro Scientific American, “haasiri chinhu kunze kwamabhomba anoputika panguva yakatarwa ayo achaputika apo anopera nengura.” Rudzi urwu rwokushatisa, magazini yacho inowedzera, rwuri kuitika “munyika yose muzviuru zvezvirasiro zvamakemikoro.”
Muuyo wacho? Mupasi rose, nzizi dzaichimbova dzakachena dziri kushandurwa kuva pombi dzetsvina dzomumabasa okugadzira zvinhu. Kunorangarirwa kuti vaEurope vana mamirioni 20 vanonwa mvura inobva muna Rhine, bva rwizi urwu runoshatiswa kwazvo zvokuti gambura rinokukurwa pasi parwo rine ngozi zvikuru zvokusagona kushandiswa nokuda kwokuzadza nzvimbo dzapasi dzakadzikira!
Miitiro Yokurima
Nenzira inokatyamadza, munhu ari kutokuvadza ndimo yake. MuUnited States moga, 20 muzana yenyika yakatsaurwa nokuda kwokudiridzira yakakuvadzwa, mukuwirirana neScientific American. Neiko? Nemhaka yokuti kunyanyodiridzira kunowedzera munyu wakawandisa kuvhu. Nyika dzakawanda dzakaparadza nyika inokosha yakawanda neiyi nzira. “Nyika yakawanda zvakafanana zvino iri kubviswa mukubereka zvibereko nemhaka yomunyu neiri kupinzwa mukubereka zvibereko kupfurikidza negadziriro itsva dzokudiridzira,” inodaro The Earth Report. Chimwe chinetso chakapararira zvikuru kunyanyofura, uko kungave kuchigovera mukupararira kwamagwenga.
Motokari Dzakanyanyowanda
Tataura zvakakwana nokuda kwapasi redu nemvura. Asi zvakadiniko nomweya waro? Iwoyuwo uri kuparadzwa, uye vanyajambwa vacho vazhinji. Kungodudza chimwe chete, rangarira motokari. Dzinotevera inyevero dzinobva kumapepanhau esayenzi matatu anokosha: “Motokari dzinoparira kushatiswa kukuru kwomweya kupfuura mumwe mubato mumwe upi noupi wavanhu.” (New Scientist) “Panguva ino kune motokari dzakanyoreswa dzine mamirioni 500 papasi . . . Kuzadza matangi adzo kunopedza chinenge chikamu chimwe chezvitatu chokugadzirwa kwamafuta enyika. . . . Chiverengero chemotokari chiri kuwedzera nokukurumidza zvikuru kupfuura chiverengero chavagari vapasi.” (Scientific American) “Peturu [mafuta] munhambo dzose dzokugadzirwa, kushandisa nokurasa manyuko makuru okushata kwemhoteredzo nehosha.”—The Ecologist.
Hungu, pasi redu riri kushatiswa, kuparadzwa. Makungwa aro, mvura yokunwa, ndimo, uye kunyange mhepo yaro yakapoteredza pasi zviri kushatiswa kusvika kutambanuko hombe. Zvirokwazvo, ikoku kwoga kwaizokarakadza kuti nguva yava pedyo yokuti Mwari apindire ndoku“paradza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Zvisinei, kune dzimwe nzira, kunyange dzakaipa zvikuru, umo pasi riri kuparadzwa namo. Ngationei dzadziri chaizvo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
“Tinofanira kuchengetedza makungwa kana tichida kuponesa rudzi rwomunhu.”—Jacques Cousteau